Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Panotangira Rusaruro

Panotangira Rusaruro

Panotangira Rusaruro

RUSARURO rungakonzerwa nezvinhu zvinoverengeka. Zvisinei, zvikonzero zviviri zvinonyatsozivikanwa ndeizvi (1) chido chokutsvaka wokupomera mhaka uye (2) kuvenga kunokonzerwa nezvakaitika kare.

Sezvaratidzwa munyaya yapfuura, panoitika njodzi, vanhu vanowanzotsvaka mumwe munhu wokupomera. Vanhu vakakurumbira pavanoramba vachipomera boka revanhu vashoma, kupomera kwacho kunodavirwa uye rusaruro runotanga. Kuti titaure nezvomuenzaniso unozivikanwa, kusamira zvakanaka kwoupfumi munyika dzoKumadokero, vashandi vanobva kune dzimwe nyika vanowanzopomerwa mhaka yokushayika kwemabasa—kunyange zvazvo vachiwanzoita mabasa anorambwa nevanhu vazhinji vomunyika idzodzo.

Asi harusi rusaruro rwose runotangira pakutsvaka mumwe munhu wokupomera mhaka. Rungatangirawo pane zvakaitika kare. “Hakusi kuwedzeredza kutaura kuti kutengeswa kwevaranda ndiko kwakakurudzira pfungwa yokusarurwa kwevanhu vatema,” unodaro mushumo weUNESCO Against Racism. Vatengesi vevaranda vakaedza kururamisa kutengesa kwavo kunonyadzisa vanhu kuburikidza nokutaura kuti vanhu vatema vakaderera. Rusaruro urwu rusina chikonzero ruchiripo, rwakazowedzerwa kuti rusanganisire mamwe marudzi anogara munyika dzinotongwa nedzimwe.

Kupota pasi rose, zvakaitika zvakafanana zvokudzvinyirira uye kusaruramisira zvinoita kuti rusaruro rurambe ruripo. Kuvengana kwevaKaturike nevaPurotesitendi muIreland kwakatanga muzana remakore rechi16 vatongi veEngland pavakatambudza uye kudzinga vaKaturike. Utsinye hwacho hwakatangwa nevaya vaizviti vaKristu muHondo dzechiKristudhomu huchiri kupa vaMuslim vokuMiddle East pfungwa dzisina kunaka. Kuvengana kwevanhu vokuSerbia nevokuCroatia muBalkan Peninsula kwakawedzerwa nokupondwa kwevanhuwo zvavo vakawanda muhondo yenyika yechipiri. Sezvinoratidzwa nemienzaniso iyi, zvakaitika zvinoratidza kuti kuvengana kwemapoka maviri kunogona kusimbisa rusaruro.

Kukudziridza Kusaziva

Mwoyo womwana muduku hauchengeti rusaruro. Kusiyana neizvi, vatsvakurudzi vanocherechedza kuti mwana anowanzoda kutamba nomumwe mwana werimwe dzinza. Zvisinei, paanozosvitsa makore 10 kana 11, angaramba vamwe vanhu vorumwe rudzi, dzinza, kana kuti chitendero. Mumakore ake okudzidza zvinhu, anowana pfungwa dzaangayeuka kwoupenyu hwose.

Pfungwa idzi dzinodzidzwa sei? Mwana anodzidza miitiro yakaipa—inoita zvokutaurwa neinoratidzwa nezviito—kutanga kubva kuvabereki vake uyewo kushamwari dzake kana kuti vadzidzisi. Gare gare vavakidzani, pepanhau, redhiyo, kana kuti terevhizheni zvingagona kumufurirawo. Kunyange zvazvo angave asina chaanoziva pamusoro peboka revanhu vaasiri kufarira, panguva yaanozova munhu mukuru, anenge agumisa kuti havakoshi uye havana kuvimbika. Angatovavenga.

