Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvizvarwa zvomuMexico Zvinonzwa Mashoko Akanaka

Zvizvarwa zvomuMexico Zvinonzwa Mashoko Akanaka

Zvizvarwa zvomuMexico Zvinonzwa Mashoko Akanaka

MUSI waNovember 10, 2002, boka revaMixe, zvizvarwa zvomuMexico, rakaungana muSan Miguel Quetzaltepec. Iroro iguta riri kumaodzanyemba kwakanaka kweruwa rweOaxaca. Boka racho rakanga riri pakokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha. Chakanyanyonakidza papurogiramu yacho yamangwanani waiva mutambo weBhaibheri.

Mashoko okutanga omutambo wacho weBhaibheri paakatanga kunzwika, vateereri vakashamisika. Vakatanga kuombera, vakawanda vavo vachisvimha misodzi. Mutambo wacho wakaitwa mumutauro wechiMixe! Pawakapera, vakawanda vakaonga kwazvo nokuda kwechipo ichi chavakanga vasingatarisiri. Mumwe akati “Kokutanga, ndakagona kunzwisisa mutambo. Wakandibaya mwoyo.” Mumwewo akati “Iye zvino ndinogona kufa ndakafara nokuti Jehovha aita kuti ndinzwe mutambo uyu mumutauro wangu.”

Zvakaitika mangwanani iwayo zvakanga zviri chimwe chezvinhu zvikuru zvakanga zvichangobva kuitwa neZvapupu zvaJehovha muMexico kuti zviudze zvizvarwa zvemo mashoko akanaka oUmambo.—Mateu 24:14; 28:19, 20.

Jehovha Akanzwa Minyengetero

MuMexico mune vanhu vanopfuura 6 000 000 vari zvizvarwa zvemo—vakawanda zvokukwanisa kuumba nyika yavo voga, munyika ine marudzi akawanda anotaura mitauro 62. Pamitauro iyi, 15 yacho inotaurwa nevanhu vanopfuura 100 000 mumwe nomumwe. Vanhu vanopfuura 1 000 000 vezvizvarwa zvemo havatauri chiSpanish, mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji muMexico. Uye pane vaya vanotaura chiSpanish, vakawanda vanogona kudzidza chokwadi cheBhaibheri nyore nyore mumutauro wavo. (Mabasa 2:6; 22:2) Vamwe vakadzidza Bhaibheri uye vave vachipinda misangano kwemakore nokutendeka, asi vasinganyatsonzwisisa. Saka kuwana mashoko echokwadi mururimi rwaamai vavo chave chiri chinhu chavave vachinyengeterera kwenguva refu.

Kuti chinetso ichocho chikurirwe, muna 1999 hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yomuMexico yakatanga zvirongwa zvokuita misangano yeungano mumitauro yezvizvarwa zvemo. Mapoka evashanduri akaumbwawo. Pakazosvika gore ra2000, mutambo wekokorodzano yoruwa wakaitwa mumutauro weMaya uye gare gare mune mimwewo mitauro inoverengeka.

Danho rakatevera raiva rokuita basa rokushandura mabhuku eBhaibheri eZvapupu zvaJehovha. Kutanga, bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! rakashandurirwa mumitauro yeHuave, Maya, Mazatec, Totonac, Tzeltal, uye Tzotzil. Mamwe mabhuku akazobudiswawo, kusanganisira Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunobudiswa nguva dzose mumutauro weMaya. Mamwe mabhuku akarekodwawo pamakaseti. Kuti zvizvarwa zvemo zvidzidziswe kuverenga nokunyora mumutauro wazvo, bhurocha rinonzi Apply Yourself to Reading and Writing riri kugadziridzwa kuti rienderane nevanhu vemo. Mabhuku eBhaibheri iye zvino ava kubudiswa mumitauro 15 yezvizvarwa zvemo, uye mamwe mabhuku achabudiswa.

