Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maremagnum/Corbis Documentary via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Hondo yeAmagedhoni Ichatangira Munyika yeIsrael Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Hondo yeAmagedhoni Ichatangira Munyika yeIsrael Here?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Bhaibheri haridzidzisi kuti Amagedhoni ihondo ichangorwiwa munzvimbo imwe chete yepanyika asi kuti ihondo icharwiwa pakati paMwari nehurumende dzese dzepanyika.

  •   “Kutaura . . . kwakafemerwa nemadhimoni . . . kunoenda kumadzimambo enyika yese kuti kuaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose. . . .Uye kutaura kwacho kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.”—Zvakazarurwa 16:14, 16.

 Shoko rekuti “Amagedhoni” rinobva pashoko rechiHebheru rekuti Har Meghid·dohnʹ, iro rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” Megidho raiva guta raiva munyika yeIsrael yekare. Izvi ndizvo zvinoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti hondo yeAmagedhoni icharwiwa munyika yeIsrael. Asi nzvimbo yeMegidho nedzimwe nzvimbo dziri muMiddle East hadzina kukura zvekuti dzingakwana ‘madzimambo enyika yese’ nemauto awo.

 Munyori webhuku raZvakazarurwa akanyora zviratidzo zvaaipiwa. (Zvakazarurwa 1:1) Saka Amagedhoni haisi nzvimbo chaiyo asi shoko racho rinoreva mamiriro ezvinhu achavapo pasi rese panguva ichabatana nyika dzese kuti dzirwisane neutongi hwaMwari.—Zvakazarurwa 19:11-16, 19-21.