Vatongi 3:1-31
3 Aya ndiwo marudzi akasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vese vakanga vasina kumboona hondo chero ipi zvayo muKenani+
2 (akaasiya kuti zvizvarwa zvevaIsraeri zvaitevera zvizive hondo, kureva vaya vakanga vasina kumboziva zvinhu zvakadaro):
3 madzishe mashanu evaFiristiya,+ nevaKenani vese, vaSidhoni,+ nevaHivhi+ vaigara muGomo reRebhanoni+ kubvira kuGomo reBhaari-hemoni kusvika kuRebhohamati.*+
4 Vaivapo kuti vaedze vaIsraeri kuti zvibude pachena kuti vaIsraeri vaizoteerera here mirayiro yaJehovha yaakanga apa madzibaba avo achishandisa Mozisi.+
5 Saka vaIsraeri vakagara pakati pevaKenani,+ vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi.
6 Vaitora vanasikana vemarudzi iwayo kuti vave madzimai avo, vachipawo vanasikana vavo kuvanakomana vemarudzi acho, uye vakatanga kushumira vanamwari vavo.+
7 Saka vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vachishumira vanaBhaari+ nemapango anoyera.*+
8 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri chaizvo, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu mambo weMesopotamiya.* VaIsraeri vakava pasi paKushani-rishataimu kwemakore 8.
9 VaIsraeri pavakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ Jehovha akavapa muponesi kuti avanunure,+ ainzi Otinieri+ mwanakomana waKenazi, munin’ina waKarebhi.
10 Mweya waJehovha wakauya paari,+ akava mutongi waIsraeri. Paakaenda kunorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimu mambo weMesopotamiya* muruoko rwake, zvekuti akakunda Kushani-rishataimu.
11 Pashure paizvozvo nyika yakava nezororo* kwemakore 40. Otinieri mwanakomana waKenazi akabva afa.
12 VaIsraeri vakatangazve kuita zvakaipa pamberi paJehovha.+ Saka Jehovha akaita kuti Egroni mambo weMoabhi+ akunde vaIsraeri, nekuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.
13 Uyezve, akaita kuti vaAmoni+ nevaAmareki+ varwe navo. Vakarwisa vaIsraeri, vakatora guta remiti yemichindwe.+
14 VaIsraeri vakava pasi paEgroni mambo weMoabhi kwemakore 18.+
15 VaIsraeri vakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ saka Jehovha akavapa muponesi,+ Ehudhi+ mwanakomana waGera, wedzinza raBhenjamini,+ uyo aishandisa ruboshwe.+ Nekufamba kwenguva vaIsraeri vakatuma Ehudhi nemutero kuna Egroni mambo weMoabhi.
16 Zvino Ehudhi akanga agadzira bakatwa rake raicheka nekwese, rakanga rakareba kubhiti* rimwe chete, akabva arisungirira pasi penguo yake, kuchidya chake chekurudyi.
17 Akabva apa Egroni mambo weMoabhi mutero wacho. Zvino Egroni aiva murume akafuta chaizvo.
18 Ehudhi paakapedza kumupa mutero wacho, akaudza vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho kuti vaende havo.
19 Asi paakasvika paGirigari+ paiva nemifananidzo yakavezwa,* akabva adzoka akati: “Ndine shoko randiri kuda kukuudzai tiri pedu tega, haiwa imi mambo.” Saka mambo akati: “Nyararai!” Varanda vake vese vakabva vangobuda.
20 Saka Ehudhi akaswedera pedyo namambo uyo ainge akagara ari ega muimba yake yaitonhorera yepadenga remba. Ehudhi akabva ati: “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari.” Saka Egroni akasimuka pachigaro chake cheumambo.
21 Ehudhi akabva atora bakatwa raiva pachidya chake chekurudyi achishandisa ruoko rwake rweruboshwe ndokurinyudza mudumbu raEgroni.
22 Mubato wakapindawo nebakatwa racho, uye mafuta akavhara bakatwa, nekuti haana kuvhomora bakatwa racho mudumbu rake, uye tsvina yakabva yabuda.
23 Ehudhi akabva abuda,* akasiya avhara masuo eimba yepamusoro pedenga, akaakiya.
24 Paakanga aenda, varanda vaya vakabva vadzoka vakaona masuo eimba yepadenga remba akakiyiwa. Saka vakati: “Anofanira kunge ari kuzvibatsira hake* muimba yemukati inotonhorera.”
25 Vakaramba vakamirira kusvikira vava kunetseka, asi pavakaona kuti akanga asiri kuvhura masuo eimba yacho yepadenga, vakatora kiyi vakaavhura, vakaona ishe wavo akati rabada pasi afa!
26 Ehudhi akatiza ivo vachiri kuverengera, uye akapfuura nepane mifananidzo yakavezwa,*+ akasvika kuSeira pasina chamuwana.
27 Paakasvika, akaridza hwamanda+ munyika ine makomo yaEfremu;+ uye vaIsraeri vakadzika vachibva mumakomo, iye achivatungamirira.
28 Akabva ati kwavari: “Nditeverei, nekuti Jehovha aisa vavengi venyu, vaMoabhi, mumaoko enyu.” Saka vakamutevera, vakanomira pamazambuko aJodhani kuti vatadzise vaMoabhi kuyambuka, uye havana kubvumira chero munhu upi zvake kuyambuka.
29 Panguva iyoyo vakauraya vaMoabhi vanenge 10 000,+ varume vakasimba uye vakashinga; hapana kana mumwe chete akapukunyuka.+
30 Saka vaMoabhi vakakundwa neruoko rwaIsraeri pazuva iroro; uye nyika yakava nezororo* kwemakore 80.+
31 Pashure pake pakauya Shamgari+ mwanakomana waAnati, uyo akauraya varume vechiFiristiya+ 600 nechibayiso* chemombe;+ uye naiyewo akaponesa Israeri.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kumuganhu weHamati.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “weAramu-naharaimu.”
^ ChiHeb., “weAramu.”
^ Kana kuti “nerunyararo.”
^ Rinogona kunge raiva kubhiti pfupi rakareba masendimita 38. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nemakomba aicherwa matombo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “akabva abuda nepaburi rinopinza mhepo.”
^ ChiHeb., “ari kufukidza tsoka dzake.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nepamakomba aicherwa matombo.”
^ Kana kuti “yakava nerunyararo.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.