“Kuita Zvose Zvavanogona”

Basa reshanduro rave risiri nyore. Chimwe chikonzero ndechokuti mabhuku mashomanana akabudiswa mumutauro wezvizvarwa zvomuMexico. Kakawanda, zvave zvakaoma kuwana maduramazwi. Uye mimwe mitauro ine mimwe yayakangosiyana nayo zvishomanana yakawanda. Somuenzaniso, mutauro weZapotec woga, une mimwe mishanu yakada kufanana nawo. Mitauro iyi yakasiyana chaizvo zvokuti vanotaura chiZapotec vanobva munzvimbo dzakasiyana-siyana havagoni kunzwanana.

Uyezve, pamutauro uya unenge usina bumbiro, vashanduri vanofanira kuita ravo. Izvi zvinoda kutsvakurudza zvikuru nokubvunza. Ndosaka vakawanda vavo pakutanga vakanzwa sezvaiita Élida, weboka revashanduri vomutauro weHuave! Anoyeuka kuti: “Pandakakokwa kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMexico kuti ndiite basa rokushandura, ndaiva nepfungwa mbiri—yokufara neyokutya.”

Vashanduri vanofanirawo kudzidza unyanzvi hwokushandisa makombiyuta, kuronga uye unyanzvi hwokushandura. Zvechokwadi basa racho rave rakavaomera. Vanonzwa sei nezvaro? Gloria, mushanduri anoshanda neboka reMaya, anoti: “Hatina romuromo kurondedzera mufaro wedu pakushandurira mabhuku eBhaibheri mururimi rwaamai vedu rweMaya.” Uye anotarisira Dhipatimendi Rokushandura anotaura izvi nezvevashanduri vacho: “Chido chokuva nemabhuku eBhaibheri mumutauro wavo chakasimba kwazvo zvokuti vari kuita zvose zvavanogona kukunda zvipingamupinyi.” Zvave zvichibatsira here?

“Ndinokuongai Jehovha!”

Chikomborero chaJehovha pabasa romundima yezvizvarwa zvomuMexico chave chiri pachena. Vanopinda misangano yechiKristu nemagungano vawedzera. Somuenzaniso, muna 2001, Zvapupu 223 zvinotaura chiMixe zvakaungana kuti zvichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Asi vose vakapinda vaiva 1 674—nhamba inodarika yeZvapupu zvacho nekanomwe nehafu!

Vamwe vanhu vanogamuchira chokwadi iye zvino vava kukwanisa kunyatsochinzwisisa kubva pakutanga. Mirna, anoyeuka zvakaitika kwaari misangano isati yava kuitwa muchiMaya. Anoti, “Ndakabhabhatidzwa kwapera mwedzi mitatu ndichidzidza Bhaibheri. Ndaiziva kuti ndaifanira kubhabhatidzwa, asi ndinofanira kutaura kuti ndakanga ndisinganyatsonzwisisi chokwadi cheBhaibheri sezvandaifanira. Ndinofunga izvi zvaikonzerwa nokuti mutauro waamai vangu chiMaya, uye ndakanga ndisinganyatsonzwisisi chiSpanish. Zvakanditorera nguva kuti ndinyatsonzwisisa chokwadi.” Nhasi, iye nomurume wake vanofara kuva vamwe vevari muboka revashanduri rechiMaya.

Vose vari muungano, vanofara zvikuru kuwana mabhuku mumutauro wavo. Pakabudiswa bhurocha rakanga richangoshandurwa raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! mumutauro weTzotzil, mumwe mukadzi akanga achangotanga kupinda misangano akarifarira ndokuti: “Ndinokuongai Jehovha!” Mishumo inoratidza kuti vadzidzi vakawanda veBhaibheri vari kukurumidza kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa, vaparidzi vasingachaiti basa vari kutangazve, uye hama dzakawanda iye zvino dzinonzwa dzichikwanisa kuita mabasa omuungano. Vamwe vanasaimba vari kuda kuwana mabhuku eBhaibheri mumutauro wavo uye kuadzidza.

