VHIDHIYO 2
“Uyu Ndiye Mwanakomana Wangu”
(Yakareba: 52:46)
Johani Mubhabhatidzi anotaura nezvekuuya kwaMesiya. Jesu anotanga ushumiri hwake. Zvimwe zviri muvhidhiyo iyi ndeizvi:
Johani Mubhabhatidzi anotanga ushumiri hwake (Ruka 3:1, 2; Johani 1:6)
Johani anopupura nezvechiedza (Johani 1:7, 8)
Johani anoparidza nezverubhabhatidzo (Mateu 3:1-12; Ruka 3:3-18; Mako 1:1-8)
Kubhabhatidzwa kwaJesu (Mateu 3:13-17; Mako 1:9-11; Ruka 3:21, 22)
Jesu anotungamirirwa nemweya mutsvene kuenda kurenje (Mako 1:12, 13; Mateu 4:1; Ruka 4:1, 2)
Dzinza raJesu Kristu (Ruka 3:23-38; Mateu 1:1-17)
Jesu anokunda miedzo yaDhiyabhorosi (Mateu 4:2-11; Ruka 4:3-13)
Johani anobvuma kuti haasi iye Kristu, asi kuti pane mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje (Johani 1:19-28)
Johani anozivisa vanhu kuti Jesu ndiye “Gwayana raMwari” (Johani 1:29-31)
Johani anopupura nezvemweya wakadzika pana Jesu uye anotaura nezvekubhabhatidzwa nemweya mutsvene (Johani 1:32-34)
Vadzidzi vaJohani vanotevera Jesu (Johani 1:35-39)
Andreya anoenda namukoma wake Petro kuna Jesu (Johani 1:40-42)
Firipi naNatanieri vanova vadzidzi vaJesu (Johani 1:43-51)
Jesu anochinja mvura kuva waini pamuchato wekuKana kuGarireya (Johani 2:1-12)
Jesu anochenesa temberi kekutanga muJerusarema (Johani 2:13-17)
Jesu anotaura nevaJudha vaimupikisa nezvekumisa temberi mumazuva matatu (Johani 2:18-22)
Vakawanda vanotenda muna Jesu nemhaka yezvishamiso zvaanoita (Johani 2:23-25)

