Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamishinari Anokurudzirwa Kuita saJeremiya

Mamishinari Anokurudzirwa Kuita saJeremiya

Kupedza Kudzidza Kwekirasi Yegiriyedhi Yechi125

Mamishinari Anokurudzirwa Kuita saJeremiya

“KIRASI ino yasvitsa chikoro chino padanho rinokosha munhoroondo yeGiriyedhi,” akazivisa kudaro Geoffrey Jackson weDare Rinodzora. Akanga achitaura kuvanhu 6 156 vaiva vakateerera pakapedza kudzidza kirasi yechi125 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi musi waSeptember 13, 2008. Chikoro cheGiriyedhi chatumira mamishinari anopfuura 8 000 “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika,” kusanganisira vadzidzi 56 vomukirasi ino!—Mab. 1:8.

Hama Jackson, vanova ndivo vaiva sachigaro wepurogiramu yokupedza kudzidza kwekirasi iyi, vakabvunza kuti: “Kuvimbika kuchaita kuti ushumiri hwenyu hunakidze here?” Vakabva vataura zvinhu zvina zvinoita kuti munhu avimbike: kuva nemaonero akanaka, kuratidza muenzaniso wakanaka, kudzidzisa zvinobva muShoko raMwari chete, uye kunyanya kusimbisa kuziviswa kwezita raJehovha.

David Schafer, weDare Rokudzidzisa, akakurukura musoro waiti “Uchanzwisisa Zvose Here?” Akavimbisa vadzidzi veGiriyedhi ava kuti kana vakaramba vachitsvaka Jehovha uye vachizvininipisa uye vachiteerera zvinotaura “muranda akatendeka, akangwara,” vanogona “kunzwisisa zvose” zvavanofanira kuita kuti vave mamishinari.—Zvir. 28:5; Mat. 24:45.

John E. Barr weDare Rinodzora ndiye akazotevera nomusoro waiti “Usarega Chero Chinhu Chipi Zvacho Chichikuparadzanisa Norudo rwaMwari.” Sezvinoitwa nababa vane rudo, Hama Barr vakakurudzira vakanga vapedza kudzidza pamwe nevabereki vavo, uye izvi zvakaita kuti vasatya zvavangadaro vakanga vanzwa panyaya yezvavaizotarisana nazvo mubasa ravo. Vakatsanangura kuti: “Hapana nzvimbo yatinganzwa takachengetedzwa uye takagadzikana kupfuura kuva murudo rwaMwari. Hapana chingaparadzanisa mamishinari norudo rwaMwari kunze kwokunge iwo azviparadzanisa naMwari.”

Sam Roberson weDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano akakurudzira vaiva vakateerera kuti vakwane “munguo inopfuura dzose.” Kudzidza kwakaita kirasi iyi zvakanga zvaitwa naJesu uye kuzviita kwakaita kuti vapfeke “Ishe Jesu Kristu.” (VaR. 13:14) William Samuelson, mutariri weDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano, akataura zvinoita kuti munhu akudzwe. Maonero anoitwa nevanhu haasiwo anoita kuti munhu akudzwe asi maonero aanoitwa naMwari.

Mumwe wevarayiridzi vechikoro ichi, Michael Burnett, akabvunza vadzidzi nezvezvakaitika pavaiita basa romumunda. Kunyange zvazvo vadzidzi vakawanda vakanzi vashande mundima inoshandwa kakawanda pavaiva kuChikoro cheGiriyedhi kuPatterson, New York, vakawana vamwe vaifarira. Gerald Grizzle weHofisi yeMagungano Eruwa akabvunza hama nhatu dzaipinda Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi. Zvavakataura zvakabatsira ava vakanga vapedza kudzidza kuGiriyedhi kuti vagadzirire zvavaizonosangana nazvo kune dzimwe nyika.

Hurukuro yaiti “Ita saJeremiya” yakapiwa naDavid Splane weDare Rinodzora, akapinda kirasi yechi42 yeGiriyedhi. Kunyange zvazvo Jeremiya aitya kuita basa rake, Jehovha akamusimbisa. (Jer. 1:7, 8) Mwari ndozvaachaitirawo mamishinari matsva aya. Hama Splane vakati: “Kana uchinge wanetsana nomumwe munhu, gara pasi unyore zvinhu gumi zvaunofarira nezvomunhu iyeye. Kana usingakwanisi kusvitsa gumi, zvinoreva kuti haunyatsozivi munhu iyeye.”

Jeremiya aizvipira chaizvo. Paakanga ava kuda kukanda mapfumo pasi, akanyengetera, Jehovha akava naye. (Jer. 20:11) Hama Splane vakati, “Kana uchinzwa waora mwoyo, taura naJehovha nezvazvo. Uchashamisika nokubatsirwa kwauchaitwa naye.”

Pakapera purogiramu iyi, sachigaro akayeuchidza vateereri kuti vadzidzi ava vakanga vadzidza nzira dzakawanda dzokuita kuti vavimbike. Pavanenge vachiparidza vari kundima dzavo, vachanakidzwa noushumiri hwavo nokuti vanenge vakavimbika.—Isa. 43:8-12.

[Bhokisi riri papeji 22]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 6

Nyika dzavakatumirwa: 21

Vadzidzi: 56

Avhareji yezera: 32,9

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17,4

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kirasi Yechi125 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Hodgson, A.; Wall, A.; Beerens, K.; Hortelano, M.; Newman, L.; De Caso, A. (2) Jenkins, J.; Jarzemski, T.; Méndez, N.; Corona, V.; Canalita, L. (3) Fryer, H.; Savage, M.; Tidwell, K.; Erickson, N.; Dyck, E.; McBeath, R. (4) Perez, L.; Puse, L.; Skidmore, A.; Young, B.; McBride, N.; Rondón, P.; Goodman, E. (5) Beerens, M.; Ferguson, J.; Pearson, N.; Chapman, L.; Wardle, J.; Canalita, M. (6) Perez, P.; De Caso, D.; Young, T.; Rondón, D.; Goodman, G.; Jenkins, M.; Dyck, G. (7) Corona, M.; Wall, R.; Puse, S.; Méndez, F.; Jarzemski, S.; Savage, T. (8) Newman, C.; Ferguson, D.; Skidmore, D.; Erickson, T.; McBride, J.; Pearson, M.; Chapman, M. (9) Hodgson, K.; Wardle, A.; McBeath, A.; Tidwell, T.; Fryer, J.; Hortelano, J.