Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Muri Kufambira Mberi Mune Zvokunamata Here?

Vechiduku—Muri Kufambira Mberi Mune Zvokunamata Here?

Vechiduku—Muri Kufambira Mberi Mune Zvokunamata Here?

“KUNYANGE ndaipinda misangano yechiKristu, ndakanga ndisina chido chakasimba chokushumira Jehovha,” anodaro Hideo sezvaanotarira shure kumazuva ake okutanga echikoro chesekondari. “Ndaiwanzofungidzira ndichiyemurwa nevandaidzidza navo uye ndichikanyaira ndichidzika nomugwagwa ndine musikana wangu. Ndakanga ndisina zvinangwa chaizvo, uye ndaisava nechido chokufambira mberi mune zvokunamata kupi nokupi.” SaHideo, pwere dzakawanda dzinoita sedziri kungoita gundamusaira, dzisina chido chokusvitsa zvinangwa chero zvipi zvinokosha kana kuti kufambira mberi kupi nokupi.

Kana uri muduku, zvimwe unonakidzwa paunoita mitambo kana basa rokuzvifadza. Zvisinei, pakunouya kuzvinhu zvokunamata, ungasanzwa nenzira iyoyo. Zvinobvira here kunakidzwa nezvinangwa zvine chokuita nokunamata? Chimbofunga mashoko aya omunyori wepisarema anoti: “Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. . . . Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.” (Pisarema 19:7, 8) Shoko raMwari rinogona kuita kuti “asina mano” aite nokuchenjera, ‘zvichiita kuti maziso ake apenye.’ Hungu, unogona kufadzwa nezvinhu zvine chokuita nokunamata. Asi chii chaunofanira kuita kuti unzwe nenzira iyoyo? Unofanira kutangira kupi?

Kurudzirwa Kushumira Mwari

Kutanga, unofanira kukurudzirwa. Funga zvakaitika kuna Mambo Josia muduku weJudha. Bhuku roMutemo waJehovha parakawanikwa mutemberi, Josia akaita kuti riverengwe uye akaororwa zvikuru nezvaakanzwa. Nemhaka yeizvi, “Josia akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavana vaIsraeri.” (2 Makoronike 34:14-21, 33) Kuverenga Shoko raMwari kwakaita kuti Josiya aite zvakawanda mukusimudzira kunamata kwakachena.

Iwewo unogona kukudziridza chido chokushumira Jehovha kana uchiverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvaunoverenga nguva dzose. Izvozvo ndizvo zvakakurudzira Hideo. Akatanga kushamwaridzana nomumwe piyona ati kurei, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Piyona wacho aiva mudzidzi anoshingaira weBhaibheri uye aiedza kushandisa dzidziso dzaro muupenyu hwake. Akurudzirwa zvikuru nomuenzaniso wapiyona wacho, Hideo akatanga kuitawo izvozvo ndokukudziridza chido chakasimba chokushumira Mwari uye vamwe vanhu. Kufambira mberi kwake mune zvokunamata kwakaguma noupenyu hune chinangwa.

Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kungakurudzira vechiduku. Takahiro anotsanangura achiti: “Pose pandaienda kunorara ndobva ndazoziva kuti ndakanga ndisati ndaverenga Bhaibheri musi iwoyo, ndaimuka ndoriverenga. Nemhaka yeizvi, ndakanzwa kuti Jehovha ainditungamirira. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kwakandibatsira zvikuru kufambira mberi mune zvokunamata. Ndasarudza kuwedzera zvandaiita mubasa raJehovha, ndakatanga basa roupiyona hwenguva dzose ndichangopedza kudzidza kuchikoro chesekondari. Uye ndiri kunakidzwa naro zvikuru.”

Kuwedzera pakuverenga Bhaibheri, chiizve chingakubatsira kusimbisa chido chako chokurumbidza Jehovha? Tomohiro akadzidziswa chokwadi cheBhaibheri naamai vake. Anoti: “Ndakatozoororwa norudo rwaJehovha uye rudzikinuro rwechibayiro chaKristu ndatodzidza bhuku rinonzi Life Does Have a Purpose ndava nemakore 19. Kuonga rudo rwaMwari ikoko kwakandikurudzira kuita zvakawanda mubasa raJehovha.” (2 VaKorinde 5:14, 15) SaTomohiro, pwere dzakawanda dzinokurudzirwa kufambira mberi mune zvokunamata nokuramba dzichishingaira kudzidza Bhaibheri dzoga.

Kunyange zvakadaro, ko kana uchiri kushaya chido chomwoyo wose chokushumira Jehovha? Pane mumwe munhu angakubatsira here? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokuti Mwari ndiye . . . ari kushanda mamuri kuti mude uye muite.” (VaFiripi 2:13) Kana ukanyengeterera kubatsirwa naJehovha, achakupa mudzimu mutsvene wake asingamboomeri, uyo uchakusimbisa kwete kuti “uite” chete asiwo kuti “ude.” Izvi zvinoreva kuti mudzimu mutsvene waMwari uchawedzera chido chako chokuti uite zvakanakisisa mubasa raJehovha uye uchakubatsira kuva nezivo yakakura mune zvokunamata. Napose pazvinobvira, vimba nesimba raJehovha uye simbisa mwoyo wako!

