Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuteerera mitemo yaMwari kunoita kuti tiwane mufaro wechokwadi

Makomborero Atinowana Kana Tikateerera Mwari

Makomborero Atinowana Kana Tikateerera Mwari

Mozisi akanyora kuti kana tikateerera mitemo yaMwari tinowana makomborero. (Dheuteronomi 10:13; 11:27) Kuteerera kwatinoita Mwari haisi nyaya yekungotya kurangwa. Kunaka kwaMwari ndiko kunoita kuti timuteerere nekuti tinomuda uye hatidi kuita zvinhu zvinomugumbura. “Kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake.”—1 Johani 5:3.

Asi nei tichiti kuteerera Mwari kunoita kuti tikomborerwe? Chimbofunga nezvezvikonzero zviviri zvinotevera.

1. KUTEERERA MWARI KUNOITA KUTI TIWANE UCHENJERI

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira, . . . anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.”—ISAYA 48:17.

Musiki wedu, Jehovha Mwari, anonyatsotiziva uye anotitungamirira. Kana tichida kuti atibatsire pakuita zvisarudzo zvakanaka, tinofanira kudzidza Shoko rake kuti tione zvaanoda tobva tazviita.

2. KUTEERERA MWARI KUNOITA KUTI TIFARE

“Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”—RUKA 11:28.

Mazuva ano kune mamiriyoni evanhu ari kuwana mufaro wechokwadi nekuti anoteerera Shoko raMwari. Chimbofunga nezvemumwe murume anogara kuSpain, uyo aiva nehasha dzisingaiti uye aiitira vamwe utsinye kusanganisira mudzimai wake. Rimwe zuva akaverenga muBhaibheri nezvemumwe murume aiva munyoro ainzi Josefa. Akatengeswa kuti ave muranda achibva asungwa asina mhosva; asi akaramba ari munhu munyoro, anoda zverugare, uye haana kuchengeta chigumbu. (Genesisi, zvitsauko 37-45) Murume uyu wekuSpain akati: “Zvakaitwa naJosefa zvakandibatsira kuti ndive munhu munyoro ane tsitsi uye anozvidzora. Izvi zviri kuita kuti ndifare.”

Bhaibheri rine mazano akawanda anogona kutibatsira kuti tibate vamwe zvakanaka. Tichaona mamwe acho munyaya inotevera.