Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungavimba Nemwero Yetsika Dzaani?

Ungavimba Nemwero Yetsika Dzaani?

Ungavimba Nemwero Yetsika Dzaani?

Mumwe akashanyira Africa kokutanga akashamiswa nomumwe murume akanga akanyatsomira kuti twi parutivi pomugwagwa. Akacherechedza kuti maminitsi mashoma oga oga, murume wacho aifambisa tsoka dzake asingadzisimudzi oenda kudivi rimwe zvishoma shoma asi akangoti twi. Mushanyi uyu akatozoona pava paye kuti nei murume wacho aisuduruka sezvaaita. Chaizvoizvo aiedza kuramba ari mumumvuri webango renhare. Mumvuri wacho waifamba uchinonokera sezvo zuva remasikati raifamba.

KUFANANA nomumvuri iwoyo unoita kuine zuva, nhau dzevanhu nemwero yetsika zviri kuchinja-chinja. Kusiyana naizvozvo, Jehovha Mwari, “Baba vezviedza zvokudenga,” haachinji. “Kwavari,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho “hakuna kushanduka kwokuchinja kwomumvuri.” (Jakobho 1:17) Muprofita wechiHebheru Maraki akanyora ziviso yaMwari pachake yokuti: “Ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:6) Kurudzi rwaIsraeri mumazuva aIsaya, Mwari akati: “Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai ndichakutakurai.” (Isaya 46:4) Saka, kufamba kwenguva hakuchinji chivimbo chatingava nacho muzvipikirwa zveWemasimba Ose.

Chidzidzo Kubva Mumutemo

Sokungovimbika uye kusachinjika kwakaita zvipikirwa zvaJehovha, ndizvo zvakaitawo mwero yake yetsika yezvakarurama nezvisina kururama. Waizovimba nomutengesi anoshandisa zviyereso zviviri, chimwe chete chiricho chakarurama here? Hawaizodaro. Saizvozvowo, “chiyero chinonyengedzera chinonyangadza kuna Jehovha; asi kurema kwakakwana kunomufadza.” (Zvirevo 11:1; 20:10) MuMutemo waakapa vaIsraeri, Jehovha akarayirawo kuti: “Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero. Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita.”—Revhitiko 19:35, 36.

Kuteerera murayiro iwoyo kwakaita kuti vaIsraeri vawane nyasha dzaMwari nokuwanawo zvinhu zvakawanda. Saizvozvowo, kuomerera kumwero yetsika dzaJehovha isingachinji, kwete chete muzviyereso asi muzvinhu zvose zvoupenyu, kunoguma nezvikomborero kumunamati anovimba naye. Mwari anozivisa kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

Nei Mwero Yetsika iri Kuparara Kudai Nhasi?

Bhaibheri rinotaura chikonzero nei mwero yetsika iri kuparara nhasi. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, rinorondedzera hondo yakaitika kudenga, ine migumisiro yakakanganisa vanhu vose kusvika nhasi uno. Muapostora Johani akanyora kuti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikayeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukurira, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanika kudenga. Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.”—Zvakazarurwa 12:7-9.

Chii chakabva chakonzerwa nehondo iyoyo? Johani akapfuurira kuti: “Nemhaka yeizvi farai, imi matenga nemi munogara maari! Nhamo nokuda kwepasi negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:12.

“Nhamo nokuda kwepasi” yakauya pakatanga Hondo Yenyika I muna 1914 zvikagumisa nguva yemwero yetsika yakasiyana nokure nedziriko nhasi. Hondo Huru ya1914-18 inoita somuganhu unoparadzanisa nguva iyoyo neyedu,” yakadaro nyanzvi yezvakaitika kare Barbara Tuchman. “Nokuparadza kwayakaita vanhu vakawanda vangadai vakabatsira mumakore akatevera, nokuparadza kwayakaita zvitendero, kuchinja kwayakaita maitirwo ezvinhu, uye kusiya kwayakaita maronda asingarapiki okuodzwa mwoyo, yakaisa muganhu unooneka zvose newepfungwa pakati penguva iyoyo neino.” Imwe nyanzvi yezvakaitika kare saiye inonzi Eric Hobsbawm inobvumirana naye ichiti: “Kubvira muna 1914 panga paine kushata kwemwero yetsika dzaichimbonzi dzakanaka munyika dzakabudirira . . . Hazvisi nyore kunzwisisa kudzoka kunosuruvarisa kwemwero yetsika idzo madzitateguru edu omuzana remakore rechi19 aizoti itsika dzoupengo.”

