Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ASTER PARKER | NYAYA YEUPENYU

Ndaida Kurarama Upenyu Hwekunyatsozvipira Kuna Jehovha

Ndaida Kurarama Upenyu Hwekunyatsozvipira Kuna Jehovha

 Ndinotenda kuti vabereki vangu vakandidzidzisa chokwadi kubvira ndichiri mudiki. Vakandidzidzisa kuti ndide Jehovha vachishandisa mifananidzo nenyaya zvaive mubhuku rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanikwazve. Zvinhu zvandaidzidza ndaizviudzawo vamwe nemwoyo wese. Ndaiudza vamwe vana vaigara pedyo nesu uyewo sekuru vangu pavaiuya kuzotiona. Vabereki vangu vaigara vachiita zvinhu zvekunamata pamwe chete nesu, uye izvi zvakatibatsira kuti tisanyanya kuomerwa nekuchinja zvinhu patakatama tichibva kuAsmara, Eritrea, tichienda kuAddis Ababa, Ethiopia.

 Ndakatanga kuda chokwadi ndichiri mudiki chaizvo. Ndaida kuzvitsaurira kuna Jehovha ndobhabhatidzwa. Pandakanga ndava nemakore 13 ndakafara kuti ndakabva ndabhabhatidzwa. Pandainge ndava nemakore 14, Hama Helge Linck a vakandibvunza kana ndakanga ndambofunga nezvekushumira sapiyona. Ndichiri kunyatsozviyeuka. Kunyange zvazvo baba naamai vangu vainge vamboshumira semapiyona (ava kunzi mapiyona ebetsero) ndakanga ndisingambozivi kuti kuva piyona wenguva dzese kuita sei. Mubvunzo wandakabvunzwa naHama Linck wakaita sembeu yakanga yadyarwa mumwoyo mangu; ndakatanga kuva nechido chekuitira Jehovha zvakawanda.

Ndichiri kuyaruka, ndiine hanzvadzi yangu Josiah

Kubatsirwa Kuti Tigadzirire Kutambudzwa

 Muna 1974, nyaya dzezvematongerwo enyika dzakanga dzichinetsa muEthiopia zvikakonzera kusagadzikana zvekuti vanhu vaisungwa uye vamwe vaiurayiwa. Nekufamba kwenguva takanga tisisakwanisi kuparidza paimba neimba uye takanga tava kupinda misangano tiri mumapoka madiki. Vabereki vangu vakatanga kutibatsira isu vana kuti tigadzirire kumwezve kupikiswa. Kuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri kwakatibatsira kunzwisisa kuti zvinorevei kana zvichinzi vaKristu havana divi ravanotsigira. Takadzidza kuti Jehovha aizotibatsira kuziva zvataizofanira kutaura kana tabvunzwa uye kuti pamwe pacho taizofanira kuramba takanyarara.—Mateu 10:19; 27:12, 14.

AFP PHOTO

Painetsa zvematongerwo enyika, muna 1974

 Pandakapedza chikoro ndakatanga kushandira Ethiopian Airlines. Mumwe musi ndichisvika kubasa mangwanani, vandaishanda navo vakandikorokotedza nekuti ndainge ndasarudzwa kuti nditungamirire vanhu vaifora pamhemberero yaiitwa nehurumende. Ndakabva ndakurumidza kuudza mukuru wangu webasa kuti ndakanga ndisiri kuzobatanidzwa pamhemberero iyoyo nemhaka yezvandaitenda.

 Mangwana acho pandaishandira panhandare yendege, ndakaona nechekure vamwe varume vaiva nepfuti dzainge dziri pamapfudzi avo, vachifamba vakananga kwaiitwa zvematiketi. Ndakafungidzira kuti vainge vauya kuzosunga mumwe munhu aiedza kutiza munyika. Asi vakabva vatanga kundinongedzera nezvigunwe. Ndakanetseka kuti vainditsvagirei. Ndainge ndatanga zuva rangu zvakanaka semazuva ese, asi zvinhu zvakabva zvangokurumidza kuchinja.

Kubatsirwa Mujeri

 Ndakatorwa nemasoja akandiendesa kune imwe hofisi kwaakanondibvunzurudza kwemaawa akawanda. Vaindibvunza zvehasha vachiti “Ndiani anobhadhara Zvapupu zvaJehovha? Unoshandira Eritrean Liberation Front here? Iwewe nababa vako munoshandira hurumende yeUnited States here?” Izvi zvaigona kuita kuti ndinetseke chaizvo, asi ndinotenda kuti Jehovha akandibatsira kuti ndidzikame.—VaFiripi 4:6, 7.

