Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsunga Kuramba Ndichishumira Musiki Wangu

Kutsunga Kuramba Ndichishumira Musiki Wangu

Nyaya Youpenyu

Kutsunga Kuramba Ndichishumira Musiki Wangu

YAKATAURWA NACONSTANCE BENANTI

Zvakaitika nokukurumidza zvikuru! Mumazuva matanhatu chete, Camille, mwanasikana wedu aiva nemwedzi 22 akatanga kupisa muviri zvikuru achibva afa. Ndakarwadziwa zvisingaiti. Ndaida kufawo. Nei Mwari akabvumira chinhu chakadaro? Ndakavhiringidzika.

VABEREKI vangu vaiva vatama vachibva kuCastellammare del Golfo, rimwe taundi riri muSicily, kuItaly. Vakauya kuNew York City, kwandakaberekerwa musi waDecember 8, 1908. Mhuri yedu yaisanganisira baba naamai vangu nevana vavo vasere, vakomana vashanu nevasikana vatatu. *

Muna 1927, baba vangu, Santo Catanzaro, vakatanga kupinda misangano yekapoka kaduku keVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Giovanni De Cecca, imwe hama yokuItaly yaishanda padzimbahwe rokuBrooklyn, New York (panonzi paBheteri), aipindira misangano kwataigara, pedyo neNew Jersey. Nokufamba kwenguva, Baba vakatanga kuparidza uye vakatanga ushumiri hwenguva yakazara, uye vakaramba vachiita basa iroro kusvikira pavakafa muna 1953.

Amai pavaiva vaduku, vaida kuva mumwe wemanani, asi vabereki vavo vakavarambidza. Pakutanga, Amai vaindifurira kuti ndisadzidzawo Bhaibheri paidzidza Baba. Zvisinei, nenguva isipi, ndakaona kuchinja kwaiita baba. Vakava munhu akadzikama, munyoro, uye mumhuri makava norugare rukuru. Izvozvo ndakazvifarira.

Munguva iyi, ndakaonana naCharles, mumwe murume wezera rangu akaberekerwa kuBrooklyn. Mhuri yake yaibva kuSicily kwaibvawo yedu. Pasina nguva, takavimbisana kuroorana, uye Baba vachangobva kugungano reruwa reZvapupu zvaJehovha romuna 1931, kuColumbus, Ohio, takaroorana. Mwanasikana wedu Camille akaberekwa pashure pegore rimwe chete. Paakafa, ndakarwadziwa zvikuru. Mumwe musi Charles, uyo akanga achichema, akanditi: “Camille aiva mwanasikana wedu tose. Tadii kungoramba tichienderera mberi noupenyu hwedu, tichinyaradzana?”

Takagamuchira Chokwadi cheBhaibheri

Charles akandiyeuchidza kuti Baba vakanga vataura nezvetariro yorumuko pavakapa hurukuro panhamo yaCamille. Ndakabvunza kuti, “Unodavira rumuko chaizvoizvo here?”

“Ehe!” akapindura kudaro. “Tadii kuedza kuziva zvakawanda nezvezvinotaurwa neBhaibheri?”

Handina kurara usiku ihwohwo. Nenguva dza6 mangwanani, Baba vasati vaenda kubasa, ndakaenda kwavari ndichibva ndavaudza kuti ini naCharles taida kudzidza Bhaibheri. Vakafara chaizvo vachibva vandimbundira. Amai, avo vakanga vachakarara, vakatinzwa tichitaura. Vakandibvunza zvakanga zvaitika. “Hapana,” ndakadaro. “Ini naCharles tangosarudza kudzidza Bhaibheri.”

“Tose tinofanira kudzidza Bhaibheri,” vakapindura kudaro. Saka tose zvedu tiri 11, kusanganisira hanzvadzi nevanun’una vangu—takatanga kudzidza pamwe chete semhuri.

Kudzidza Bhaibheri kwakandinyaradza, uye zvishoma nezvishoma kuvhiringidzika kwandaiva ndakaita mupfungwa uye kurwadziwa zvakatsiviwa netariro. Kwapera gore, muna 1935, ini naCharles takatanga kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri. Muna February 1937, pashure pokunge tanzwa imwe hurukuro kudzimbahwe kuBrooklyn yaitsanangura zvinoreva Magwaro nezvokubhabhatidzwa mumvura, takabhabhatidzwa pane imwe hotera iri pedyo pamwe chete nevamwe vakawanda. Ndakatora danho iri kwete nokungoti ndaitarisira kuonazve mwanasikana wangu pane rimwe zuva asiwo nokuti ndaishuva kushumira Musiki wedu, wandakanga ndava kuziva uye kuda.

