Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Vakafanira muKenya

Kutsvaka Vakafanira muKenya

Kutsvaka Vakafanira muKenya

KENYA inyika yakaisvonaka inoorora kwazvo pakusikwa. Masango ayo akasvibira, mapani akawanda asina chinhu, magwenga anopisa kwazvo, uye makomo akazara sinou zvinonakisa nyika iyi inoyevedza. Ndiyo musha wemhuka dzomusango dzinopfuura miriyoni imwe nezvipembere zvava kutsakatika. Munhu angaonawo mapoka makuru etwiza achifamba mumasango acho azere uswa.

Zvakawandawo, zvisikwa zvinobhururuka, zvinobvira pamakondo ane simba, ari mudenga denga kusvikira kushiri dzisingaverengeki dzinoimba dzine mavara akaisvonaka dzinoita kuti kunze kunzwike zvakanaka nenziyo dzadzo dzinofadza. Uye ndiani asingagoni kucherechedza nzou neshumba? Nzvimbo nezvinhu zvinorira zvomuKenya hazvikanganwiki.

Asi, pane kumwe kurira kuri kunzwika munyika iyi yakaisvonaka. Kurira kwezviuru zvemanzwi ari kupfuurira kutaura mashoko etariro. (Isaya 52:7) Manzwi aya ari kusvika vanhu vanopfuura madzinza 40 nendimi. Mupfungwa iyi, Kenya inyika yakaisvonaka inoororawo mune zvokunamata.

Vanhu vakawanda vomuKenya vanoda zvechitendero uye vanoda kukurukura nyaya dzokunamata. Pasinei neizvi, kuwana vanhu vokutaura navo kwazova chinetso, nokuti Kenya, sedzimwe nyika dzakawanda, iri kuchinja.

Kuoma kwezvoupfumi kwamanikidzira vakawanda kuchinja mararamiro avo. Vakadzi, vaimbotarisirwa kushanda pamusha, iye zvino vava kushanda mumahofisi kana kuti mumigwagwa vachitengesa michero, miriwo, hove, uye tswanda dzakarukwa. Varume vanoshanda maawa akawanda, zvinonetesa vachiedza kuriritira mhuri dzavo. Kunyange vana, nemaoko avo maduku anenge akagukuchira mapakiti enzungu dzakakangwa uye mazai akafashaidzwa, vanofamba mumigwagwa vachitengesa zvinhu zvavo. Mugumisiro wacho ndewokuti vanhu vashoma vanenge vari pamusha masikati. Izvi zvaita kuti vazivisi vemashoko akanaka oUmambo vafanire kuchinja nzira dzavanoshandisa.

Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakarayirwa kuti dzinyanye kutsvaka vanhu vasiri pamusha, vanenge vachizvifambira zvavo vachiita mabasa avo ezuva nezuva, uyewo kushamwari, hama, vanhu vebhizimisi, nevavanoshanda navo. Uye hama dzakaita izvozvo, dzichitaura nevanhu kwose kwavaigona kuwanika. (Mateu 10:11) Kuedza kutaura nevanhu kwose kwose kune zvakwaita here? Hungu, zviripo! Ona mimwe mienzaniso.

Voukama—Shamwari Dzedu Dzepedyo

Guta guru reKenya, Nairobi, rine vagari vanenge mamiriyoni matatu. Kudivi remabvazuva kweguta racho kwaigara mukuru mukuru weuto akarega basa akagara asingangodi Zvapupu zvaJehovha kwenguva refu, kunyange zvazvo mwanakomana wake pachake aiva Chapupu, izvo zvaitonyanya kumugumbura. Mumwe mwedzi waFebruary mukuru mukuru akarega basa wacho akafamba makiromita 160 achienda kumusha wemwanakomana wake uri muguta reRift Valley reNakuru. Pakushanya kwacho, mwanakomana wake akamupa chipo—chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Baba vacho vakachigamuchira ndokuenda.

