Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Makore 100 Tichitongwa neUmambo!

Makore 100 Tichitongwa neUmambo!

“Mwari worugare . . . ngaakushongedzei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite zvaanoda.”—VAH. 13:20, 21.

NZIYO: 136, 14

1. Basa rokuparidza raikosha zvakadini kuna Jesu? Tsanangura.

JESU aifarira kutaura nezveUmambo hwaMwari. Bhaibheri rinoratidza kuti akataura nyaya yeUmambo kakawanda kupfuura dzimwe nyaya dzese. Muushumiri hwake, akataura nezveUmambo kanopfuura ka100. Saka zviri pachena kuti Umambo hwaikosha chaizvo kuna Jesu.—Verenga Mateu 12:34.

2. Vanhu vangani vanogona kunge vaivapo pakapiwa murayiro uri pana Mateu 28:19, 20, uye nei tichidaro?

2 Nguva pfupi Jesu amutswa, akaonana nevanhu vanopfuura 500. (1 VaK. 15:6) Zvimwe ipapo ndipo paakapa murayiro wokuti mashoko oUmambo aparidzwe kuvanhu “vemarudzi ose.” * Iri raiva basa rakakura chaizvo. Jesu akataura kuti basa guru iroro raizoramba richiitwa “kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” uye izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika. Paunoita basa rokuparidza, unenge uchitozadzisawo uprofita uhwu.—Mat. 28:19, 20.

3. Zvinhu zvipi zvitatu zvatakapiwa zvinotibatsira kuti tinyatsoita basa rokuparidza mashoko akanaka?

3 Jesu paakapa vateveri vake murayiro wokuti vaparidze, akavavimbisa kuti: “Ndinemi.” (Mat. 28:20) Saka ndiye aizotungamirira basa guru iroro. Uyewo Mwari wedu akatishongedza “nezvinhu zvose zvakanaka” kuti tikwanise kuita basa racho. (VaH. 13:20, 21) Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvatakashongedzwa nazvo zvinoti: (1) zvokushandisa, (2) nzira dzokuita basa racho, uye (3) kudzidziswa kwatakaitwa kuti tiriite. Kutanga, ngationei zvimwe zvokushandisa zvakatibatsira kuita basa iri mumakore 100 apfuura.

MAMBO ANOPA VASHANDI VAKE ZVEKUSHANDISA PAKUPARIDZA

4. Nei takashandisa zvinhu zvakasiyana-siyana pabasa redu rekuparidza?

4 Jesu akafananidza “shoko roUmambo” nembeu inodyarwa paivhu rakasiyana-siyana. (Mat. 13:18, 19) Murimi anogona kushandisa midziyo yakasiyana-siyana paanenge achigadzirira ivhu kuti azodyara mbeu. Mumakore akapfuura, Mambo wedu akatipawo zvokushandisa kuti tigadzirire mwoyo yemamiriyoni evanhu kuti vanzwe mashoko eUmambo. Zvimwe zvacho takazvishandisa kwemakore anenge gumi kana kupfuura, asi zvimwe zvacho tichiri kuzvishandisa nanhasi. Asi zvose izvi zvakatibatsira kuti tiwedzere unyanzvi hwedu pakuita basa rekuparidza.

5. Chii chainzi kadhi rokupupura, uye raishandiswa sei?

5 Chimwe chakabatsira vakawanda kuti vatange kuita ushumiri raiva kadhi rokupupura iro rakatanga kushandiswa nevaparidzi voUmambo muna 1933. Kadhi racho rakanga rakada kuenzana nekafomu katinonyora mushumo webasa romumunda uye raiva nemharidzo pfupi yeBhaibheri. Mamwe makadhi matsva aipota achibudiswa aine dzimwewo mharidzo. Mharidzo yacho yaiva nyore. Hama C. W. Erlenmeyer vaiva nemakore anenge 10 pavakatanga kuparidza vachishandisa makadhi iwayo. Vakati: “Taiwanzotanga mharidzo yacho tichiti, ‘Ndinokumbirawo kuti muverenge kadhi iri.’ Kana saimba averenga kadhi racho, taibva tamupa mabhuku tobva taenda.”