Kutanga Ushumiri Hwenguva Yakazara

Kuudza vamwe zvandakanga ndadzidza kwaifadza uye kwaigutsa, sezvo vakawanda panguva iyoyo vainyanya kufarira shoko roUmambo uye vairizivisawo kune vamwe. (Mateu 9:37) Muna 1941, ini naCharles takava mapiyona, sokudana kunoita Zvapupu zvaJehovha vashumiri vazvo venguva yakazara. Nenguva isipi pashure pacho, takatenga turera, uye Charles akasiyira hanzvadzi yangu Frank fekitari yematirauzi yemhuri yedu. Nokufamba kwenguva, takafara kugamuchira tsamba yaitiudza kuti takanga tava mapiyona chaiwo. Pakutanga, taishumira tiri muNew Jersey, uye gare gare takaendeswa kuNew York State.

Muna 1946, pataipinda gungano reruwa muBaltimore, kuMaryland, takakumbirwa kuti tipinde musangano wataizoita nevamiririri chaivo veZvapupu zvaJehovha. Ikoko takaonana naNathan H. Knorr naMilton G. Henschel. Vakatitaurira nezvebasa roumishinari uye, kunyanya basa rokuparidza kuItaly. Vakatikumbira kuti tifunge nezvomukana wokupinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi.

“Fungai nezvazvo,” takaudzwa kudaro, “mozotiudza zvamunofunga.” Tabuda muhofisi macho, ini naCharles takatarisana, tikatendeuka, tichibva tadzokerazve muhofisi muya. “Tafunga nezvazvo,” takadaro. “Tagadzirira kuenda kuGiriyedhi.” Papera mazuva gumi, takanga tava kupinda kirasi yechinomwe yeGiriyedhi.

Hatimbokanganwi mwedzi yataidzidziswa. Chakanyanya kutifadza kwaiva kushivirira uye rudo zvevarayiridzi vacho, vaitigadzirira kutarisana nematambudziko okune imwe nyika. Tapedza kudzidza muna July 1946, takanzi tiende kunoparidza kwenguva shomanana kuNew York City, kwaiva nevanhu vakawanda vokuItaly. Zvadaro zuva guru rakasvika! Musi waJune 25, 1947, takaenda kuItaly, kubasa redu roumishinari.

Kugadzikana Mubasa Redu

Takafamba nengarava yakanga yamboshandisirwa zvinangwa zvechiuto. Papera mazuva 14 tiri mugungwa, takamira pachiteshi chengarava cheGenoa kuItaly. Kuparadzwa kwaiva kwaitwa guta racho muHondo Yenyika II, yakanga yapera makore maviri bedzi aiva apfuura, kwakanga kuchiri kuoneka. Somuenzaniso, chiteshi chezvitima chakanga chisina kana magirazi epamahwindo pamusana pokubhombwa. Takabva kuGenoa nechitima chinotakura zvinhu kuenda kuMilan, kwaiva nehofisi yebazi uye musha wemamishinari.

Hondo ichangopera muItaly magariro akanga akaipa chaizvo. Vakanga vari kuedza kuvakazve, asi urombo hwakanga hwakapararira. Pasina nguva, ndakatanga kurwara zvikuru. Mumwe chiremba akati mwoyo wangu wakanga waipa chaizvo zvokuti aifunga kuti zvaizova zvakanaka kuti ndidzokere kuUnited States. Ndinofara kuti akanga akanganisa kuona. Ndichiri kuita basa rangu kuItaly, kunyange zvazvo kwapera makore 58.

Taingova nemakore mashomanana tiri mubasa redu apo hanzvadzi dzangu dzaiva kuUnited States dzaida kutipa motokari. Asi Charles akairamba, chisarudzo chandakaongawo. Taiziva kuti muItaly hapana Chapupu chaiva nemotokari panguva iyoyo, uye Charles akafunga kuti zvaizova zvakanaka kuti tirarame sezvaingoitawo hama dzedu dzechiKristu. Hatina kumbova nemotokari kusvikira muna 1961 patakazova nemotokari duku.

Imba yedu yoUmambo yokutanga muMilan yaiva pauriri hwepasi uye isina simende. Makanga musina chimbudzi, uye maizara mvura kana kwanaya. MuImba yedu yoUmambo maivawo notukonzo twaingomhanya-mhanya uko nekoko. Pamisangano yedu taiona nemagirobhu maviri. Pasinei neizvi, zvaikurudzira kuona vanhu vane mwoyo yakatendeseka vachiuya kumisangano yedu uye vachipedzisira vabatana nesu muushumiri.