Nemhaka yokuvandudzwa kwezvokufambisa uye zvokutengeserana, kuonana kwevanhu vane tsika dzakasiyana uye vemadzinza akasiyana kwakawedzera munyika dzakawanda. Kunyange zvakadaro, munhu anenge ava norusaruro rwakakura anowanzoomerera pazvinhu zvaagara achifunga. Anogona kuomerera pakupomera zviuru kana kutoti mamiriyoni evanhu, achifungidzira kuti vose vane humwe unhu hwakaipa. Chero chinhu chipi zvacho chakaipa chakaitika, kunyange kana chichibatanidza munhu mumwe chete weboka iroro, chinosimbisa kusarura kwake. Ukuwo, zvinhu zvakanaka zvakaitwa zvinowanzoregeredzwa sezvinongoitikawo hazvo.

Kusununguka

Kunyange zvazvo vanhu vachitaura kuti vanoshora rusaruro, vashoma ndivo vasingavhiringidzwi narwo. Kutaura zvazviri, vazhinji vanoitirwa rusaruro vangaomerera pakuti havasi. Vamwe vanoti hazvina basa, kazhinji kacho kana vanosarura vacho vasingaratidzi pachena rusaruro rwavo. Asi, zvinokosha kufunga nezvorusaruro nokuti runokuvadza uye runokamuranisa vanhu. Kana rusaruro ruchikonzerwa nokusaziva, kazhinji kacho ruvengo ndirwo runozoguma rwavapo. Munyori Charles Caleb Colton (1780?-1832) akataura kuti: “Tinovenga vamwe vanhu nokuti hativazivi; uye hatizovazivi nokuti tinovavenga.” Kunyange zvakadaro, kana rusaruro ruchigona kudzidzwa, runogonawo kusadzidzwa. Sei?

[Bhokisi riri papeji 7]

Chitendero—Chinokurudzira Rusaruro Here Kana Kuti Kusasarura?

Mubhuku rake rinonzi The Nature of Prejudice, Gordon W. Allport anotaura kuti “paavhareji, vemaChechi vanenge vanonyanya kuita rusaruro kupfuura vasiri.” Izvi hazvishamisi, nokuti chitendero kazhinji ndicho chave chichikonzera rusaruro panzvimbo pokurupedza. Somuenzaniso, vafundisi vakakurudzira kuvenga vaJudha kwemazana emakore. Maererano nebhuku rinonzi A History of Christianity, Hitler akamboti: “Kana totaura nezvevaJudha, ndiri kungopfuurira nomutemo wagara uripo wave uchishandiswa nechechi yeKaturike kwemakore 1 500.”

Paiitwa utsinye muBalkan Peninsula, dzidziso dzeOrthodox nedzechiKaturike dzinenge dzaisagona kuita kuti vanhu vasarege rusaruro uye kuremekedza vavakidzani vaiva nechimwe chitendero.

Saizvozvowo, muRwanda, nhengo dzechechi dzakaurayana. National Catholic Reporter yakaratidza kuti kurwisana kwakaitika ikoko kwaisanganisira “kuparadza rudzi chaiko uye kwechokwadi uye zvinosuruvarisa kuti vaKaturike vanotobatanidzwawo.”

Chechi yeKaturike yakaziva nezvomukurumbira wayo wokusarura. Mugore ra2000, Pope John Paul II akakumbira ruregerero nokuda “kwezvakakanganiswa kare” paMisa yakaitirwa muRome. Mumisa yacho, “kusagamuchira zvimwe zvitendero uye kusaruramisira vaJudha, vakadzi, uye vanhu vemo, vabvakure, varombo uye vasati vaberekwa” zvakanyatsotaurwa.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Pamusoro: Musasa wevapoteri, Bosnia neHerzegovina, October 20, 1995

Vaviri vevapoteri vokuBosnia neSerbia vakamirira kuti hondo yevagari vemo ipere

[Kwazvakatorwa]

Photo by Scott Peterson/Liaison

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kudzidziswa kuvenga

Mwana anogona kudzidza miitiro yakaipa kuvabereki vake, terevhizheni, uye kumwewo