Bhuku Rekutanga reMakoronike 10:1-14
-
Kufa kwaSauro nevanakomana vake (1-14)
10 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri. Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+
2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani, Abhinadhabhi, naMariki-shua,+ vanakomana vaSauro.
3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana, vakamukuvadza.+
4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa varege kuuya, vondiitira utsinye.”+ Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+
5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa, iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa.
6 Saka Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa, uye vese veimba yake vakafa pamwe chete.+
7 VaIsraeri vese vaiva mubani pavakaona kuti munhu wese akanga atiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta avo vachitiza; vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.
8 Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vakafa muGomo reGiribhoa.+
9 Saka vakatora zvipfeko zvake, vakadimbura musoro wake, vakatora zvombo zvake* uye vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho kuzvidhori zvavo+ nekuvanhu vacho.
10 Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba* yamwari wavo vakaroverera dehenya rake paimba yaDhagoni.+
11 Vanhu vese vekuJabheshi+ iri muGiriyedhi pavakanzwa zvese zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya,+
12 varwi vese vakasimuka, vakatakura chitunha chaSauro nezvitunha zvevanakomana vake. Vakaenda nazvo kuJabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pemuti mukuru uri muJabheshi,+ uye vakatsanya kwemazuva 7.
13 Saka Sauro akafira kusatendeka kwake kuna Jehovha nekuti akanga asina kuteerera shoko raJehovha,+ uyewo nekuti akabvunza svikiro+
14 pane kubvunza Jehovha. Saka akamuuraya, akapa Dhavhidhi mwanakomana waJese umambo.+