Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mazuva Okuberekwa?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mazuva Okuberekwa?

 Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazuva okuberekwa nokuti mhemberero dzakadaro hadzifadzi Mwari. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingarambidzi zviri pachena kupemberera mazuva okuberekwa, rinotibatsira kuziva kuti Mwari anoona sei zvinoitwa pamhemberero idzi. Ngationei kuti Bhaibheri rinotii nezvezvinhu 4 zvinoitwa pakupemberera mazuva okuberekwa.

  1.   Kupemberera mazuva okuberekwa kwakatangwa nevahedheni. Duramanzwi rinonzi Funk & Wagnalls Standard Dictionary of Folklore, Mythology, and Legend, rinoti mhemberero idzi dzakabva papfungwa yokuti pazuva rokuberekwa, “mweya yakaipa inowana mukana wokurwisa munhu” uye kuti “kana paine shamwari dziri kumukorokotedza nokumushuvira zvakanaka, zvinobatsira kuti adzivirirwe.” Bhuku rinonzi The Lore of Birthdays rinoti munguva dzekare, kunyora pasi mazuva okuberekwa “kwaikosha pakuzofembera zvichaitika mune ramangwana remunhu” pachishandiswa “mafambiro anoita nyeredzi muchadenga.” Bhuku iri rinowedzera kuti “makenduru anoshandiswa pakupemberera zuva rokuberekwa, ane simba remashiripiti rinoita kuti munhu awane zvaanenge achishuvira.”

     Asi, Bhaibheri rinorambidza kuita zvemashiripiti, kushopera, kuita zvemidzimu kana “chero chinhu chipi zvacho chakaita seichi.” (Dheuteronomio 18:14; VaGaratiya 5:​19-​21) Chimwe chezvikonzero zvakaita kuti Bhabhironi riparadzwe naMwari chaiva chekuti vagari vemo vaifembera vachishandisa nyeredzi. Zvavaitoita kwaitova kushopera. (Isaya 47:11-​15) Zvapupu zvaJehovha hazvigare zvichiongorora kuti tutsika tunoitwa pamhemberero imwe neimwe twakatanga sei, asi kana Bhaibheri richiratidza kuti zvinoitwa pamhemberero idzodzo hazvifadzi Mwari, tinobva tateerera zvarinotaura.

  2.   VaKristu vepakutanga havana kupemberera mazuva okuberekwa. The World Book Encyclopedia rinoti “vaiona kupemberera kuberekwa kwemunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.” Bhaibheri rinoratidza kuti zvinhu izvo Jesu akadzidzisa vaapostora uye vamwe vanhu ndizvo zvinofanira kuitwa nevaKristu vose mazuva ano.​—2 VaTesaronika 3:6.

  3.   VaKristu vanosungirwa kuchengeta zuva rokufa kwaJesu, kwete rokuberekwa kwake. (Ruka 22:17-20) Izvi hazvishamisi nokuti Bhaibheri rinoti “zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa.” (Muparidzi 7:1) Jesu paakafa akanga azviitira zita rakanaka naMwari, zvichibva zvaita kuti zuva rokufa kwake rinyanye kukosha kupfuura zuva raakaberekwa.​—VaHebheru 1:4.

  4.   Bhaibheri harina kana mushumiri waMwari warinoti akapemberera zuva rokuberekwa. Hatingati zvakakanganwika kunyorwa nokuti muBhaibheri munototaurwa nezvevanhu vaviri vakanga vasingashumiri Mwari vakapemberera mazuva avo okuberekwa. Asi pamhemberero dzacho dziri mbiri pakaitika zvinhu zvakaipa.​—Genesisi 40:20-22; Mako 6:21-29.

Vana veZvapupu vanonzwa sokuti vari kurasikirwa here vamwe pavanenge vachipemberera mazuva okuberekwa?

 Sezvinongoitwawo nemubereki wose anoda vana vake, Zvapupu zvinoratidza kuti zvinoda vana vazvo nokuvapa zvipo uye nokumbowana nguva yekuungana vachifara zvavo chero nguva mukati megore rose. Vanoedza kutevedzera Mwari, uyo anogara achipa vana vake zvinhu zvakanaka. (Mateu 7:11) Vana veZvapupu havanzwi sokuti vari kurasikirwa. Inzwa zvakataurwa nevamwe vana veZvapupu:

  •   Tammy ane makore 12 anoti, “Ndinofara chaizvo pandinopiwa chipo ndisingambozvitarisiri.”

  •   Gregory ane makore 11 anoti, “Kunyange zvazvo ndisingapiwi zvipo pazuva rangu rokuberekwa, vabereki vangu vanonditengera zvipo pane dzimwewo nguva. Izvozvo zvinondifadza nokuti vanondipa ndisingatarisiri.”

  •   Eric ane makore 6 anoti, “Unofunga kuti kudya tumakeke nekuimbirwa rwiyo mumaminitsi 10 ndiyo pati here? Huya kumba kwedu uzoona inonzi pati!”