Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kuteerera Kuri Nani Kupfuura Chibayiro”

“Kuteerera Kuri Nani Kupfuura Chibayiro”

“Kuteerera Kuri Nani Kupfuura Chibayiro”

SAURO ndiye aiva mambo wokutanga wevaIsraeri. Kunyange zvazvo akasarudzwa naMwari wechokwadi, akapedzisira asisateereri.

Sauro akatadzei? Aigona kuita kuti asatadza here? Tingabatsirwa sei nokuongorora muenzaniso wake?

Jehovha Anoudza Vanhu Mambo Waakasarudza

Sauro asati ava mambo, muprofita Samueri ndiye aiva mumiririri waMwari. Samueri akanga zvino achembera, uye vana vake vakanga vasina kutendeka. Ukuwo nyika yakanga yakaburitsirwa ziso nevavengi. Varume vakuru veIsraeri pavakakumbira Samueri kuti avasarudzire mambo aizovatonga nokuvatungamirira kuhondo, Jehovha akatungamirira muprofita wake kuti anozodza Sauro samambo ndokuti: “Achaponesa vanhu vangu paruoko rwevaFiristiya.”—1 Sam. 8:4-7, 20; 9:16.

Sauro “aiva muduku uye akanaka.” Runako rwake handirwo chete rwaiyemurika paari. Aizvininipisawo. Somuenzaniso, Sauro akabvunza Samueri kuti: “Handisi muBhenjamini wedzinza duku pamadzinza aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi iyo isingakoshi kwazvo pamhuri dzose dzedzinza raBhenjamini here? Saka nei mataura neni chinhu chakadai?” Sauro aiva nemwero pamaonero aaizviita uye maonero aaiita mhuri yake, kunyange zvazvo baba vake Kishi vaiva “nepfuma yakawanda.”—1 Sam. 9:1, 2, 21.

Fungawo zvakaitwa naSauro pakaziviswa vanhu naSamueri mambo akanga asarudzwa naJehovha. Samueri akatanga azodza Sauro pasina vamwe vanhu ndokumuudza kuti: “Ita zvinogona kuitwa noruoko rwako, nokuti Mwari wechokwadi anewe.” Izvi zvapera, muprofita wacho akazounganidza vanhu kuti avazivise mambo akanga asarudzwa naJehovha. Zvisinei, pavakaudzwa kuti mambo wacho aizova Sauro, vakamushaya kwaakanga ari. Nokunyara Sauro akanga akahwanda. Jehovha akavaudza paakanga ari, Sauro akabva agamuchirwa noruzhinji samambo.—1 Sam. 10:7, 20-24.

Kuhondo

Kana paiva neaifunga kuti Sauro aisakwanisa kutungamirira aizvinyepera. VaAmoni pavakada kurwisa rimwe guta reIsraeri, “mudzimu waMwari wakashanda pana Sauro.” Akashandisa masimba ake kuunganidza varwi, akavaronga, ndokuvatungamirira kusvikira vakunda. Asi Sauro haana kuzvirumbidza asi akarumbidza Mwari, achiti: “Nhasi Jehovha aponesa pakati paIsraeri.”—1 Sam. 11:1-13.

Sauro aiva neunhu hwakanaka uye aikomborerwa naMwari. Ainzwisisawo kuti aibatsirwa nesimba raJehovha. Zvisinei kuti vaIsraeri namambo wavo varambe vachibudirira, vane chinhu chimwe chete chaikosha chavaifanira kuita. Samueri akaudza vaIsraeri kuti: “Kana muchizotya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, uye musingazopandukiri murayiro waJehovha, imi namambo achakutongai muchava vateveri vaJehovha Mwari wenyu.” VaIsraeri vaizova nechokwadi nechii dai vairamba vakatendeka kuna Mwari? Samueri akati: “Jehovha haazosiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha akazvifungira oga kuti akuitei vanhu vake.”—1 Sam. 12:14, 22.

Kuteerera ndicho chinhu chaikosha chaizvo kuti munhu afarirwe naMwari, uye nanhasi ndizvo zvazviri. Kana vashumiri vaJehovha vakateerera mirayiro yake, iye anovakomborera. Ko kana vakasateerera Jehovha?

“Waita Zvoupenzi”

Zvakazoitwa naSauro kuvaFiristiya zvakaita kuti vashatirwe. Mauto akawanda “sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa” akaronga kuzorwisa Sauro. “Varume vaIsraeri vakaona kuti vakanga vachitambudzika kwazvo, nokuti vanhu vakanga vamanikidzwa kwazvo; uye vanhu vakavanda mumapako nomumakomba nomumabwe nomuninga nomumakomba emvura.” (1 Sam. 13:5, 6) Saka Sauro aizoita sei?

Samueri akanga audza Sauro kuti aizosangana naye kuGirigari, uko muprofita uyu aizopira zvibayiro. Sauro akamirira, asi Samueri akanonoka kuuya, uto raSauro ndokuti waziva kwake waziva kwake. Saka Sauro akaona zviri nani kuti ape oga zvibayiro zvacho. Achingopedza, Samueri achiti vhuu. Paakanzwa zvakanga zvaitwa naSauro, Samueri akamuudza kuti: “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako waakakurayira, nokuti, kudai wanga wadaro, Jehovha aizosimbisa umambo hwako pavaIsraeri nokusingagumi. Zvino umambo hwako hahuzogari. Jehovha achazvitsvakira munhu anodiwa nomwoyo wake; uye Jehovha achamurayira kuti ave mutungamiriri wevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakarayirwa naJehovha.”—1 Sam. 10:8; 13:8, 13, 14.