Pane chimwe chiitiko, mumwe mukadzi Chapupu akaenda kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri, asi mudzidzi wacho akanga asiri pamba. Murume womudzidzi uyu paakauya kumusuo, akati aida kumuverengera bhurocha. “Hapana chandinoda,” akadaro murume uya. Hanzvadzi yacho yakamuudza nomutauro wechiTotonac kuti bhurocha racho raiva mumutauro wavo. Paakanzwa izvozvo, murume wacho akatora bhenji ndokugara pasi. Sezvayakamuverengera, akaramba achiti: “Ichokwadi. Hungu, ichokwadi.” Iye zvino anopinda misangano yechiKristu.

MuYucatán, murume wechimwe Chapupu akanga asingadi chokwadi, uye dzimwe nguva airova mudzimai wake paaisvika kumba achibva kumisangano. Misangano payakatanga kuitwa muchiMaya, akafunga kumukoka. Akaenda uye akanakidzwa zvikuru. Iye zvino anopinda misangano nguva dzose, ane waanodzidza naye Bhaibheri, uye hatichatauri hedu kuti haachatomborovi mudzimai wake.

Mumwe murume anotaura chiTotonac akaudza Zvapupu zviviri kuti haana kumbobvira anyengetera nokuti mupristi weKaturike akanga amuudza kuti Mwari anonzwa minyengetero muchiSpanish chete. Kutaura zvazviri, aifanira kubhadhara mupristi kuti anyengeterere vanotaura chiTotonac. Zvapupu zvacho zvakatsanangura kuti Mwari anonzwa minyengetero mumitauro yose, uye zvakamupa bhurocha muchiTotonac, raakagamuchira nomufaro mukuru.—2 Makoronike 6:32, 33; Pisarema 65:2.

“Kualtsin Tajtoua”

Vachifadzwa nezviri kuitika izvi, vaparidzi voUmambo vakawanda vari kuedza kudzidza mutauro wezvizvarwa zvemo kana kuti kunatsiridza wavanotoziva. Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitwa nomumwe mutariri wedunhu ari kufambira ungano shanu dzinotaura chiNahuatl kuchamhembe kwePuebla. Anoti: “Vana vaimborara pamisangano iye zvino havacharari uye vava kunyatsoteerera pandinotaura muchiNahuatl. Patakapedza mumwe musangano, kakomana kane makore mana kakati kwandiri: ‘Kualtsin tajtoua’ (munotaura zvakanaka). Zvakaita kuti ndinzwe kuti kushingirira kwangu kwakanga kwakakodzera.”

Kutaura zvazviri, munda woMutauro wezvizvarwa zvomuMexico, zvechokwadi wa“chenera kukohwa,” uye vose vari kushanda mauri vari kukurudzirwa zvikuru. (Johani 4:35) Roberto, uyo akaronga mapoka evashanduri, anotaura muchidimbu nemashoko aya: “Zvave zvisingakanganwiki kuona misodzi yomufaro ichiyerera pazviso zvehama dzedu nehanzvadzi sezvadzinoteerera chokwadi mururimi rwaamai vadzo uye dzichiona zvachinoreva. Ndikafunga nezvazvo ndinonzwa shungu.” Hapana mubvunzo kuti, kubatsira vanhu ava vepachokwadi, kuti vagamuchire chokwadi choUmambo kunoitawo kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11.

[Bhokisi riri papeji 10, 11]

Kuziva Vamwe Vashanduri

● “Vabereki vangu vakandidzidzisa chokwadi kubvira ndichiri muduku zvikuru. Zvinosuruvarisa kuti pandakanga ndava nemakore 11, baba vangu vakasiya ungano yechiKristu. Makore maviri gare gare, amai vangu vakatisiyawo. Zvandakanga ndiri dangwe pavana vashanu, ndaifanira kuita mabasa aiitwa naamai vangu, kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kuenda kuchikoro.

“Taitsigirwa norudo nehama nehanzvadzi dzedu dzatainamata nadzo, asi upenyu hwakanga hwakaoma. Dzimwe nguva ndainetseka kuti: ‘Nei izvi zviri kuitika kwandiri? Ndichiri muduku zvikuru!’ Ndakakwanisa kukunda chete nokubatsirwa naJehovha. Ndapedza chikoro chesekondari, ndakava mushumiri wenguva yakazara, uye izvozvo zvakandibatsira zvikuru. Pakaumbwa boka revashanduri vomutauro wechiNahuatl, ndakakumbirwa kuti ndishande naro.

