Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanababa Vasingawaniri Mhuri Dzavo Nguva—Chinetso Chiri Kuramba Chichiwedzera

Vanababa Vasingawaniri Mhuri Dzavo Nguva—Chinetso Chiri Kuramba Chichiwedzera

Vanababa Vasingawaniri Mhuri Dzavo Nguva—Chinetso Chiri Kuramba Chichiwedzera

VANABABA vakawanda vari kusiya mhuri dzavo. Mukunopera kwema1990, pepanhau rinonzi USA Today rakati United States ndiyo “nyika ine mhuri dzakawanda dzisina vanababa kupfuura dzimwe nyika dzose.” Zvisinei, kusawanira mhuri nguva kwavanababa chinetso chenyika yose.

KuBrazil, mushumo wokuverengwa kwevanhu wakaitwa muna 2000 wakaratidza kuti nhamba yemhuri dzaitarisirwa nevakadzi yaiva mamiriyoni 11,2 pamamiriyoni 44,7. KuNicaragua, 25 muzana yevana vanogara navanaamai chete. KuCosta Rica nhamba yevana vasingazivikanwi navanababa vavo yakawedzera muma1990 kubva pa21,1 muzana kusvika ku30,4.

Nhamba dzenyika nhatu idzi dzinongoratidza zvazviri munyika yose. Funga nezvorumwe rudzi rwedambudziko ravanababa vasingawaniri mhuri dzavo nguva.

Varipo asi Vasingaonekwi

Tapota ona bhokisi rinoti “Baba, Muchauyazve Rini?” Nao, ava nemakore 23, anobvuma kuti: “Ndisati ndava kuenda kuchikoro, ndaisamboona Baba. Pane imwe nguva pavainge vava kuenda, ndakavateterera, ndichiti ‘Muchadzoka, handitika?’”

Ukama hwemhuri hwakaita sohwaNao nababa vake ndihwo hwakaita kuti munyori wokuPoland Piotr Szczukiewicz ati: “Zvinoita sokuti baba ndivo chinhu chinokosha chiri kushayikwa mumhuri.” Chokwadi, vanababa vakawanda vanogara nemhuri dzavo uye vanodziriritira. Zvisinei, sokunyora kunoita magazini yokuFrance inonzi Capital, “vanababa vakawanda zvikuru vanongogutsikana nokugovera zvokudya, vasingadzidzisi vana vavo.”

Kakawanda, zvinoitika ndezvokuti baba vanenge varimo mumhuri asi vasinei noupenyu hwevana vavo. Pfungwa dzavo dzinenge dziri pane zvimwe zvinhu. “Kunyange kana [baba] vacho varipo,” inodaro magazini yokuFrance inonzi Famille chrétienne, “pfungwa dzavo dzinenge dzisipo.” Nei pfungwa dzavanababa vakawanda kudaro nhasi dzisiri pamhuri dzavo?

Sokurondedzera kunoita magazini iri pamusoro apa, chikonzero chikuru ndechokuti “vanababa havanzwisisi basa ravo sababa kana kuti somurume.” Maererano nemaonero avanababa vakawanda, basa rababa vakanaka nderokungouya nemari inokwana kumba. Sokunyora kunoita munyori wokuPoland anonzi Józef Augustyn, “vanababa vakawanda vanofunga kuti vabereki vakanaka nokuti vanopa mhuri mari.” Asi ichocho chinongova chikamu chebasa rababa.

Chokwadi ndechokuti vana havayeri kukosha kwababa vavo nokuwanda kwemari yavanowana kana kuti kudhura kwezvipo zvavangavapa. Pane kudaro, zvinodiwa nevana chaizvo—kupfuura zvipo nokure—rudo rwababa vavo, nguva uye kutamba navo. Izvi ndizvo zvinonyatsokosha kwavari.

Kuzviongorora Patsva Kunokosha

Maererano nomushumo weJapanese Central Council for Education, “vanababa vanofanira kuongororazve mararamiro avo okupedzera nguva yakawanda zvikuru kubasa.” Mubvunzo ndewokuti, Baba vachachinja vachiitira vana vavo here? Pepanhau rokuGermany rinonzi Gießener Allgemeine rakashuma nezvokuongorora kwakaitwa apo vanababa vakawanda vakabvunzwa vakaramba kutora vana vavo sevanokosha kupfuura basa ravo.

Vaduku vangarwadziwa kwazvo nezvinoitwa navanababa vavo zvinoratidza sokuti havana hanya navo. Lidia, uyo ave nemakore 21, anonyatsoyeuka zvaiitwa nababa vake paaiva musikana muduku kuPoland. Anotsanangura kuti: “Vaisambotaura nesu. Aingova mazvake mazvake. Vaisaziva kuti ndaipedzera nguva yangu yokutandara ndiri kumadhisiko.” Saizvozvowo, Macarena, mumwe musikana ane makore 21 wokuSpain, anoti paaiva muduku, baba vake “vaienda kunonakidzwa neshamwari dzavo pakupera kwevhiki, uye kakawanda vaisadzoka kwemazuva anoverengeka.”

Kuziva Zvinokosha Chaizvo

Vanababa vakawanda vangaziva kuti havawani nguva yakakwana yokutamba nevana vavo. Vamwe baba vokuJapan vane mwanakomana ari kuyaruka vakati: “Ndinotarisira kuti mwana wangu achandinzwisisa. Ndinogara ndichifunga nezvake, kunyange pandinenge ndakabatikana.” Asi, kungoshuva kuti mwana achanzwisisa kuti nei baba vake vasipo kuchapedza chinetso chacho here?

Hapana mubvunzo kuti kushanda nesimba—chokwadi, kuzvipira—kunodiwa kuti ugutse zvinodiwa nomwana. Zviri pachena kuti kupa vana zvavanonyanya kuda—zvakadai sorudo nokuwana nguva yokutamba navo—hazvisi nyore. Jesu Kristu akati: “Munhu haangararami nechingwa [kana kuti, zvokudya] chete.” (Mateu 4:4) Ichokwadiwo kuti vana havangakuri zvakanaka kana vachingova nezvinhu zvokunyama chete. Sababa, unoda here kurega zvimwe zvingava zvichikosha zvikuru kwauri—nguva yako kana kuti zvimwe kukwidziridzwa pabasa—kuti uve nenguva yokuva nevana vako?

Pepanhau rinonzi Mainichi Daily News raFebruary 10, 1986 rakataura nezvababa vakazosvika pakunzwisisa kukosha kwakaita vana vavo. Rakashuma kuti: “Mumwe mukuru mukuru weJapanese National Railways (JNR) akasarudza kusiya basa pane kuti aparadzane nemhuri yake.” Pepanhau racho rakazotaura kuti mukuru mukuru wacho akati: “Basa rokuva mukuru mukuru rinogona kuitwa nomunhu chero upi zvake. Asi ini ndini chete baba vevana vangu.”

Kutaura zvazviri, danho rokutanga rokuva baba vakanaka nderokuziva kuti vana vanoda baba vorudzii. Ngationgororei zvinodiwa pakuva baba vakadaro.

[Bhokisi riri papeji 19]

“Baba, Muchauyazve Rini?”

Ndiwo mubvunzo wakabvunzwa naNao, musikana wokuJapan ane makore mashanu, achibvunza baba vake sezvavakanga vava kuenda kubasa rimwe zuva. Kunyange vaigara pamba, aisambovaona. Vaiwanzosvika vachibva kubasa Nao arara uye vaienda kubasa asati amuka.