Adzoka kumusha, aichimbova mukuru mukuru akapa mudzimai wake bhuku racho, uyo akatanga kuriverenga, asina kucherechedza kuti rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Zvishoma nezvishoma, chokwadi cheBhaibheri chakatanga kupinda mumwoyo wake, uye akaudzawo murume wake mashoko acho. Achida kuziva, akatangawo kuverenga bhuku racho. Pavakaziva aiva munyori waro, vakagumisa kuti vakanga vasina kuudzwa chokwadi nezveZvapupu zvaJehovha. Vakatsvaka Zvapupu zvomunharaunda yacho, uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa. Kubva mune zvavakazviverengera mubhuku racho, vakasvika pakuziva kuti hachisi chiKristu kushandisa kana kutengesa fodya. (Mateu 22:39; 2 VaKorinde 7:1) Vasingazezi, vakaparadza midzanga yose yaiva muchitoro chavo. Pashure pemwedzi inoverengeka vakakwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa, uye nguva pfupi yakatevera vakabhabhatidzwa paimwe kokorodzano yoruwa.

Marara Anobudisa Pfuma

Mudzimwe nzvimbo dzoruwa rwacho rukuru, mune misha iri kungowedzera inogara mazana ezviuru zvevanhu. Muno munhu anoona midhadhadha nemidhadhadha yemisha yakavakwa nevhu, mapango, zvidimbu zvemarata, kana marata chaiwo. Kana mumaindasitiri nomumafekitari musingawaniki basa, vanhu vanoita avo voga. Vashandi veJua kali (chiSwahili chinoreva “zuva rinopisisa”) vanoshanda zuva richipisa, vachigadzira manyatera kubva pamatai ekare emotokari kana marambi eparafini kubva pamagaba akaraswa. Vamwe vanovhendenyura mumirwi yemarara nomumabhini vachitsvaka mapepa, magaba, nemabhodhoro kuti vazvishandise zvekare.

Marara angabudisa pfuma here? Hungu! Imwe hama inoyeuka kuti: “Mumwe murume aiva akati gwindiri kusimba, ane marengenya, uye achiratidzika kunyangara akatakura saga hombe repurasitiki rakanga rakazara nemapepanhau ekare nemagazini akafamba nomunhandare yeHoro yedu yeGungano. Andiudza kuti zita rake anonzi William, akabvunza kuti: ‘Mune magazini azvino here eNharireyomurindi?’ Ndakanga ndichiri kuti ityei, ndichida kuziva zvaainge avinga. Pandakamuratidza makopi mashanu emagazini, akatarira imwe pashure peimwe ndokuti: ‘Ndichaatora ose.’ Ndashamiswa, ndakadzokera kukamuri rangu ndokuuya nebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. * Ndakamuratidza mufananidzo weParadhiso ndokutsanangura kuti tinodzidza Bhaibheri nevanhu pachena. Ipapo ndakati: ‘William, ungada kuuya mangwana here tobva tatanga kudzidza?’ Akaita saizvozvo chaizvo!

“Imwe Svondo akauya kumusangano wake wokutanga. Ndaipa hurukuro yavose zuva iroro. Pakapinda William, akakurumidza kutarisa vateereri, akaona ini ndiri pachikuva, ndokubuda muhoro. Ndakamubvunza pava paya kuti akanga azviitirei. Akapindura nokunyara kuti: ‘Vanhu vacho vakanga vakanyanya kuchena. Ndakanyara.’

“William zvaakapfuurira nokudzidza kwake, chokwadi cheBhaibheri chakatanga kuchinja upenyu hwake. Akageza, akagera bvudzi rake, akapfeka mbatya dzakachena nedzakatsvinda, uye nenguva isipi akanga ava kupinda misangano nguva dzose. Pakabudiswa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, takatanga kuridzidza. Panguva iyoyi, akanga apa hurukuro mbiri muChikoro Chokutonga Kunoitwa naMwari uye akanga ava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Ndakafara kumugamuchira sehama yangu yomudzimu paakabhabhatidzwa pagungano rezuva chairo.”

William akatangira kupi kuona kukosha kwemagazini yeNharireyomurindi? “Ndakawana mamwe magazini ari pamapepa akanga akaraswa munorasirwa marara.” Hungu, akawana pfuma nenzira iyoyo yakasiyana nedzimwe!