Mubhuku rake rinonzi Humanity—A Moral History of the Twentieth Century, munyori Jonathan Glover anoti: “Chimwe chinhu chinoumba nguva yedu kuparara kwomutemo wetsika.” Kunyange zvake asina chokwadi nemitemo yetsika inobva kune vamwe vanhu nokuda kwokuderera mune zvechitendero kunyika dzokuMadokero, anoyambira kuti: “Kunesu tisingabvumi mutemo wetsika wechitendero tinofanira kunetseka nokuparara kwawo.”

Kushayikwa kwechivimbo kwanhasi—mungava mune zvokutengeserana, zvematongerwo enyika, kana zvechitendero kana kunyange muukama hwevanhu pachavo nehwemhuri—nemigumisiro yacho inotyisa rimwe rezano rakaipa raDhiyabhorosi rokuunza nhamo pavagari vose vepasi. Satani akatsunga kurwa hondo yake kusvika kumugumo uye kuti aparadzwe pamwe nevaya vanoedza kurarama maererano nemwero yetsika dzaMwari.—Zvakazarurwa 12:17.

Pane nzira yokubuda nayo, yokupedza nayo kushayikwa kwechivimbo kwakatekeshera here? Muapostora Petro anopindura kuti: “Asi kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa [chaMwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Chipikirwa ichocho tinogona kuvimba nacho nokuti Mwari haangovi nesimba rokuita zvinangwa zvake chete asiwo anovimbisa kuzadzika kwazvo. Pamusoro pe‘shoko ripi neripi rinobuda mumuromo wake’ Jehovha anozivisa kuti: “Haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” Zvechokwadi chipikirwa chakavimbika!—Isaya 55:11; Zvakazarurwa 21:4, 5.

Kurarama Maererano Nemwero Yetsika dzaMwari

Munyika mune mwero yetsika dzinochinja-chinja uye dziri kuparara, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kurarama nemwero yetsika yokuzvibata inopiwa neBhaibheri. Somugumisiro, zvinomira zvakasiyana noruzhinji, uye izvi zvaita kuti zvicherechedzwe—uye zvitukwe—nevamwe.

Pane imwe kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muLondon, mumwe aitaura achimiririra Zvapupu zvaJehovha akabvunzwa nomutapi wenhau weTV kana Zvapupu zvaJehovha zviri vaKristu chaivoivo. Akapindura kuti: “Hungu, zvikuru nokuti Jesu ndiye watinotevedzera. Munyika mune udyire hwakawanda kwazvo, asi isu tinotarisa kuna Jesu senzira, chokwadi uye upenyu. Tinoti iye Mwanakomana waMwari, kwete kuti mumwe wevanamwari Vatatu, saka manzwisisiro atinoita Bhaibheri akasiyana neezvitendero zvakagara zvichizivikanwa.”

Pakazobudiswa nyaya yacho paterevhizheni yeBBC, mutapi wenhau akapedzisa nyaya yacho achiti: “Ndadzidza zvakawanda zvikuru nezvechikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichiuya kuzogogodza pamasuo edu. Uye handifungi kuti ndati ndamboona vanhu 25 000 vakapfeka zvakanaka kudaro uye vachizvibata zvakadaro vari panzvimbo imwe panguva imwe.” Uchapupu hwakazonaka kubva kumunhu wokunze aicherechedza kuchenjera kwokuteerera mwero yetsika dzaMwari isingachinji!

Nepo vamwe vangasakwezvwa nepfungwa yokurarama maererano nemwero yetsika dzavasina kuzvitangira voga, tinokukurudzira kutarisa muBhaibheri rako udzidze kuti mwero yetsika dzaMwari ndeipi. Asi usangogutsikana nokungoongorora zvishomanana. Tevedzera zano romuapostora Pauro rokuti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Shanyira Horo yoUmambo munharaunda mako, uye svika pakuziva Zvapupu zviriko. Uchaona kuti vanhuwo zvavo vanoisa chivimbo chavo muzvipikirwa zveBhaibheri uye vanoratidza chivimbo chavo muna Mwari nokuedza kurarama maererano nemwero yetsika dzake.

Kuomerera kumwero yetsika dzaMwari dzisingachinji uye dzinovimbika muupenyu hwako pachako hakumboregi kukupa zvikomborero. Teerera kukoka kwaMwari pachake kwokuti: “Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:18.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Nhasi, kune kusavimbika mune zvokutengeserana, zvematongerwo enyika, zvechitendero, uye ukama hwemhuri