Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rakandichinja Zvikuru”

“Rakandichinja Zvikuru”

“Rakandichinja Zvikuru”

Ndizvo zvakanyorwa nomumwe mukomana ane makore 12 wokuVirginia, U.S.A., pamusoro pebhuku idzva rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Akataura kuti rakamudzidzisa zvimwe zvinhu zvaakanga asingazivi uye zvaakanga asati ambonzwa. Akatsanangura kuti:

“Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rakandidzidzisa kuda Mwari nguva dzose, kutaura nezvake kuvanhu vose, uye kutaura naye mumunyengetero. Rakandidzidzisawo kukumbira Mwari kuti andibatsire nokundidzivirira. Ndakadzidza kuti munhu wose anoda Mwari uye anoita zvaanorayira achava muParadhiso.

“Rakandichinja zvikuru. Ndaigara ndichireva nhema, asi pandakatanga kuverenga bhuku iri, ndakarega kureva nhema. Zvinhu zvandakadzidza mubhuku iri zvakandipa chido chokuverenga mamwe mabhuku akafanana naro. Naizvozvo ndingafara kuverenga kuti ndizive zvakawanda nezvaMwari.”

Pamwe ndiwo manzwiro auchaitawo pauchaverenga bhuku iri rine mifananidzo yakanaka kwazvo rine mapeji 256 akaenzana neemagazini ino. Newewo ungangonakidzwa nokuverenga zvitsauko zvakadai sechinoti “Jesu Anotidzidzisa Kunyengetera,” “Chidzidzo Chokuva Nomutsa,” “Nzira Yokuwana Nayo Mufaro,” uye “Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema.” Unogona kukumbirawo rako nokunyora pakopani riri pasi apa woritumira kukero iripo kana kuti kukero yakakodzera yakanyorwa papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kudzidzisa chidzidzo pamusoro pokureva nhema