Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Vamwe vakati Pauro haana kuputsikirwa nechikepe pachitsuwa cheMarita, chiri kumaodzanyemba kweSicily, asi pane chimwewo chitsuwa. Akaputsikirwa nechikepe kupi?

Mubvunzo uyu unotaura nezvepfungwa ichangobva kutaurwa, yokuti muapostora Pauro akaputsikirwa nechikepe, kwete pachitsuwa cheMarita, asi paCephalonia (kana kuti, Kefallinía) pedyo neCorfu iri muGungwa reIonia kumuganhu wokumavirazuva kweGreece. Nhoroondo yakafuridzirwa inotiudza kuti Pauro akabva muKesariya ari musungwa achitarisirwa nomukuru wemauto eRoma ainzi Juriyasi, pamwe chete nemamwe masoja neshamwari dzaPauro. Sezvinoratidzwa pamepu, vakaenda nechikepe kuSidhoni neMaira. Vachichinja kupinda muchikepe chikuru chainge chakatakura zviyo chaibva kuArekizandriya, Ijipiti, vakaenda nokumavirazuva kweKinidho. Havana kugona kuenderera mberi nenzira yakanga yataurwa yaidambura nomuGungwa reAegean yopfuura nokumuromo kweGirisi ichizoenda kuRoma. Mhepo yaiva nesimba yakavamanikidza kuenda kumaodzanyemba kweKirete uye vari nechomumhenderekedzo dzayo. Ikoko vakamira pachiteshi chengarava chainzi Pokuzorora Pakanaka. Vachango“pinda mugungwa kubva Kirete,” chikepe chacho “chakabatwa nesimba” ne“mhepo ine mvura yakasimba inonzi Yuroakwiro.” Chikepe chezviyo chairema ichi chai“ngosundwa kuno nokoko mugungwa” kutozosvikira usiku hwezuva rechi14. Pakupedzisira, vanhu 276 vose vakaputsikirwa nechikepe pachitsuwa chinodanwa neMagwaro Matsvene echiGiriki kuti Me·liʹte.—Mabasa 27:1–28:1.

Kwemakore, pfungwa dzakasiyana-siyana dzave dzichitaurwa maererano nokuzivikanwa kwechitsuwa chainzi Me·liʹte. Vamwe vakafunga kuti chaiva chitsuwa cheMelite Illyrica, chava kunzi Mljet, chiri muGungwa reAdriatic kumuganhu weCroatia. Asi kunenge kuti hazvisiri izvo, sezvo nzvimbo yokuchamhembe kweMljet yakaoma kuwiriranisa nedzimwe nzendo dzakatevera dzaPauro, dzokuSirakusi, Sicily, uye nokumavirazuva kwomuganhu weItari.—Mabasa 28:11-13.

Vashanduri vakawanda veBhaibheri vakagumisa kuti Me·liʹte ndiyo chitsuwa cheMelite Africanus, yava kunzi Marita. Chiteshi chokupedzisira chaizotevera chaizomira chikepe chakanga chakatakura Pauro chaiva painzi Pokuzorora Pakanaka, muKirete. Ipapo mhepo ine mvura yakasimba yakamanikidza chikepe kuenda kumavirazuva chakananga Kaudha. Mhepo yacho yakaramba ichisunda chikepe chacho kwemazuva akawanda. Zvine musoro zvikuru kuti chikepe ichi chaisundwa nemhepo chaizoramba chichienda kumavirazuva chosvika kuMarita.

Vachifunga nezvemhepo yaivapo uye “gwara uye kwaiendeswa chikepe chacho,” Conybeare naHowson mubhuku ravo rinonzi The Life and Epistles of St. Paul, vakanyora kuti: “Daro riri pakati peClauda [kana kuti, Kaudha] neMarita riri pasi zvishoma pemakiromita 770. Kufanana kwacho kunoshamisa chaizvo, zvokuti zvinoita sezvisingabviri kudavira kuti nyika iyo vafambi vacho [vakasvika] pausiku hwechi14 yaigona kusava imwe nzvimbo ipi neipi kunze kweMarita. Mukana wacho mukuru chaizvo.”

Kunyange zvazvo dzimwe nzvimbo dzingataurwawo, ngarava yakaputsika paMarita inoratidzwa pamepu iri pano inoita seinowirirana nezvakanyorwa muBhaibheri.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Jerusarema

Kesariya

Sidhoni

Maira

Kinidho

KIRETE

KAUDHA

MARITA

SICILY

Sirakusi

Roma

MLJET

GIRISI

CEPHALONIA