Bhuku Rekutanga reMakoronike 10:1-14

  • Kufa kwaSauro nevanakomana vake (1-14)

10  Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri. Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+  VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMariki-shua,+ vanakomana vaSauro.  Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana, vakamukuvadza.+  Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa varege kuuya, vondiitira utsinye.”+ Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+  Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa, iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa.  Saka Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa, uye vese veimba yake vakafa pamwe chete.+  VaIsraeri vese vaiva mubani pavakaona kuti munhu wese akanga atiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta avo vachitiza; vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.  Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vakafa muGomo reGiribhoa.+  Saka vakatora zvipfeko zvake, vakadimbura musoro wake, vakatora zvombo zvake* uye vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho kuzvidhori zvavo+ nekuvanhu vacho. 10  Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba* yamwari wavo vakaroverera dehenya rake paimba yaDhagoni.+ 11  Vanhu vese vekuJabheshi+ iri muGiriyedhi pavakanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya,+ 12  varwi vese vakasimuka, vakatakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake. Vakaenda nazvo kuJabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pemuti mukuru uri muJabheshi,+ uye vakatsanya kwemazuva 7. 13  Saka Sauro akafira kusatendeka kwake kuna Jehovha nekuti akanga asina kuteerera shoko raJehovha,+ uyewo nekuti akabvunza svikiro+ 14  pane kubvunza Jehovha. Saka akamuuraya, akapa Dhavhidhi mwanakomana waJese umambo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvipfeko zvake zvehondo.”
Kana kuti “mutemberi.”