6. Kadhi rokupupura rakabatsira sei pakuparidza?

6 Kadhi rokupupura raibatsira pane zvakawanda. Vamwe vaparidzi vaida chaizvo kuita basa rokuparidza, asi vainyara uye vaisaziva kuti votaurei. Vamwewo ndivo vaitaura zvakawandisa. Mumaminitsi mashomanana, vaibva vatoudza saimba zvese zvavaiziva, uye dzimwe nguva mashoko avaitaura aigumbura vanhu. Asi kadhi iroro rakabatsira vaparidzi nokuti raiva nemharidzo yakanaka ine mashoko mashoma.

7. Matambudziko api aisangana nevaparidzi pavaishandisa kadhi rokupupura?

7 Vaparidzi vaisanganawo nematambudziko pavaishandisa kadhi rokupupura. Hanzvadzi Grace A. Estep, avo vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha vanoti: “Dzimwe nguva taibvunzwa kuti, ‘Kadhi racho riri kumboti kudii? Chingotauraika kuti pakanyorwei.’” Rimwewo dambudziko raiva rekuti vamwe vanasaimba vakanga vasingagoni kuverenga zvaiva pakadhi racho. Vamwewo vaifunga kuti tiri kutovapa kadhi racho, zvokuti vaibva vangoritambira vovhara musuo. Kana saimba wacho asingafariri zvachose, aigona kubvarura-bvarura kadhi racho. Pasinei nematambudziko aya, kadhi rokupupura rakabatsira vaparidzi kuti vakwanise kuparidzira vavakidzani vavo, uye kuti vazivikanwe sevaparidzi voUmambo.

8. Tsanangura kuti giramufomu raishandiswa sei. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Chimwewo chaishandiswa kuma1930 kusvika kuma1940, magiramufomu anotakurika. Dzimwe hama dzakatumidza magiramufomu aya kuti Aroni nekuti ndiwo aitaura ivo vakanyarara. (Verenga Eksodho 4:14-16.) Kana saimba akabvuma kuridzirwa giramufomu racho, vaibva vamuridzira mharidzo yeBhaibheri yakarekodhwa yemaminitsi mana nehafu, vobva vamupa mabhuku. Dzimwe nguva mhuri yose yaiungana ichiteerera mharidzo yacho. Muna 1934, Watch Tower Society yakatanga kugadzira magiramufomu aitakurika ekushandisa muushumiri. Nekufamba kwenguva, mharidzo 92 dzakasiyana-siyana dzakabudiswa.

9. Magiramufomu akabatsira sei pakuparidza?

9 Mumwe saimba ainzi Hillary Goslin paakanzwa imwe mharidzo yeBhaibheri yakarekodhwa, akakumbira mumwe muparidzi kuti ambomukweretesa giramufomu kwevhiki kuti amboridzirawo vavakidzani vake mashoko oUmambo. Muparidzi wacho paakazodzoka, akawana paine vanhu vakawanda vanofarira vakamumirira. Nokufamba kwenguva, vakawanda vacho vakazozvitsaurira kuna Jehovha, uye vanasikana vaviri vaHillary vakazopinda Chikoro cheGiriyedhi vakanzi vanoshumira kune imwe nyika. Sezvakangoitawo kadhi rokupupura, giramufomu rakabatsira vanhu vakawanda kuti vatange kuita basa rokuparidza. Nokufamba kwenguva, Mambo aizovadzidzisa maitirwo ebasa achishandisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

KUPARIDZA NENZIRA DZAKASIYANA-SIYANA

10, 11. Mapepanhau uye redhiyo zvakashandiswa sei pakuparadzira chokwadi cheBhaibheri, uye nei nzira idzi dzokuparidza dzakabudirira?

