Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera

Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera

Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera

MANGWANANI omusi waMay 16, 2005, kwaitonhorera zvakanaka uye musi wacho kwaiva nezuva paWatchtower Farms kuWallkill, New York. Tsangadzi yakanyatsochekererwa uye mibhedha yemaruva zvaipenya nemhaka yemvura yakanga yanaya mambakwedza asati asvika. Sekwe raiva nenhiyo sere raishambira zvinyoronyoro mumvura yakadzikama yaiva pedyo nomuganhu wedziva. Vaeni vakashamiswa norunako rwacho. Vaitaurira pasi, sokunge kuti vakanga vasingadi kukanganisa runyararo rwemangwanani acho.

Vaeni vacho vaiva Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvabva kunyika 48 pasi pose. Asi vakanga vasina kuuya kuzoona zvakapoteredza nzvimbo yacho. Vaifarira zvakanga zviri kuitwa mune chimwe chivako chihombe chakavakwa nezvidhinha zvitsvuku, chivako chichangobva kuwedzerwa pazvivako zveBheteri rokuUnited States kuWallkill. Mukati mechivako chacho, vakashamiswa zvekare, kunyange zvazvo maiva noruzha.

Vari pauriri hwepasi, vaeni vacho vaitarira nechepasi vachiona michina yakasiyana-siyana. Michina yokudhinda mishanu mihombe yaiva pauriri hwekongiri hwakashainiswa hwakakura kupfuura nhandare dzebhora pfumbamwe. Pano ndipo panodhindirwa maBhaibheri, mabhuku nemagazini. Mabhanduru mahombe emapepa, anorema 1 700kg rimwe chete, anotenderera semavhiri erori iri kumhanya zvikuru. Bhanduru rimwe nerimwe repepa rakareba makiromita 23 rinorudunuka ropfuura nepamuchina wokudhinda mumaminitsi 25 chete. Panguva iyoyo, muchina wacho unoisa ingi woiomesa uye woita kuti pepa racho ritonhore kuitira kuti rigone kupetwa kuva magazini anomhanya nepamabhandi ari pamusoro achinopinda mumabhokisi obva atumirwa kuungano. Mimwe michina iri kudhinda zvikamu zvemabhuku, zvinobva zvakurumidza kuendeswa kunzvimbo yazvinochengeterwa inobva pauriri kusvika kusirin’i, kusvikira zvaendeswa kunobatanidzwa kuti zvive bhuku rimwe chete. Basa racho rinoitwa pachishandiswa makombiyuta.

Vabva muimba yokudhindira, vaeni vacho vakaenda kunoona munobatanidzwa zvikamu zvichiva bhuku rimwe chete. Kuno michina inogadzira mabhuku ane mabutiro akaomarara uye maBhaibheri edeluxe anosvika 50 000 pazuva. Zvikamu zvemabhuku zvinounganidzwa nenzira yakarongeka, zvinobatanidzwa kuva bhuku rimwe chete, uye zvinochekererwa. Zvadaro anoiswa mabutiro. Mabhuku anenge apera anobva aiswa mumabhokisi. Mabhokisi acho anobva angonamwa, onyorwa, orongwa munzvimbo yaanochengeterwa. Uyezve, muchina unogadzira mabhuku epepa risina kuomarara unounganidza wobatanidza mabhuku anenge 100 000 pazuva. Muchina uyu wakagadzirwawo nezvinhu zvakawanda—mapatsi emichina anonzi mota, mabhandi anotakura zvinhu, magiya, mavhiri nemabhandi—zvose zvichikurumidza zvinoshamisa kuti mabhuku eBhaibheri agadzirwe.

Kukurumidza kudhinda kwomuchina wacho uchangoburwa chishamiso chaicho chounyanzvi hwokugadzira zvinhu hwemazuva ano, nokuti hapana mumwe unoenzana nawo, uye unoshanda zvakarurama zvatingafananidza newachi yakanyatsogadzirwa navanamazvikokota. Sezvatichaona, zvinoratidzawo rudo, kutenda, uye kuteerera kwevanhu vaMwari. Zvisinei, nei basa rokudhinda rakachinjirwa kuWallkill richibviswa kuBrooklyn, New York?

Chikonzero chikuru chaiva chokurerutsa kudhinda uye kutumira nokuita kuti basa racho riitirwe panzvimbo imwe chete. Kwemakore akawanda, mabhuku aidhindwa otumirwa kubva kuBrooklyn, uye magazini aidhindwa otumirwa kubva kuWallkill. Kuita kuti basa racho riitirwe pamwe chete kunoderedza vanhu vanoriita uye mari yakatsaurirwa inoshandiswa zviri nani. Uyezve, sezvo michina yokudhinda yaiva kuBrooklyn yakanga yava mitsaru, michina miviri mitsva yeMAN Roland Lithoman yakaodhwa kuGermany. Michina iyi yakanga yakakurisa zvokuti yakanga isingakwani munzvimbo yokudhindira yokuBrooklyn.

