Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu

Dzidza zvakawanda nezvaJesu Kristu Mwanakomana waMwari uye Muponesi wedu, mumavhidhiyo aya anotevedzana.

Vhidhiyo 1: Chiedza Chechokwadi Chinovhenekera Nyika

Vanhu vachaponeswa sei kubva pachivi chakakonzerwa naAdhamu? Mesiya ndiye ega achaita kuti vanhu vave netariro yekuponeswa.

Vhidhiyo 2: “Uyu Ndiye Mwanakomana Wangu”

Johani Mubhabhatidzi anogadzirira Mesiya nzira. Tarisa uone zvinhu zvinoshamisa zvinoratidza matangiro akaita Jesu ushumiri hwake panyika!

Vhidhiyo 3: “Ndini Wacho”

Jesu anotaura basa rake saMesiya kuna Nikodhimo, mukadzi muSamariya, uye kuvanhu vemuNazareta, asi vashoma chete vane mwoyo yakanaka ndivo vanotenda maari. Pashure pekunge aita chishamiso chinobaya mwoyo, anokoka vabati vehove vanozvininipisa kuti vamutevere.