Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ava Pedyo Kubvisa Kutambura

Mwari Ava Pedyo Kubvisa Kutambura

“Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi?” (Habhakuki 1:2, 3) Mashoko aya akataurwa naHabhakuki, murume aidiwa naMwari. Zvaakataura zvinoratidza kuti ainge asina kutenda here? Aiwa! Mwari akavimbisa Habhakuki kuti ane nguva yaachabvisa kutambura.​—Habhakuki 2:2, 3.

Kana uri kutambura kana kuti mumwe munhu waunoziva ari kutambura, zviri nyore kufunga kuti Mwari ari kunonoka kupindira. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”​—2 Petro 3:9.

MWARI ACHAZVIITA RIINI?

Nguva yacho yava pedyo! Jesu akataura zvinhu zvaizoratidza kuti nyika yava kuda kuguma. (Mateu 24:3-42) Kuzadzika kuri kuita uprofita hwaJesu mazuva ano kunoratidza kuti nguva yekuti Mwari apindire yava pedyo. *

Asi Mwari achazviita sei kuti kutambura kupere? Jesu paaiva panyika, akaratidza simba rina Mwari rekubvisa kutambura. Inzwa zvimwe zvaakaita.

Njodzi Dzinongoitika Dzega: Jesu paaiva muchikepe nevadzidzi vake muGungwa reGarireya, kwakaita mhepo ine simba zvekuti chikepe chakanga chava kuda kunyura. Asi akaratidza kuti iye naBaba vake vanogona kudzora mamiriro ekunze. (VaKorose 1:15, 16) Jesu akangoti “Shii! Nyarara!” Chii chakazoitika? “Mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.”​—Mako 4:35-39.

Zvirwere: Jesu aizivikanwa kuti airapa zvirema nemapofu, uye vaya vaiva nepfari, maperembudzi nezvimwewo zvirwere. “Akarapa vose vakanga vachinetseka.”​—Mateu 4:23, 24; 8:16; 11:2-5.

Kushomeka Kwezvekudya: Jesu akashandisa simba raakapiwa naBaba vake kuti aite kuti zvekudya zvaiva zvishoma zviwande. MuBhaibheri makanyorwa zvishamiso zviviri paakapa zviuru zvevanhu zvekudya.​—Mateu 14:14-21; 15:32-38.

Rufu: Simba raJehovha rekumutsa vanhu vakafa rinoonekwa pakumutsa vanhu kwakaitwa naJesu. Pavanhu vatatu vaakamutsa, mumwe akanga atova nemazuva 4 afa.​—Mako 5:35-42; Ruka 7:11-16; Johani 11:3-44.

^ Kuti unzwe zvakawanda nezvemazuva ekupedzisira, verenga chidzidzo 32 chebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.jw.org.