Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zita raMwari rakanyorwa nechiHebheru chekare rinowanika kakawanda muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Zita raMwari

Zita raMwari

Vanhu vakawanda vanonyengetera kuna Mwari vachishandisa mazita ekuremekedza, akadai sekuti Ishe, Asingagumi, Allah, kana kungoti Mwari. Asi Mwari ane zita rake pachake. Unofanira kurishandisa here?

Zita raMwari ndiani?

ZVINOTAURWA NEVANHU

 

Vanhu vakawanda vanozviti vaKristu vanoti zita raMwari ndiJesu. Vamwe vanoti sezvo kuchingova naMwari Wemasimbaose mumwe chete, hazvina basa kushandisa zita rake. Vamwewo vanoti hazvina kunaka kushandisa zita raMwari.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Mwari Wemasimbaose haanzi Jesu, sezvo Jesu asiri iye Mwari Wemasimbaose. Jesu akatodzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari vachiti: “Baba, zita renyu ngaritsveneswe.” (Ruka 11:2) Iye pachake akanyengetera kuna Mwari achiti: “Baba, kudzai zita renyu.”​Johani 12:28.

MuBhaibheri, Mwari anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu.” (Isaya 42:8) “Jehovha” ndiro zita rechiShona rakashandurwa kubva pamabhii mana echiHebheru ekuti YHWH, ayo anoumba zita raMwari. Zita iri rinowanika kanoda kusvika ka7 000 muMagwaro echiHebheru, ayo anozivikanwawo seTestamende Yekare. * Rinowanika kakawanda kupfuura mazita ekuremekedza ekuti “Mwari,” “Wemasimbaose,” kana “Ishe,” uye kupfuura mazita ese, akadai sekuti Abrahamu, Mosesi, kana kuti Dhavhidhi.

MuBhaibheri, Jehovha hapana paanorambidza vanhu kushandisa zita rake zvine ruremekedzo. Magwaro anotoratidza kuti vashumiri vaMwari vaishandisa zita iri vakasununguka. Mamwe mazita avaipa vana vavo aitova nezita raMwari. Semuenzaniso, rekuti Eriya rinoreva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha,” uye rekuti Zekariya rinoreva kuti “Jehovha Ayeuka.” Vaitoshandisa zita raMwari pakutaura kwavo zuva nezuva.​—Rute 2:4.

Mwari anoda kuti tishandise zita rake. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Ongai Jehovha, danai zita rake.” (Pisarema 105:1) Anotofarira vanhu “vanofunga nezvezita rake.”​—Maraki 3:16.

“Vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”​—Pisarema 83:18.

Zita raMwari rinorevei?

Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti zita raMwari muchiHebheru rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Tsanangudzo iyi inoratidza kuti Mwari anokwanisa kuita chero zvaanoda kana kuti kushandisa zvisikwa zvake kuti azadzise chinangwa chake. Hakuna mumwe anokwanisa kuita izvi kunze kwake.

KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

 

Kuziva zita raMwari kunochinja mafungiro awaimboita nezvake. Uchaona zvava nyore kuswedera pedyo naye. Kuti uve neushamwari nemumwe munhu, unofanira kunge uchiziva zita rake. Saka kunyorwa kwakaitwa zita raMwari muBhaibheri kunoratidza kuti anoda kuti uswedere pedyo naye.​—Jakobho 4:8.

Unogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha acharamba achizadzisa zvaakavimbisa sezvinorehwa nezita rake. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi.” (Pisarema 9:10) Kuvimba kwaunoita naMwari kuchawedzera paucharamba uchidzidza nezvake. Uchaona kuti zvese zvaanoita zvine rudo rwakavimbika, ngoni, tsitsi uye kuti anotonga zvakarurama. (Eksodho 34:5-7) Kuziva unhu hwakanaka huna Jehovha kunoita kuti tivimbe nezvese zvaachaita pakuzadzisa vimbiso dzake.

Kuziva zita raMwari Wemasimbaose chikomborero chaicho. Kunoita kuti uwane makomborero akawanda iye zvino uye mune ramangwana. Mwari anovimbisa kuti: “Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.”​—Pisarema 91:14.

“Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”​—Joeri 2:32.

Zita raMwari mumitauro yakasiyana-siyana

^ ndima 9 MaBhaibheri akawanda akabvisa zita raMwari akaritsiva nerekuremekedza rekuti “ISHE” rakanyorwa nemabhii makuru, uye mamwe anoshandisa zita raMwari mumavhesi mashoma kana kuti mumashoko emuzasi. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene inoshandisa zita raMwari kakawanda.