Jehovha Anotsigira Basa Racho

Chinangwa chokudhinda nguva dzose chave chiri chokufambisira mberi mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Zvave zviri pachena kuti Jehovha ave achikomborera basa racho kubva pakutanga chaipo. Kubvira muna 1879 kusvikira muna 1922, mabhuku aidhindwa nemakambani okudhinda. Muna 1922, chivako chine nhurikidzwa nhanhatu chakarendwa pa18 Concord Street kuBrooklyn uye michina yokudhinda mabhuku yakatengwa. Panguva iyoyo, vamwe vakanga vasina chokwadi kana hama dzaizogona kuita basa racho.

Mumwe weava vakanga vasina chokwadi aiva purezidhendi wekambani yakanga yadhinda mabhuku edu akawanda. Paakashanya kuConcord Street, akati: “Pano mune michina yokudhinda yemhando yepamusoro, asi hamuna munhu anogona kuishandisa. Mumwedzi mitanhatu michina yacho yose inenge yangova marara; uye muchaona kuti vanhu vakakodzera kukudhindirai ndevaya vakagara vachizviita, uye vava nounyanzvi hwokudhinda.”

Robert J. Martin, uyo aitarisira nzvimbo yokudhindira panguva iyoyo akati: “Izvozvo zvaiita sezvine musoro, asi zvakanga zvisingabatanidzi Ishe; uye nguva dzose ave ainesu. . . . Pasina nguva, takanga tava kudhinda mabhuku.” Mumakore 80 akatevera, Zvapupu zvaJehovha zvakadhinda mabhiriyoni emabhuku zvichishandisa michina yazvo yokudhinda.

Zvadaro, musi waOctober 5, 2002, pamusangano unoitwa gore negore kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, zvakaziviswa kuti Dare Rinodzora rakanga ratendera kuti basa rokudhinda richinjwe kubva kubazi reUnited States richinoitirwa kuWallkill. Michina yokudhinda mitsva miviri yakanga yaodhwa, ichinzi yaizouya muna February 2004. Mumwedzi 15, hama dzaifanira kugadzira uye kuwedzera nzvimbo yokudhindira dzogadzirira kugamuchira michina mitsva yokudhindisa. Zvadaro, basa rokuisa muchina mutsva wokubatanidza zvikamu zvemabhuku nokuatumira raifanira kuzopera mumwedzi mipfumbamwe yaitevera. Vamwe vangave vasina kuva nechokwadi pavakanzwa nguva yacho—zvaiita sezvakanga zvisingabviri. Asi, hama dzaiziva kuti kana Jehovha achikomborera, zvaigona kuitika.

“Kushandira Pamwe Nomufaro”

Dzichiziva kuti vanhu vaJehovha vaizozvipa nomwoyo unoda, hama dzakatanga basa racho. (Pisarema 110:3) Kuwanda kwebasa racho kwaida vashandi vakawanda kupfuura vaiva mumadhipatimendi okuvaka epaBheteri. Hama nehanzvadzi dzokuUnited States neCanada dzinopfuura 1 000 dzine unyanzvi hwokuvaka dzakazvipira kushanda kwevhiki imwe chete kusvika kumwedzi mitatu muchirongwa chokuzvipira kwenguva shomanana. Vamwe vari muzvirongwa zvevashandi vanovaka munyika dzakawanda uye vamwe vanozvipira kuvaka munyika dzakawanda vakakumbirwa kuti vazoitawo basa racho. Matare Okuvaka Omunharaunda akabatsirawo zvikuru.

Kune vazhinji, kuzvipira kuita basa kuWallkill kwaireva kushandisa mari yakawanda pakufamba uye kurega kuenda kubasa ravo rokunyika. Asi, vakazvipira kuita izvi vachifara. Kuita kuti vanhu ava vakazvipira vawane pokugara uye zvokudya kwakaita kuti mhuri yeBheteri ive nemikana yokushanda nesimba pakutsigira chirongwa chacho. Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinopfuura 535 dzokuBrooklyn, Patterson, neWallkill dzakazvipira kushanda muchirongwa chacho misi yoMugovera, kuwedzera kubasa radzo renguva dzose zuva rimwe nerimwe revhiki. Kutsigira kukuru basa iri rinokosha kwakaitwa nevanhu vaMwari zvimwe kwakangoitika nokuti Jehovha akanga achitsigira chirongwa chacho.