Nemhaka yokusava nokutenda Sauro akazvikudza ndokusarudza kusateerera murayiro waMwari wokuti amirire Samueri kuti auye kuzopa zvibayiro. Funga kusiyana kwakaita zvakaitwa naSauro nezvakaitwa naGidhiyoni, uyo aimbotungamirira mauto evaIsraeri! Jehovha akaudza Gidhiyoni kuti aderedze mauto ake kubva ku32 000 kusvika ku300, uye Gidhiyoni akateerera. Chii chakaita kuti ateerere? Aiva nokutenda muna Jehovha. Achibatsirwa naMwari, akakurira mauto 135 000 akanga apinda nechisimba munyika. (Vat. 7:1-7, 17-22; 8:10) Jehovha aigonawo kubatsira Sauro saizvozvo. Nemhaka yokusateerera kwaSauro, vaFiristiya vakakurira Israeri vakapamba zvavaida.—1 Sam. 13:17, 18.

Kana zvinhu zvatiomera tinoita sei? Kuvanhu vasina kutenda, kusateerera mirayiro yaMwari kunogona kuoneka senzira iri nyore yokuita nayo zvinhu. Sezvo Samueri akanga asipo, pamwe Sauro angave akafunga kuti zvaakaita zvaiva nemusoro. Asi kuvaya vanoda kufarirwa naMwari, kutevedzera Magwaro anoshanda pane zvatinenge tichiita ndiyo nzira chete yakanaka yokuita nayo zvinhu.

Jehovha Anoramba Sauro

Vanhu pavakanga vakaungana kuti varwise vaAmareki, Sauro akaita imwe mhosva yakakura. Jehovha aida kuranga vaAmareki nokuti vakanga varwisa vaIsraeri vasina kuvadenha pavakabuda muIjipiti. (Eks. 17:8; Dheut. 25:17, 18) Uyezve vaAmareki vakabatana nevamwe pakurwisazve vanhu vaMwari vakasarudzwa panguva yevatongi. (Vat. 3:12, 13; 6:1-3, 33) Saka Jehovha akaita kuti vaAmareki vazvidavirire uye akarayira Sauro kuti avaparadze.—1 Sam. 15:1-3.

Pane kuti ateerere murayiro waJehovha wokuparadza vaAmareki vaiva neutsinye pamwe nezvinhu zvavo, Sauro akauya namambo wacho ari mupenyu, akachengeta zvipfuwo zvavo zvakanakisisa. Sauro akaita sei paakaudzwa naSamueri kuti akanga akanganisa? Sauro akaedza kunakura nyaya yacho achiti: “Vanhu vakanzwira tsitsi makwai nemombe zvakanaka kwazvo, nechinangwa chokubayira kuna Jehovha Mwari wenyu.” Angave aiva nechinangwa chokubayira mhuka dzacho kana kuti kwete, Sauro akanga asina kuteerera. Sauro ‘akanga asisiri kuzviti muduku.’ Saka muprofita waMwari akaudza Sauro kuti akanga asina kuteerera Mwari. Samueri akabva ati: “Jehovha anofarira zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro sokufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira! Kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro . . . Zvawakaramba shoko raJehovha, naizvozvo iye akurambawo kuti uve mambo.”—1 Sam. 15:15, 17, 22, 23.

Jehovha paakabvisa mudzimu mutsvene wake nechikomborero pana Sauro, “mudzimu wakaipa” wakatanga kuva paari. Sauro akatanga kufungira zvisizvo uye kuva negodo naDhavhidhi, murume aizopiwa umambo naJehovha. Sauro akaedza kuuraya Dhavhidhi kanoverengeka. Aona kuti “Jehovha akanga aina Dhavhidhi,” rinodaro Bhaibheri, “Sauro akava muvengi waDhavhidhi nguva dzose.” Sauro akaedza kumuvhima uye akatorayira kuti vapristi 85 nevamwe vaurayiwe. Regai Jehovha akazomuramba!—1 Sam. 16:14; 18:11, 25, 28, 29; 19:10, 11; 20:32, 33; 22:16-19.

VaFiristiya pavakanga vava kuda kurwisazve vaIsraeri, Sauro akaedza kutsvaka kubatsirwa nesvikiro zvikashaya basa. Mangwana acho, akakuvara zvakaipisisa muhondo akazozviuraya. (1 Sam. 28:4-8; 31:3, 4) Magwaro achitaura nezvamambo iyeye wokutanga weIsraeri asina kuteerera, anoti: “Sauro akafira kusatendeka kwake kwaakanga aitira Jehovha nokusatenda kwake shoko raJehovha raakanga asina kuchengeta uyewo nokuda kwokukumbira svikiro kuti rimubvunzire. Haana kubvunza Jehovha.”—1 Mak. 10:13, 14.

Muenzaniso waSauro wakaipa unoratidza kuti kuteerera Jehovha kuri nani kupfuura kumupa chero chibayiro. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Joh. 5:3) Ngatisambokanganwa chokwadi ichi chinokosha: Tinofanira kuteerera Mwari kuti tirambe tiine ushamwari naye.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Sauro akatanga ari mutungamiriri anozvininipisa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Samueri akaudzirei Sauro kuti “kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro”?