Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Nyaya Yekurambana?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Nyaya Yekurambana?

 Tinotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuroorana uye kurambana. Mwari paakatanga wanano aida kuti murume nemudzimai vagare vese kweupenyu hwese. Magwaro anoti vanongofanira kurambana kana mumwe pakati pavo aita upombwe.​—Mateu 19:5, 6, 9.

Zvapupu zvinobatsira here vanhu vane wanano dzisiri kufamba zvakanaka?

 Ehe, nenzira dzakasiyana siyana:

  •   Mabhuku nezvimwewo. Munogara muchibudiswa nyaya dzinogona kusimbisa wanano, kunyange dziya dzingaita sedzisingachagadzirisiki. Semuenzaniso, ona nyaya dzinotevera, “Kuramba Wakazvipira Muimba Yako,” “Zvaungaita Kuti Ukanganwire Mumwe Wako,” uye “Kuedza Kuvimbazve Nomumwe Wako.”

  •   Misangano. Tinokurukura mazano eBhaibheri anoshanda muwanano. Tinoita izvi pamisangano yedu yeungano uye pamagungano.

  •   Vakuru. Vakuru veungano vanobatsira mhuri imwe neimwe, vachiita kuti vakaroorana vacho vafunge nezvemagwaro akadai saVaEfeso 5:22-25.

Vakuru veungano vanofanira here kuudza chimwe Chapupu kuti chirambane nemumwe wacho?

 Kwete. Kunyange kana vakuru vakakumbirwa kuti vabatsire mhuri inenge iine wanano isiri kufamba zvakanaka, havana mvumo yekuudza mhuri yacho zvekuita. (VaGaratiya 6:5) Asi munhu anosarudza kuramba mumwe wake pasina chikonzero chemuMagwaro anenge asina kusununguka kuroorazve kana kuti kuroorwazve.​—1 Timoti 3:1, 5, 12.

Zvapupu zvinoona sei nyaya yekuparadzana?

 Bhaibheri rinokurudzira vakaroorana kuti varambe vari vese kunyange kana wanano yavo isiri kunyatsofamba zvakanaka. (1 VaKorinde 7:10-16) Zvinhu zvakawanda zvinoita kuti wanano isafamba zvakanaka zvinogona kugadziriswa nekunyengetera nemwoyo wese, kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri uye kuratidzana rudo.​—1 VaKorinde 13:4-8; VaGaratiya 5:22.

 Kunyange zvakadaro, vamwe vaKristu vakasarudza kuparadzana newavakaroorana naye zvinhu zvakaita seizvi pazvakaitika:

  •   Kuramba kuriritira mhuri.​—1 Timoti 5:8.

  •   Kurikitwa.​—Pisarema 11:5.

  •   Kutadziswa kunamata. Semuenzaniso, murume kana kuti mudzimai anogona kumanikidza mumwe wake ari Chapupu kuti atyore mitemo yaMwari, uye anenge achimanikidzwa wacho angaona sekuti kuparadzana ndiyo chete nzira ichaita kuti akwanise “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”​—Mabasa 5:29.