Zvaiitika Mubasa Roumishinari

Pane imwe nguva takasiyira mumwe murume kabhuku kanonzi Peace—Can It Last? Patakanga tava kuenda, mudzimai wake Santina, akasvika akaremerwa nemabhegi egirosari. Achiratidza kusafarira, akataura kuti aiva nevanasikana vasere vokutarisira uye akanga asina kana nguva. Pandakazoshanyirazve Santina, murume wake akanga asiri pamba, uye Santina akanga achiruka. “Handina nguva yokuteerera,” akadaro. “Uyezve, handigoni kuverenga.”

Ndakanyengetera kuna Jehovha nechomumwoyo ndichibva ndakumbira Santina kuti arukire murume wangu juzi ndozomubhadhara. Kwapera vhiki mbiri, akanga atoruka juzi racho, uye ndakatanga kudzidza naye Bhaibheri nguva dzose tichishandisa bhuku rinonzi “The Truth Shall Make You Free.” Santina akadzidza kuverenga, uye pasinei nokuti murume wake aishora, akafambira mberi akabhabhatidzwa. Vanasikana vake vashanu vakava Zvapupu, uye Santina akabatsirawo vanhu vakawanda kugamuchira chokwadi cheBhaibheri.

Muna March 1951, isu pamwe chete nemamwe mamishinari maviri—Ruth Cannon * naLoyce Callahan, uyo akazoroorwa naBill Wengert, takachinjirwa kuBrescia, kwakanga kusina Zvapupu. Takawana imba yokugara yaiva yakashongedzwa, asi kwapera mwedzi miviri, muridzi wemba akatikumbira kuti tibude mumba macho mumaawa 24. Zvamakanga musina zvimwe Zvapupu munharaunda yacho, hapana zvataigona kuita kunze kwokuenda kuhotera, kwatakanogara kweinenge mwedzi miviri.

Zvokudya zvedu zvaiva zvishoma: mangwanani tainwa kofi nemabhanzi, masikati taidya michero nechingwa chakaoma chine chizi, uye michero nechingwa chakaoma chine chizi manheru. Pasinei nematambudziko aya, takakomborerwa chaizvo. Nokufamba kwenguva, takawana imba duku yokugara, uye paChirangaridzo chorufu rwaKristu muna 1952, vanhu 35 vaivamo mukamuri duku rataishandisa seImba yoUmambo.

Kukurira Matambudziko

Panguva iyoyo, vafundisi vakanga vachine simba guru pavanhu. Somuenzaniso, pataiparidzira muBrescia, vamwe vakomana vakakurudzirwa nomupristi kuti vatipotsere nematombo. Zvisinei, nokufamba kwenguva, takatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu 16, uye pasina nguva, vakava Zvapupu. Ndiani aiva mumwe wavo? Mumwe wevakomana akanga ati aizotipotsera nematombo! Iye zvino mukuru mune imwe ungano muBrescia. Muna 1955 patakabva kuBrescia, vaparidzi voUmambo 40 vakanga vachiita basa rokuparidza.

Pashure pacho, takashumira kwemakore matatu muLeghorn (Livorno), umo Zvapupu zvakawanda zvaiva vanhukadzi. Izvi zvaireva kuti isu hanzvadzi taifanira kutarisira mabasa eungano anowanzopiwa hama. Takazotamira kuGenoa, kwatakanga tambogara makore 11 akanga apfuura. Panguva ino, kwakanga kwava neungano. Imba yacho yoUmambo yaiva pauriri hwokutanga pachivako chataigara.

Patakasvika kuGenoa, ndakatanga kudzidza nomumwe mukadzi aiva nomurume aimbotamba tsiva uye ari maneja wenzvimbo yairovedzerwa mutambo wacho. Mukadzi wacho akafambira mberi mune zvokunamata uye pasina nguva akava hanzvadzi yedu yechiKristu. Zvisinei, murume wake aishora uye akaramba achishora kwenguva yakareba. Akabva azotanga kuendawo nomudzimai wake kumisangano. Pane kupinda muImba yoUmambo, aiteerera akagara panze. Gare gare, tabva kuGenoa, takazonzwa kuti akanga akumbira kudzidza Bhaibheri. Nokufamba kwenguva, akabhabhatidzwa achibva ava mutariri wechiKristu aiva norudo. Akaramba akatendeka kusvikira afa.