10 Vachitungamirirwa naMambo, vanhu vaMwari vakashandisa nzira dzokuparidza dzakasiyana-siyana kuti vanhu vakawanda vanzwe mashoko akanaka. Izvi zvaibatsira chaizvo kunyanya panguva yakwaiva ‘nevashandi vashoma.’ (Verenga Mateu 9:37.) Makore ekuma1900 achangotanga, takanga tava kushandisa mapepanhau kuti mashoko akanaka asvike kuvanhu vakawanda vaigara munzvimbo dzaiva nevaparidzi vashoma. Vhiki rega rega Hama Charles Taze Russell vaitumira mharidzo neteregirafu kukambani inopa vemapepanhau nyaya dzekubudisa. Kambani iyi yaibva yatumira mharidzo yacho neteregirafu kumapepanhau aiva muUnited States, Canada, uye Europe. Pakazosvika 1913, mharidzo dzaHama Russell dzakanga dzava kubudiswa mumapepanhau 2 000, dzichiverengwa nevanhu vanenge 15 000 000.

11 Hama Russell pavakafa, imwe nzira itsva yekuparadzira nayo mashoko akanaka yakatanga kushandiswa. Musi wa16 April, 1922, Hama Joseph F. Rutherford vakapa imwe yehurukuro dzavo dzekutanga panhepfenyuro yeredhiyo, uye yaiteererwa nevanhu vanenge 50 000. Musi wa24 February, 1924, sangano rakatanga kutepfenyura panhepfenyuro yaro yeredhiyo yekutanga yainzi WBBR. Nharireyomurindi yaDecember 1, 1924, yakataura nezvenzira iyi yekuparidza ichiti: “Tinofunga kuti panzira dzese dzatakamboshandisa, redhiyo ndiyo nzira isingadyi mari yakawanda uye inobudirira yokuparadzira nayo chokwadi.” Sezvakaitwa nemapepanhau, kushandisa redhiyo kwakabatsira kuti vanhu vaigara munzvimbo dzaiva nevaparidzi veUmambo vashoma vanzwewo mashoko oUmambo.

Vaparidzi veUmambo vakawanda vanoparidza munzvimbo dzinowanikwa vakawanda uye vanonakidzwa pavanoudza vanhu nezvejw.org (Ona ndima 12, 13)

12. (a) Unonyanya kunakidzwa nekuparidza munzvimbo dzipi dzinowanikwa vakawanda? (b) Chii chingatibatsira kana tichitya kuparidza munzvimbo dzinowanikwa vakawanda?

12 Iye zvino tava kunyanya kukurudzirwa kuparidza munzvimbo dzinowanikwa vakawanda dzakadai sezviteshi zvemabhazi uye zvezvitima, panopakwa motokari, uye pamisika. Kana uchitya kuparidza munzvimbo idzi, wadii kufungisisa zvakataurwa naHama Angelo Manera, Jr., avo vava nemakore akawanda vari mutariri wedunhu. Vakati: “Taiona nzira itsva dzokuparidza seimwe nzira yekushumira nayo Jehovha, yekuratidza kuti takavimbika kwaari, semukana wekuratidza kuti tinoda Jehovha zvakadini, uye taiva nechido chekuratidza kuti tinoda kuita zvose zvaanoda kuti tiite pakumushumira.” Dzimwe nguva zvingatiomera kushandisa imwe nzira itsva yokuparidza inenge yavapo, asi kana tikaishandisa, tichawedzera kuvimba naJehovha uye izvozvo zvichaita kuti tisimbe pakunamata.—Verenga 2 VaKorinde 12:9, 10.