 Masoja acho paakapedza kundibvunzurudza, akandiendesa kune imwe imba yakanga yava kushandiswa sejeri, ndokundiisa mune rimwe kamuri diki rainge rakazara vakadzi vechidiki 15 vainge vasungirwa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Pandaishandira kambani yendege

 Usiku hwemusi iwoyo, pandainge ndakarara pasi ndichiine hembe dzangu dzekubasa, ndakashushikana ndichifunga kunetseka kwaiita vabereki vangu, hanzvadzi dzangu nevanin’ina vangu. Vakanga vachiziva kuti ndakanga ndasungwa asi vakanga vasiri kuziva kuti ndakanga ndiri kupi. Ndakakumbira Jehovha kuti avabatsire kuti vazive kwandaiva.

 Pandakamuka mangwanani, ndakaona mumwe gadhi wechidiki ndikabva ndamuziva. Paakandiona akashamisika, akati, “Aster, uri kuitei kuno?” Ndakamukumbira kuti aende kumba kwedu kunoudza vabereki vangu kwandaiva. Pave paya musi iwoyo, ndakaunzirwa chikafu nehembe kubva kuvabereki vangu. Gadhi uya akanga avaudza kwandaiva. Jehovha akanga apindura munyengetero wangu! Izvi zvakaita kuti ndive nechivimbo chekuti ndaisava ndega.

 Ndaisabvumidzwa kuva neBhaibheri kana mamwe mabhuku, uye vemumhuri mangu neshamwari vaisabvumidzwa kuuya kuzondiona. Asi Jehovha akandikurudzira achishandisa vamwe vasungwa vandaive navo. Ndaivaparidzira mazuva ese uye vaibayiwa mwoyo nechokwadi chavaidzidza nezveUmambo hwaMwari. Vaigara vachindiudza kuti, “Isu tiri kurwira hurumende dzevanhu, asi iwe uri kurwira hurumende yaMwari. Usadzokera kumashure kunyange vakakutyisidzira vachiti vachakuuraya!”

 Dzimwe nguva magadhi aibvunzurudza vasungwa achivarova. Rimwe zuva vakandivinga kuma11 dzeusiku. Patakapinda mukamuri ravaibvunzurudzira vanhu, vakatanga kundipomera zvinhu zvakawanda. Vakanditi handina kutsigira hurumende. Uye pandakaramba kuita sirogani yezvematongerwo enyika, magadhi maviri echirume akandirova. Magadhi aigara achindiita izvi kakawanda chaizvo. Pese pavainditora ndainyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha uye ndainzwa kuti ari kunditsigira.

 Papera mwedzi mitatu, mumwe gadhi akauya akandiudza kuti ndainge ndasunungurwa. Kunyange zvazvo ndakashamisika uye ndakafara, ndakaitawo kakurwadziwa nekuti ndakanga ndava kunakidzwa nekuudza vakadzi vechidiki vandaive navo mujeri mashoko anopa tariro pamusoro peUmambo.

 Papera mwedzi mishoma ndasunungurwa, rimwe zuva ndisiri pamba masoja akauya akasunga vanin’ina vangu vaviri nehanzvadzi yangu. Pazvakaitika ndakaona kuti zvaive nani kuti nditize munyika yacho. Kunyange zvazvo ndairwadziwa nekuparadzana zvakare nemhuri yangu, amai vangu vakandikurudzira kuti ndishinge uye ndivimbe naJehovha. Pasina nguva ndakabva ndakwira ndege ndokuenda kuUnited States. Manheru emusi iwoyo, masoja akauya kumba kwedu kuti azondisunga zvakare. Pavakandishaya vakabva vamhanyira kunhandare yendege, asi pavakazosvika ndege yainge yatosimuka.

 Ndakasvika muMaryland uye ndakagamuchirwa naHaywood naJoan Ward, mamishinari ainge adzidza Bhaibheri nevabereki vangu. Papera mwedzi 5, ndakazadzisa chinangwa changu chekuva piyona. Ndakatanga kupayona nemwanasikana waHama naHanzvadzi Ward ainzi Cyndi, uye tainakidzwa chaizvo neushumiri pamwe chete.

Ndiina Cyndi Ward wandaipayona naye

Kushumira Mwari Zvizere paBheteri

Pandaishanda nemurume wangu paBheteri rekuWallkill, muNew York

 Nechepakati pegore ra1979, ndakashanyira Bheteri muNew York uye ndakasangana naWesley Parker. Ndakafarira unhu hwake hwakanaka uye kuti aida kuita zvakawanda pakushumira Jehovha. Takachata muna 1981, uye ndakabva ndaenda kuWallkill, New York, kunoshanda paBheteri pamwe chete naWesley. Ndakashandira mudhipatimendi rinochenesa dzimba uyewo rinowacha hembe. Pave paya ndakazoshanda nevanoita zveMEPS vaiva mudhipatimendi remakombiyuta. Kushanda paBheteri kwakandipa mukana wekushumira Jehovha zvizere uye wekuzivana nehama nehanzvadzi idzo dzichiri shamwari dzedu nanhasi.