Ndakadzidzawo Bhaibheri nomumwe mukadzi akanga avimbisana kuroorana nomupurisa. Pakutanga, mupurisa wacho airatidza kakufarira, asi pashure pokunge vachata, mupurisa uya akachinja maitiro ake. Aishora mukadzi wacho zvokuti akarega kudzidza. Mukadzi uya paakazotangazve kudzidza Bhaibheri, murume wake akamutyisidzira achiti kana aizotiona tichidzidza, aizotipfura tose. Mukadzi uya akafambira mberi mune zvokunamata achibva ava Chapupu chakabhabhatidzwa. Zviri pachena kuti murume wacho haana kuzotipfura. Chokwadi, kwapera makore akawanda, pandaipinda gungano muGenoa, mumwe munhu akauya kwandiri achibva nechokumashure kwangu, akandivhara maziso angu nemaoko ake, achibva anditi ndifembere kuti aiva ani. Ndakabudisa misodzi pandakaona kuti aiva murume womukadzi uya. Pashure pokunge andimbundira, murume uya akandiudza kuti akanga aratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa musi iwoyo chaiwo!

Kubvira muna 1964 kusvikira muna 1972, ndakava neropafadzo yokufamba naCharles paaishanyira ungano kuti adzisimbise mune zvokunamata. Takafambira kunenge kuchamhembe kwose kweItaly—muPiedmont, Lombardy, neLiguria. Zvadaro takatangazve basa roupiyona pedyo neFlorence uye gare gare kuVercelli. Muna 1977, muVercelli maingova neungano imwe chete, asi patakabvamo muna 1999, makanga mava nenhatu. Gore iroro, ndakasvitsa makore 91, uye takakurudzirwa kuti titamire kumusha wemamishinari waiva kuRome, imba duku yakaisvonaka iri munzvimbo ine runyararo.

Imwezve Nguva Inosuruvarisa

Muna March 2002, Charles, uyo aigara akagwinya zvikuru, akangoerekana atanga kurwara. Utano hwake hwakaramba huchiipa kusvikira afa musi waMay 11, 2002. Kwemakore 71, taichema pamwe chete munguva dzinosuruvarisa uye taifara pamwe chete pataiwana zvikomborero. Kufa kwake kwakandirwadza chaizvo.

Ndinowanzofunga Charles akapfeka sutu yake neheti yake yokuma1930. Ndinofungidzira kunyemwerera kwake, kana kuti ndinoita sendinomunzwa achiseka semasekero ake andakajaira. Ndichibatsirwa naJehovha uye nemhaka yorudo rwehama nehanzvadzi dzakawanda dzinodiwa dzechiKristu, ndave ndichikwanisa kutsungirira nguva iyi inosuruvarisa. Ndinomirira nemwoyo wose nguva yandichazoonazve Charles.

Kuramba Ndichiita Basa Rangu

Kushumira Musiki wangu kwave kuri chinhu chakaisvonaka zvikuru muupenyu hwangu. Kwemakore akawanda, ‘Ndakaravira ndikaona kuti Jehovha akanaka.’ (Pisarema 34:8) Ndakaona rudo rwake uye kuva nehanya kwake. Kunyange zvazvo mwana wangu akafa, Jehovha akandipa vanakomana nevanasikana vakawanda mune zvokunamata—vakapararira muItaly yose—avo vakafadza mwoyo wangu nowake.

Nguva dzose ndave ndichinyanya kuda kuudza vamwe nezvoMusiki wangu. Ndokusaka ndichiramba ndichiparidza uye ndichidzidzisa vanhu Bhaibheri. Dzimwe nguva ndinodemba kuti handigoni kuita zvakawanda pamusana poutano hwangu. Asi ndinoziva kuti Jehovha anoziva zvandinokwanisa kuita uye kuti anondida uye anokoshesa zvandinokwanisa kuita. (Mako 12:42) Ndinovavarira kurarama maererano nemashoko ePisarema 146:2, anoti: “Ndicharumbidza Jehovha muupenyu hwangu hwose. Ndichaimbira Mwari wangu chero bedzi ndiripo.” *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nyaya youpenyu yehanzvadzi yangu Angelo Catanzaro yakabudiswa muNharireyomurindi yeChirungu yaApril 1, 1975, pamapeji 205-7.

^ ndima 28 Nezvenyaya yake youpenyu, ona Nharireyomurindi yeChirungu yaMay 1, 1971, pamapeji 277-80.

^ ndima 41 Hanzvadzi Benanti vakashaya musi waJuly 16, 2005, painyorwa nyaya ino. Vakanga vava nemakore 96.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Camille

[Mufananidzo uri papeji 14]

Pazuva ratakachata, muna 1931

[Mufananidzo uri papeji 14]

Amai vakabvuma kuti tose taifanira kudzidza Bhaibheri, kunyange pakutanga vakanga vasingafariri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tiina Hama Knorr patakapedza kudzidza kuGiriyedhi, muna 1946

[Mufananidzo uri papeji 17]

Ndiina Charles kwasara nguva pfupi kuti afe