Vamwe vaipa iri mari. Somuenzaniso, hama dzakagamuchira tsamba yaAbby aiva nemakore mapfumbamwe. Akanyora kuti: “Ndiri kuonga chaizvo basa rose ramunoita—kugadzira mabhuku ose akanaka kwazvo. Ndingangokushanyirai munguva pfupi iri kutevera. Baba vangu vakati tichakushanyirai gore rinouya! Ndichapfeka bheji kuti mugondiziva. Heano madhora 20 emari yokuAmerica (Z$490 000) okushandisa pamuchina mutsva wokudhinda! Imari yangu yokudya kuchikoro, asi ndinoda kukupai imi hama.”

Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Ndapota gamuchirai chipo changu cheheti dzandakaruka nekiroshi. Ndaizoda kuti heti idzi dzipiwe vanhu vari kushanda muchirongwa chokuWallkill. Bhuku rinotaura nezvokufamba kwezvinhu zvomuchadenga uye nezvemamiriro okunze rinoti kuchatonhora zvikuru muchando. Handizivi kuti rakarurama here kana kuti kwete. Asi ndinoziva kuti basa rakawanda kuWallkill richaitirwa kunze, uye ndinoda kuva nechokwadi chokuti hama nehanzvadzi dzangu dzizoramba dzichidziyirwa mumusoro. Handina unyanzvi huri kudiwa nehama, asi ndinogona kukirosha, saka ndakasarudza kushandisa unyanzvi uhwu kuti ndipe zvandinokwanisa.” Akatumira heti dzakakiroshwa 106!

Nzvimbo yacho yokudhindira yakapera kuvakwa panguva. John Larson, aitarisira nzvimbo yokudhindira, akati: “Hama dzaishandira pamwe dzichifara. Ndiani angaramba kuti Jehovha akanga ari kukomborera basa racho? Basa rakakurumidza kuitwa zvikuru. Ndinoyeuka ndakamira mumadhaka muna May 2003 ndichiona hama dzichiisa nheyo yechivako chacho. Gore risati rapera, ndakamira panzvimbo imwe chete iyoyo ndichiona michina yokudhinda ichishanda.”

Purogiramu Yokutsaurira

Purogiramu yokutsaurira nzvimbo itsva yokudhindira, pamwe chete nenzvimbo nhatu dzokugara, yakaitwa kuWallkill musi woMuvhuro, May 16, 2005. Kuzvivako zveBheteri kuPatterson neBrooklyn, uyewo kuCanada, kwakanga kwakaiswa mavhidhiyo kuti vaone zvaiitika. Vanhu 6 049 vakanakidzwa nepurogiramu yacho. Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, aiva sachigaro uye akataura muchidimbu nhoroondo yebasa rokudhinda. Dzichibvunzurudza uye kuratidza mavhidhiyo, nhengo dzeDare Rebazi dzinoti John Larson naJohn Kikot dzakadzokorora nhoroondo yechirongwa chokuvaka uye basa rokudhinda muUnited States. John Barr weDare Rinodzora ndiye akapa hurukuro yokupedzisira, achitsaurira kuna Jehovha Mwari nzvimbo itsva yokudhindira uye zvivako zvitatu zvokugara.

Vhiki yakatevera yacho, vashandi vepaBheteri vokuPatterson neBrooklyn vakapiwa mukana wokutenderera vachiona zvivako izvi zvitsva. Vose vakashanya panguva iyoyo vaiva 5 920.

Tinoona Sei Nzvimbo Yokudhindira?

Muhurukuro yokutsaurira, Hama Barr vakayeuchidza vateereri vavo kuti kunyange zvazvo nzvimbo yokudhindira ingave yakanaka chaizvo, michina haisiyo inokosha. Vanhu ndivo vanokosha. Mabhuku atinodhinda anochinja upenyu hwevanhu zvikuru.

Muchina mutsva mumwe nomumwe unogona kudhinda maturakiti miriyoni muinongoti pfuurei awa imwe chete! Asi, turakiti rimwe chete ringachinja upenyu hwomumwe munhu zvikuru. Somuenzaniso, muna 1921 chikwata chevarume vaigadzirisa njanji kuSouth Africa vakaramba vachishanda panjanji. Mumwe wavo, ainzi Christiaan, akaona chipepa chaiva pasi penjanji. Raiva rimwe rematurakiti edu. Christiaan akariverenga achifara zvikuru. Akamhanya kunosangana nomukuwasha wake ndokuti kwaari achifara: “Nhasi ndawana chokwadi!” Nguva pfupi pashure pacho, vakanyorera kuti vawane mamwe mashoko. Bazi rokuSouth Africa rakavatumira mamwe mabhuku eBhaibheri. Varume vaviri ava vakadzidza, vakabhabhatidzwa, uye vakaudza vamwe chokwadi cheBhaibheri. Somugumisiro, vakawanda vakagamuchira chokwadi. Kutaura zvazviri, pakutanga kwema1990, vana vavo vanopfuura zana vakanga vava Zvapupu zvaJehovha—nemhaka yeturakiti rimwe chete bedzi rakaonekwa nomumwe murume panjanji!