“Baba vangu iye zvino vakadzoka muungano, uye hanzvadzi dzangu duku nevanun’una vangu vari kushumira Jehovha. Kuramba ndakatendeka kuna Jehovha kwave kuchibatsira chaizvo. Akakomborera mhuri yangu kwazvo.”—Alicia.

● “Mumwe musikana Chapupu wandaiva mukirasi imwe chete naye akataura hurukuro yemavambo oupenyu. Musi uyu ndakanga ndisipo uye ndakanga ndichityira kuzotadza bvunzo, saka ndakamukumbira kuti anditsanangurire hurukuro yacho. Ndakanga ndagara ndisingazivi kuti nei vanhu vachifa. Paakandipa bhuku rinonzi Creation * ndokuti aida kudzidza neni Bhaibheri, ndakabvuma. Ndakashamisika zvikuru norudo rwoMusiki nechinagwa chake.

“Pandakapedza chikoro, ndakava nomukana wokuva mudzidzisi wemitauro miviri wechiSpanish nechiTzotzil. Asi izvozvo zvaireva kuti ndaifanira kutamira kure, ndichidzidzisa pakupera kwevhiki, uye ndisingapindi misangano yechiKristu. Pane kudaro, ndakashanda sabhiridha. Baba vangu, avo vakanga vasiri Chapupu, havana kutombofarira zvandakasarudza. Gare gare, pandakanga ndichishanda sapiyona wenguva dzose, boka raishandurira mabhuku eBhaibheri muchiTzotzil rakarongwa. Ndakanzwa ndichida kuitawo basa racho.

“Ndinogona kuona kuti, kuti hama nehanzvadzi dzive nemabhuku mumutauro wadzo zvinoita kuti dzinzwe dzichidiwa uye dzichiremekedzwa. Izvozvo zvinogutsa chaizvo. Ndinonzwa ndaremekedzwa kuita basa iri.”—Humberto.

● “Pandaiva nemakore matanhatu, amai vedu vakatisiya. Mumakore angu okuyaruka, baba vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva imwe hanzvadzi yakati yaida kudzidza neni Bhaibheri izvozvo zvaisanganisira zano revechiduku. Sowechiduku akanga achiri kukura uye asina amai, ndakaziva kuti izvozvo ndizvo chaizvo zvandaida. Ndakabhabhatidzwa ndava nemakore 15.

“Muna 1999 baba vangu vakaurayiwa nevamwe vanhu vakaipa vaida munda wavo. Zvakandivhiringidza zvikuru. Ndakaora mwoyo kwazvo uye ndakafunga kuti ndakanga ndisingazomborarami. Asi ndakaramba ndichinyengeterera simba kuna Jehovha. Mutariri anofambira nomudzimai wake vakandikurudzira zvikuru. Pasina nguva ndakava piyona wenguva dzose.

“Pane imwe nguva ndakaona vamwe vakanga vafamba kwemaawa matanhatu kuti vazongonzwa hurukuro yemaminitsi 20 muchiTotonac, kunyange zvazvo dzimwe hurukuro dzomusangano wacho wose dzakaitwa nechiSpanish, chavakanga vasinganzwisisi. Saka, ndakafara pandakashevedzwa kuzobatsira kushandurira mabhuku eBhaibheri muchiTotonac.

“Ndaigara ndichiudza baba vangu kuti ndinoda kunoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Vaindiudza kuti zvaisazova nyore kumusikana asina kuroorwa wezera rangu. Vachafara kwazvo pavachamutswa voona kuti ndakakwanisa kudaro, kushandurira mumutauro wedu mabhuku eBhaibheri!”—Edith.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 28 Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakabudiswa muna 1985 neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vashanduri vechiTzotzil vari kukurukura shoko rakaoma kushandura