13. Pabasa redu rekuparidza, jw.org iri kubatsira sei, uye zvii zvakaitika pawaiudza vanhu nezvayo?

13 Vaparidzi vakawanda vakanakidzwa nekuudza vanhu nezvejw.org, uye ipapo vanhu vanokwanisa kuverenga kana kudhaunirodha mabhuku anotaura nezveBhaibheri mumitauro inopfuura 700. Zuva rega rega, vanhu vanopfuura 1 600 000 vanoenda pajw.org. Sezvaingoitwa neredhiyo, jw.org. iri kuita kuti vanhu vakawanda vanzwe mashoko akanaka, kunyange vaya vanogara munzvimbo dziri kure nemaguta.

KUDZIDZISA VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA

14. Vaparidzi voUmambo vaifanira kudzidziswei, uye chikoro chipi chakavabatsira kuti vave neunyanzvi pakudzidzisa?

14 Takurukura nezvezvimwe zvinhu zvatanga tichishandisa pakuparadzira mashoko akanaka uye dzimwe nzira dzatanga tichishandisa kuita basa racho. Asi vaparidzi vaifanirawo kudzidziswa kuita basa rokuparidza. Somuenzaniso, saimba aigona kusabvumirana nezvaainzwa mumharidzo pagiramufomu, kana kuti aigona kufarira zvaanenge averenga pakadhi rokupupura. Vaparidzi vaida kudzidziswa zvokuita pavaipikiswa, uye vaidawo kudzidziswa kuti vakwanise kubatsira vanhu vanenge vachida kudzidza chokwadi. Hama Nathan H. Knorr vanofanira kunge vakatungamirirwa nemudzimu waMwari pavakafunga nezvekuti vaparidzi vanoda kudzidziswa kuti vashandise chipo chavakapiwa chekutaura muushumiri. Saka muna 1943, pakatanga kurongwa kuti muungano muve neChikoro chaMwari Choushumiri. Chikoro ichi chakatibatsira kuti tive neunyanzvi pakudzidzisa.

15. (a) Chii chaiitika kune vamwe pavaipa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri? (b) Vimbiso yaJehovha iri pana Pisarema 32:8 yakazadzika sei kwauri?

15 Vaparidzi vakawanda vakatora nguva kuti vazojaira kutaura pamberi pevanhu vakawanda. Hama Julio S. Ramu vanoyeuka hurukuro yavo yekutanga yavakapa pachikoro muna 1944. Hurukuro yacho yaitaura nezvei? Yaitaura nezvemurume anonzi Dhoegi, uyo anongotaurwa mumavhesi mashanu chete eBhaibheri. Vanoti: “Mabvi angu aigwagwadza, maoko angu aibvunda, uye mazino angu aigeda-geda.” Hama Ramu vakati vaitofanira kupa hurukuro yacho yose vachingoshandisa magwaro mashanu iwayo. Vanowedzera kuti: “Mumaminitsi matatu chete, ndakanga ndatopedza kupa hurukuro yangu. Ndozvakaitika pandakatanga kuenda pachikuva, asi handina kukanda mapfumo pasi.” Vana vadiki vakatanga kunyoresawo pachikoro, kunyange zvazvo vamwe vacho vaiomerwa nekupa hurukuro pamberi peungano. Hama Angelo Manera avo vambotaurwa vanoyeuka hurukuro yekutanga yekamwe kakomana kakanga kachangotanga kuenda kuchikoro. Vanoti: “Aitya chaizvo zvokuti paakatanga kutaura akatanga kuchema. Asi akanga akatsunga kupa hurukuro yacho, saka akashingirira kutaura kusvikira apedza, achingochema kudaro.” Wakambotadza kupindura pamisangano kana kuita zvimwewo zvinhu nemhaka yekunyara kana kutya kuti hauzvikwanisi here? Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti usatya. Achakubatsira sezvaakangoitawo vadzidzi ivavo vakatanga kupa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri.—Verenga Pisarema 32:8.