Iva Nezvinangwa Zvako Woga

Wangosarudza chete kushumira Jehovha zvakazara, unofanira kuita zvinangwa zvako woga kuti ufambire mberi mune zvokunamata. Mana, musikana muduku wechiKristu, akati: “Kuzviitira zvinangwa kwakandibatsira zvikuru. Pane kudzokera shure, ndakakwanisa kuenda mberi ndakashinga. Ndichifunga zvinangwa zvangu, ndakanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti anditungamirire, uye ndakakwanisa kufambira mberi pasina kutsauswa.”

Zvinangwa zvako zvinofanira kuva chaizvoizvo uye zvinokwanisika. Kuverenga chitsauko cheBhaibheri zuva rimwe nerimwe kungava chinangwa chinonzwisisika. Unogonawo kutanga basa rokutsvakurudza. Kuenzanisira izvi nezvimwe zvinhu zvinowanikwa muchiRungu, ungadzidza unhu hwaJehovha hwakarongwa pasi pomusoro muduku wakanzi “Qualities by Name” pasi pomusoro wakanzi “Jehovah” muWatch Tower Publications Index. Mune misoro inenge 40 yaunogona kuona, uye hapana mubvunzo kuti kutsvakurudza kuchakuswededza pedyo naJehovha ndokukukurudzira kumuitira zvakawanda. Zvimwe zvinangwa zvinokwanisika zvinosanganisira kupindura kanenge kamwe pamusangano mumwe nomumwe wechiKristu unoda kuti vateereri vaitewo chimwe chinhu, kusvika pakuziva zviri nani inenge nhengo imwe yeungano pamusangano mumwe nomumwe, uye kusarega zuva richidarika usina kunyengetera kuna Jehovha uye kutaurira vamwe nezvake.

Kana usati wanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri, ichocho chingava chinangwa chakanaka zvikuru kwauri. Wave uchiita ushumiri hwepachena here? Kana usingadaro, ungada kushandira kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Kufungisisa ukama hwako naJehovha uye kuzvitsaurira kwaari chaizvoizvo kwaizova danho rinotevera. Pwere dzakawanda dzinoedza kurarama maererano nokuzvitsaurira kwadzo nokusvasvavirira ushumiri hwenguva yakazara.

Kunyange zvakanaka kuva nezvinangwa muupenyu hwako, chenjerera kuva nemakwikwi. Uchawana mufaro mukuru mune zvaunoita kana usingazvienzanisi nevamwe.—VaGaratiya 5:26; 6:4.

Zvichida unofunga kuti hauna ruzivo uye unoona zvakaoma kuronga zvinangwa zvinonzwisisika. Ipapo tevera zano reBhaibheri rinoti: “Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera.” (Zvirevo 22:17) Kumbira rubatsiro rwevabereki vako kana kuti vamwe vaKristu vakakura mumudzimu. Chokwadi, vabereki nevamwe vanofanira kunzwisisa uye kuva vanokurudzira munhau iyi. Kunzwa vachimanikidzirwa kuedza chinangwa icho vamwe vakazviitira kungaita kuti vechiduku vasafara uye kungatovhiringidza chinangwa chokuzviitira. Izvozvo zvakaitika kune mumwe musikana, uyo akati: “Vabereki vangu vakandirongera chinangwa chimwe pashure pechimwe, zvakadai sokunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri, kuita basa romumunda, kubhabhatidzwa, uye kuva piyona. Ndakaedza zvakasimba kuita chimwe nechimwe chazvo. Pandaiita chinangwa chimwe, vabereki vangu vaisandirumbidza asi, vaitondipa chimwezve chokuti ndiedze. Saka ndaigaronzwa kuti ndiri kumanikidzwa kuita zvinhu. Ndaiva ndaneta uye ndisingachanzwi kuti pane zvandiri kuita.” Chii chaiva chakanganisika? Zvinangwa zvacho zvose zvaikosha, asi zvakanga zvisiri zvake pachake. Kuti ubudirire, unofanira kukurudzirwa kuzviitira zvinangwa zvako woga!

Funga nezvaJesu Kristu. Paakauya pasi pano, aiziva zvaaitarisirwa naBaba vake, Jehovha. Kuita zvaidiwa naJehovha kwaisangova chinangwa chaJesu, asiwo basa raifanira kuitwa. Jesu aiona sei basa rake? Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Jesu aifara kuita zvaidiwa naJehovha uye kurarama maererano nezvaitarisirwa naBaba vake. Zvaiva zvakaita sezvokudya kuna Jesu—akawana mufaro nokugutsikana mukupedza basa raaitarisirwa. (VaHebheru 10:5-10) Iwewo unogona kuwana mufaro kana ukakurudzirwa zvakanaka kuita zvaunonzi nevabereki vako uite.

Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

Wangova nechinangwa mupfungwa dzako, shanda zvakaoma kuchiita. VaGaratiya 6:9 inoti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” Usavimba nesimba rako kana mano ako chete. Ungangova nezvipingamupinyi uye dzimwe nguva ungatombokundikana. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Umutende [Mwari] panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:6) Jehovha achakutsigira sezvaunoshanda nesimba kuita zvinangwa zvako zvokunamata.

Chokwadi, nokukudziridza chido chokushumira Jehovha uye nokusvasvavirira zvinangwa zvokunamata, uchakwanisa kuita kuti “kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Timoti 4:15) Zvadaro uchava noupenyu hune chinangwa hwokushumira Mwari.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvaunenge waverenga kuchakukurudzira kushumira Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jesu akararama maererano nezvaitarisirwa naBaba vake