Enda pane zvauri kuda

Purigatori Inotaurwa Nezvayo muBhaibheri Here?

Purigatori Inotaurwa Nezvayo muBhaibheri Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 MuBhaibheri hamuna shoko rekuti “purigatori,” uye haridzidzisi kuti mweya yevanhu vakafa inonotsveneswa mupurigatori. a Chimboona zvinotaurwa neBhaibheri nezvechivi uye rufu woona kuti zvakasiyana papi nedzidziso yepurigatori.

  •   Kutenda muropa raJesu ndiko kunotsvenesa munhu, kwete nguva yaanotora ari munzvimbo isiko zvachose, inonzi nevanhu purigatori. Bhaibheri rinoti, ‘Ropa raJesu Mwanakomana waMwari rinogeza zvitadzo zvedu zvose’ uye Bhaibheri rinotiwo, “Jesu Kristu . . . akatisunungura muzvitadzo zvedu neropa rake.” (1 Johani 1:7; Zvakazarurwa 1:5, Bhaibheri rine Apokirifa) Jesu ‘akapa upenyu hwake kuti hudzikinure vanhu vazhinji’ kuti vakanganwirwe zvivi zvavo.​—Mateu 20:28, Bhaibheri rine Apokirifa.

  •   Vakafa havana chavanoziva. “Vanhu vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, Bhaibheri rine Apokirifa) Munhu anenge afa haarwadziwi, saka haatsveneswe nemoto wepurigatori.

  •   Kana munhu afa haazomborwadziswi nekuda kwezvivi zvaakaita. Bhaibheri rinoti, “Mubayiro wechivi ndirwo rufu” uye rinotiwo “anenge afa asunungurwa pachivi.” (VaRoma 6:7, 23) Rufu ndicho chirango chakakwana chechivi.

a Bhuku rinonzi Orpheus: A General History of Religions paraitaura nezvepurigatori rakati, “Mumabhuku eEvhangeri hapana panotombotaurwa nezvayo.” New Catholic Encyclopedia inotiwo: “Paongororo dzakaitwa, zvakaonekwa kuti dzidziso yechechi yeRoma yepurigatori haibvi muMagwaro matsvene, asi inobva patsika dzevanhu.”​—Second Edition, Volume 11, peji 825.

b Ona New Catholic Encyclopedia, Second Edition, Volume 11, peji 824.