16. Chinangwa cheChikoro cheGiriyedhi (a) chaiva chei kare (b) chava chei kubva muna 2011?

16 Chikoro chaMwari Choushumiri handicho chete chiri kudzidzisa vanhu vaJehovha. Mamishinari nevamwewo vashumiri vaMwari vakabatsirwa chaizvo nokupinda Chikoro cheGiriyedhi. Mumwe murayiridzi weChikoro cheGiriyedhi akataura kuti chinangwa chechikoro ichi “ndechokuti vadzidzi vacho vave nechido chakasimba chokuita basa reuevhangeri.” Chikoro cheGiriyedhi chakatangwa muna 1943, uye kubva ipapo vanhu vanopfuura 8 500 vakachipinda. Mamishinari akadzidziswa ikoko akanoshumira munyika dzinenge 170. Kubva muna 2011, chikoro ichi chava kungodzidzisa mapiyona chaiwo, vatariri vematunhu, nhengo dzeBheteri kana kuti mamishinari ari mundima asati apinda chikoro cheGiriyedhi.

17. Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira sei?

17 Chikoro cheGiriyedhi chakabatsira sei? Funga nezvemuenzaniso unotevera. Muna August 1949, muJapan maingova nevaparidzi vasingasviki 10. Gore iroro parakazopera, mamishinari 13 ayo akanga adzidziswa kuGiriyedhi akanga ava kuparidza muJapan. Iye zvino muJapan mava nevaparidzi vanenge 216 000, uye pavaparidzi 100 vega vega, 42 vacho vanoshanda semapiyona enguva dzose.

18. Ndezvipi zvimwe zvikoro zvakabatsira Zvapupu kuti zvirambe zvichikura pakunamata?

18 Zvimwe zvikoro zvakadai seChikoro Choushumiri hwoUmambo, Chikoro Chebasa Roupiyona, Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, Chikoro Chevatariri Vematunhu Nemadzimai Avo, uye Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi Nemadzimai Avo, zvakabatsira chaizvo kusimbisa vanhu vaJehovha uye kuti vave neunyanzvi pabasa ravo. Zviri pachena kuti Mambo ari kuramba achidzidzisa vanhu vake.

19. Hama Charles Taze Russell vakataura mashoko api nezvebasa redu rekuparidza, uye mashoko avo akazadzika sei?

19 Umambo hwaMwari hwatova nemakore anopfuura 100 huchitonga. Mambo wedu Jesu Kristu ari kuramba achitidzidzisa. Hama Charles Taze Russell pavakazofa muna 1916, vakanga vasina nguva yakareba vataura mashoko airatidza chivimbo chavaiva nacho chekuti basa redu rekuparidza raizopararira munyika yose. Vakaudza shamwari yavo yepedyo kuti: “Basa riri kuwedzera nokukurumidza, uye richaramba richiwedzera, nokuti kune basa rinofanira kuitwa munyika yose rokuparidza ‘evhangeri youmambo.’” (Bhuku rinonzi Faith on the March, rakanyorwa naA. H. Macmillan, peji 69) Izvozvo ndizvo chaizvo zvakazoitika. Tinotenda Jehovha Mwari werugare uyo anoramba achitishongedzera kuti tiite basa iri rinofadza chaizvo. Chokwadi anotipa “zvinhu zvose zvakanaka” zvinotibatsira kuti tiite kuda kwake!

^ ndima 2 Zvine musoro kuti titi vanhu vakawanda vaivapo vakazova vaKristu. Mutsamba yaakanyorera vaKorinde, Pauro akataura nezvevanhu ava achiti vaiva “hama dzinopfuura mazana mashanu.” Akawedzera kuti: “Vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino, asi vamwe vakarara murufu.” Saka zvinoita sokuti Pauro uye vamwe vaKristu vepanguva iyoyo vaitozivana nevanhu vakawanda vainge vanzwa Jesu achipa murayiro wokuparidza.