 Asi vemumhuri mangu vakanga vasara kumba kuEthiopia vaitambudzwa zvisingaiti uye zvaiita kuti ndishungurudzike. Hanzvadzi yangu nevanin’ina vangu vaviri vainge vachiri mujeri. b Zuva rega rega, amai vangu vaivabikira nekuvaendesera zvekudya nekuti vaisazvipiwa kujeri.

 Panguva iyoyo yaishungurudza, Jehovha akava nzvimbo yangu yekupotera, uye mhuri yeBheteri yakandinyaradza nekunditsigira. (Mako 10:29, 30) Rimwe zuva, Hama John Booth vakandiudza kuti: “Tiri kufara chaizvo kuti uri kushanda pano paBheteri. Zvaisazokwanisika kudai Jehovha akanga asiri kukukomborera.” c Mashoko iwayo anokurudzira akaita kuti ndiwedzere kuva nechivimbo chekuti Jehovha ainge akomborera chisarudzo changu chekubva kuEthiopia uye kuti aizochengeta vemumhuri yangu.

Kushumira Jehovha Semhuri

 Muna January 1989, takaudzwa kuti ndakanga ndava nepamuviri. Pakutanga takapererwa! Asi pashure pemazuva mashoma, kutya kwataiita kwakapera uye takatanga kufara. Asi tainetseka kuti tichava vabereki vakaita sei, tichagara kupi, uye kuti tichazviriritira sei kana tabva paBheteri.

 Musi wa15 April 1989, takarongedza zvinhu mumotokari ndokubva tananga kuOregon, kwataizoenderera mberi nebasa renguva yakazara semapiyona. Asi tichingosvika, dzimwe shamwari dzedu, dzichifunga nezvemamiriro edu ezvinhu dzakatiudza kuti zvaigona kutiomera kuti tipayone. Zvechokwadiwo taiva tisina mari yakawanda uyewo pasina nguva taizova nemwana. Saka taizoita sei? Ndipo patakabva tashanyirwa nemutariri wedu wedunhu, Hama Guy Pierce nemudzimai wavo, Penny. d Vakatikurudzira kuti tienderere mberi nezvatainge takaronga. Saka takatanga kushumira semapiyona tichivimba kuti Jehovha aizotibatsira. (Maraki 3:10) Takaramba tichipayona pashure pekunge tava nemwanakomana wedu wekutanga Lemuel, uye tava newechipiri Jadon.

 Kupayona kwatakaita nevanakomana vedu vari vadiki chinhu chatinokoshesa chaizvo. Basa rekupayona rakatipa mikana yakawanda yekutsanangura chokwadi chiri muBhaibheri kuvavakidzani vedu uyewo kuvanakomana vedu. (Dheuteronomi 11:19) Asi patakazova nemwanakomana wechitatu Japheth, takabva tambomira kupayona kwekanguva.—Mika 6:8.

Takadzidzisa Vanakomana Vedu Kushumira Jehovha

 Takaona kuti basa rinonyanya kukosha rataiva naro sevabereki rakanga riri rekubatsira vanakomana vedu kuti mumwe nemumwe wavo ave neushamwari hwake pachake naJehovha. Saka kuti tikwanise kuzviita, takaedza kuita kuti vana vedu vagare vachinakidzwa nekunamata kwemhuri. Pavainge vachiri vadiki, taivaverengera nyaya dziri mubhuku rakanzi Kuterera kunoMudzidzisi Mukuru uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Taitomboita mitambo yedzimwe nyaya dzacho. Ndini ndega munhu wechidzimai aiva pamba, saka patakaita mutambo wenyaya yaJezebheri, ndini ndakanga ndiri Jezebheri wacho. Pamutambo wacho vana vedu vaifarira pekuita sevari kundisundidzira pasi kuti ndidonhe, uye pekunyepedzera kuita kunge imbwa. Kuwedzera pakunamata kwemhuri kwataiita, Wesley aidzidza Bhaibheri nemwana mumwe nemumwe.

 Taida vana vedu uye taiva nehanya navo, uye taitonyengetera kuti tirambe tichiwirirana semhuri. Pavaikura, taivadzidzisawo mamwe mabasa. Vaisuka ndiro, vaitsvaira dzimba dzavo, uye vaiwacha hembe dzavo. Takatovadzidzisawo kubika.

 Vana vedu handivo chete vaidzidza, nesuwo vacho taitodzidzawo. Pane dzimwe nguva taigumbuka chaizvo zvekusvika pakutaura mashoko asina kunaka kuvana vedu, kana kutoudzana isu pachedu. Pakadaro tairatidza kuzvininipisa, tokumbirana ruregerero.

