Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Ramangwana revanhu richange rakadini?

Sei kufa kwakaita Jesu kuchiita kuti zvikwanisike kuti vanhu vazogarisana zvakanaka?

Hapana mubvunzo kuti vanhu vacharamba vachibudirira paunyanzvi hwesayenzi. Asi vachazombokwanisa kuita kuti vanhu vagarisane zvakanaka here? Kwete. Mazuva ano, nyika yazara nevanhu vasingafungi vamwe uye vane makaro. Asi Mwari anovimbisa kuti achaita kuti zvinhu zvinakire vanhu vose.—Verenga 2 Petro 3:13.

Shoko raMwari rinotsanangura kuti mune ramangwana vanhu vachagarisana zvakanaka pasi rose. Vanhu vachararama vasina chekutya, uye pasina anokuvadza mumwe.—Verenga Mika 4:3, 4.

Kuita zvinhu tisingafungi vamwe kuchapera here?

Pakasikwa vanhu naMwari vakanga vasina kana kapfungwa kekungofunga zvakavanakira ivo chete. Asi munhu wekutanga haana kuteerera Mwari, uye akabva ava nechivi. Sezvo takabva kuna Adhamu, nesuwo tine chido chekuita zvinhu tisingafungi vamwe. Kunyange zvakadaro, Mwari achashandisa Jesu kuti aite kuti vanhu vadzoke pakusava nechivi.—Verenga VaRoma 7:21, 24, 25.

Maererano neurongwa hwaMwari, Jesu akatifira, akaita kuti zviya zvakakonzerwa nekusateerera kwaAdhamu zvishaye basa. (VaRoma 5:19) Saka Jesu akaita kuti vanhu vave neramangwana rakanaka, pavachararama vasisina chido chekuita zvakaipa.—Verenga Pisarema 37:9-11.