Hama Barr vakati mabhuku atinodhinda anoita kuti vanhu vawane chokwadi, voramba vari muchokwadi, anovakurudzira kuti vashingaire zvikuru, uye anobatanidza hama dzose. Uye zvinopfuura zvose, mabhuku acho, atinogovera tose, anokudza Mwari wedu, Jehovha!

Jehovha Anoona Sei Nzvimbo Yokudhindira?

Hama Barr vakakumbirawo vateereri kuti vafunge kuti Jehovha anoona sei nzvimbo yokudhindira. Zvechokwadi, haaioni sokuti ndiyo chete inokosha pakuita basa rake. Anogona kuita kuti matombo aparidze mashoko akanaka! (Ruka 19:40) Uyezve, haashamiswi nokugadzirwa nenzira yakaoma kunzwisisa kwemichina yacho, kukura kwayo, kukurumidza kudhinda kwainoita, kana kuti kukwanisa kwayo kuita basa. Chokwadi, ndiye akasika zvinhu zvose! (Pisarema 147:10, 11) Jehovha anoziva nzira dzakawanda dzemazuva ano dzokugadzira mabhuku, nzira dzisina kumboitwa kana kutombofungidzirwa nevanhu. Saka, Jehovha anoona chii chaanonyatsokoshesa? Chokwadi munzvimbo iyi yokudhindira anoona unhu hunokosha hwevanhu vake—rudo rwavo, kutenda, uye kuteerera kwavo.

Vakapa muenzaniso worudo. Musikana anobhekera vabereki vake keke. Zvimwe, vabereki vacho vachafara. Chokwadi, pasinei nezvakaita keke racho, chinobaya mwoyo yevabereki vacho rudo rwomwana wavo, runoratidzwa norupo rwake. Saizvozvowo, Jehovha paanotarira nzvimbo itsva iyi yokudhindira, haangooni chivako nemichina chete. Anonyanya kuiona sokuratidzwa kworudo kuzita rake.—VaHebheru 6:10.

Uyezve, sezvo Jehovha aiona areka sokuratidzwa kwokutenda kwaNoa, anoona nzvimbo iyi yokudhindira sokuratidzwa kunooneka kwokutenda kwedu. Kutenda chii? Noa aitenda kuti zvakafanotaurwa naJehovha zvaizozadzika. Tinotenda kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, kuti mashoko akanaka ndiwo shoko rinonyanya kukosha riri kuziviswa pasi pano, uye kuti zvinokosha kuti vanhu varinzwe. Tinoziva kuti shoko reBhaibheri rinogona kuponesa upenyu.—VaRoma 10:13, 14.

Hapana mubvunzo kuti Jehovha paanotarira nzvimbo iyi yokudhindira, anoona kuteerera kwatinoita. Sezvatinoziva, anoda kuti mashoko akanaka aparidzwe pasi pose mugumo usati wauya. (Mateu 24:14) Nzvimbo iyi yokudhindira, pamwe chete nedzimwe dziri kune dzimwe nzvimbo dzenyika, dzine zvadzichaita mukuzadzika basa iroro.

Chokwadi, rudo, kutenda uye kuteerera zvakaratidzwa pakubvisa mari, pakuvaka, uye kushanda kwezvivako izvi zvinoratidzwawo mubasa rokushingaira revanhu vaJehovha kwose kwose zvavanoramba vachizivisa chokwadi kune vanhu vose vanoda kuteerera.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 11]

KUWEDZERA KWEBASA ROKUDHINDA MUUNITED STATES

1920: Magazini aidhindwa nomuchina wokutanga werotary pa35 Myrtle Avenue, Brooklyn.

1922: Nzvimbo yokudhindira yakachinjirwa muchivako chine nhurikidzwa nhanhatu pa18 Concord Street. Panguva ino mabhuku akanga ava kudhindwa.

1927: Nzvimbo yokudhindira yakachinjirwa kuchivako chitsva chakavakwa pa117 Adams Street.

1949: Chivako chokudhindira chine nhurikidzwa pfumbamwe chakapetwa kaviri.

1956: Chivako chokudhindira chomuna Adams Street chinopetwazve kaviri panovakwa chivako chitsva pa77 Sands Street.

1967: Chivako chine nhurikidzwa gumi chakavakwa, zvichiita kuti pave nenzvimbo yokudhindira yakabatana yakakura kakapetwa kagumi kupfuura chivako chokutanga.

1973: Chivako chokudhindira chokuwedzera chakavakwa kuWallkill, zvikurukuru pakudhinda magazini.

2004: Kudhinda, kubatanidza zvikamu zvemabhuku, uye kutumira muUnited States zvose zvaiitirwa kuWallkill.