 Taigara tichikoka hama nehanzvadzi dzemuungano medu, uye taikokawo vekuBheteri, mamishinari, vatariri vematunhu, nevaya vaishumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. (VaRoma 12:13) Vaenzi pavaiuya, taisaita kuti vana vedu vaende kunotamba vari kwavo vega. Taigarawo navo vachinakidzwa nenyaya dzainge dzichitaurwa. Kakawanda kacho, vana vedu vaiyeuka zvinhu zvakawanda zvainge zvataurwa kupfuura zvataiyeuka ini naWesley.

 Ini naWesley takashanda nesimba kuti tinakidzwe nekushumira Jehovha. Semuenzaniso, taigara takaronga nguva yedu uye tichichengeta mari kuti tizoshanyira nyika dzakasiyana-siyana. Pese pataienda kune imwe nyika, taibva tanoona bazi reko, topinda misangano yeungano uye toitawo ushumiri. Takasvika pakunyatsoda sangano raJehovha riri pasi rese, uye takawedzera kuwirirana semhuri.

Tichiona mahofisi makuru semhuri kuBrooklyn, New York, muna 2013

Kuramba Takanyatsozvipira Pakushumira Jehovha

 Takaona kuti munharaunda yataigara, maiva nevanhu vakawanda vaitaura chiSpanish, asi vakanga vasingagari vachiparidzirwa. Saka vana vedu pavainge vachiri vadiki, takabvunza Hama Pierce kuti vaitiwo kudii nezvezvataifunga zvekutamira kuungano yaitaura chiSpanish. Vakabva vanyemwerera ndokuti, “Kana uri mubati wehove, unoenda kune hove dzacho.” Takurudzirwa kudaro, takabva tatamira kuungano yechiSpanish yaiva muWoodburn, kuOregon. Takafara kuti takatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vaishandisa zvavaidzidza, tikabatsira vamwe kusvika vabhabhatidzwa, uye tikaona boka diki rechiSpanish richikura kuva ungano.

 Pane imwe nguva, Wesley akapererwa nebasa, saka takanga tava kufanira kutama tichienda kuCalifornia kwaakanga awana rimwe. Pashure pemakore maviri, ini, Lemuel, naJadon takasarudza kutanga kupayona. Muna 2007, ndakafara chaizvo kupinda Chikoro Chebasa Reupiyona pamwe chete navo. Tichingopedza chikoro chemapiyona, takaona kuti mundima yedu makanga muine vanhu vakawanda vaitaura chiArabic. Saka pashure pemakore 13 tiri mundima yechiSpanish, mhuri yedu yakasarudza kupinda neungano yechiArabic. Takanakidzwa nekuparidzira vanhu vanotaura chiArabic vainge vatamira munyika yedu uyewo kuenda kune dzimwe nyika pairongwa mishandirapamwe. Iye zvino tichiri kushumira semapiyona mundima inotaurwa chiArabic muSan Diego, kuCalifornia.

 Wesley murume akanaka uye anotungamirira mhuri zvakanaka. Anoremekedza chaizvo sangano raJehovha. Hapana paakambotaura zvakaipa nezveBheteri kana maitirwo ezvinhu muungano. Nguva dzese anotowana chinhu chakanaka chekutaura. Anonyengetera neni, uye anondinyengeterera. Patinosangana nemamiriro ezvinhu akaoma, minyengetero yake inondinyaradza uye inondibatsira kuti ndirambe ndakadzikama.

 Tichitarisa kwatabva, tinofara chaizvo kuti takakwanisa kuita basa renguva yakazara, kurera vana uye kushumira muungano dzaidiwa vaparidzi vakawanda. Takaona kuti Jehovha anokomborera vaya vanomuisa pekutanga muupenyu hwavo uye hatina kana chatakamboshaya. (Pisarema 37:25) Ndinogutsikana kuti ndakaita chisarudzo chakanaka chekusarudza upenyu hwekunyatsozvipira kuna Jehovha.—Pisarema 84:10.

Vandiinavo, kubva kuruboshwe: Japheth, Lemuel, Jadon, uye Wesley

a Hama Linck vaishandira pahofisi yebazi remuKenya iro raiona nezvebasa raiitwa muEthiopia.

b Vanin’ina vangu nehanzvadzi yangu vakazobudiswa mujeri papera makore 4.

c Hama Booth vakashanda senhengo yeDare Rinotungamirira kusvikira pavakapedza upenyu hwavo hwepanyika muna 1996.

d Hama Pierce vakazoshanda senhengo yeDare Rinotungamirira kusvikira pavakapedza upenyu hwavo hwepanyika muna 2014.