Kuparidza Kubasa

Tinowanzongwarira mikana yokupupura zvisina kurongwa kubasa kwedu here? James, mumwe mukuru mune imwe ungano yomuNairobi, akawaniswa chokwadi cheBhaibheri nenzira iyi. Iyewo, azova nyanzvi mukushandisa muitiro uyu kusvika pane vamwe. Somuenzaniso, pane chimwe chiitiko, James akaona waanoshanda naye achipinda muhofisi akapfeka bheji raiva nemashoko aiti “Jesu Anoponesa.” Achitevedzera muevhangeri Firipi, James akabvunza waanoshanda naye kuti: “Unonyatsonzwisisa zvinoreva mashoko iwayo here?” (Mabasa 8:30) Mubvunzo iwoyo wakaita kuti kurukurirano yakanaka izaruke. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa, uye murume wacho akabhabhatidzwa gare gare. James akabudirira kune vamwewo here? Regai atsanangure:

“Ini naTom taishanda mukambani imwe chete. Taiwanzokwira tose bhazi redu revashandi. Mamwe mangwanani, zvakaitika kuti takagara tose. Ndakanga ndiri kuverenga rimwe remabhuku edu, uye ndakaribata nenzira iya yokuva nechokwadi chokuti Tom ainyatsoriona. Sezvandaitarisira chaizvo, pfungwa dzake dzakakwezvwa, uye nomufaro ndakamupa bhuku racho. Akaororwa chaizvo nezvaakaverenga uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvino iye nomudzimai wake vashumiri vakabhabhatidzwa vaJehovha.”

James anopfuurira kuti: “Kakawanda pakambani yedu panguva yokudya kwemasikati, pane kurukurirano dzinofadza chaizvo. Ndipo apo, panguva dzakasiyana, ndakasangana naEphraim naWalter. Vose vaiziva kuti ndaiva Chapupu. Ephraim aifarira kunzwisisa kuti nei Zvapupu zvaJehovha zvaishorwa kwazvo. Walter aiva nemibvunzo pamusoro pokusiyana kweZvapupu nezvimwe zvitendero. Vose vakanyatsogutswa nemhinduro dzeMagwaro dzandakavapa uye vakabvuma kudzidza. Ephraim akafambira mberi nokukurumidza. Nokufamba kwenguva, iye nomudzimai wake vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Pari zvino ari kushumira somukuru, uye mudzimai wake ndipiyona wenguva dzose. Zvisinei, Walter, akasangana nechishoro chakasimba zvikuru zvokuti akarasa bhuku rake rechidzidzo. Zvisinei nemhaka yokutsungirira kwangu, akatangazve kudzidza. Iyewo ava neropafadzo yokushumira somukuru zvino.” Kana vakaverengwa vose, vanhu 11 vava vaKristu vechokwadi nokuti James akashandisa mikana yokuparidza zvisina kurongwa kubasa kwake.

Mugumisiro Unoshamisa Kwazvo

Mune mumwe musha muduku uri pamhenderekedzo yeLake Victoria, shamwari nehama dzakanga dzakaungana pamariro. Pavachemi paiva nechimwe Chapupu chechikuru. Chakaenda pane mumwe mudzidzisi wokuchikoro anonzi Dolly ndokumutsanangurira mamiriro ezvinhu evakafa uye chinangwa chaJehovha chokubvisa rufu zvachose. Chacherechedza kufarira kwake, chakamuvimbisa kuti: “Kana wadzokera kuguta rokumusha kwako, mumwe wemamishinari edu achakushanyira okudzidzisa Bhaibheri.”

Guta rokumusha kwaDolly ndiro guta rechitatu pakukura muKenya. Mamishinari mana chete ndiwo aishanda ikoko panguva yacho. Hama yedu yechikuru haina chaizvoizvo kuudza mumwe wemamishinari kuti ashanyire Dolly. Yaingova nechivimbo chakakwana kuti zvaizongoitika nenzira iyoyo. Uye zvakadaro! Nenguva pfupi, imwe hanzvadzi mumishinari yakasangana naDolly ndokutanga kudzidza naye. Dolly zvino akabhabhatidzwa, mwanasikana wake muduku akanyoreswa paChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, uye vanakomana vake vaviri vakabhabhatidzwawo. Akatova nomufaro wokupinda Chikoro Choushumiri Chemapiyona.

Kutarisira Kuwedzera

Kusimbisa kuparidza zvisina kurongwa kwaita kuti zviuru zvakawanda muKenya zvinzwe mashoko akanaka. Vaparidzi vanopfuura 15 000 iye zvino vari mubishi kuita basa iri rinokosha zvikuru, uye vanopfuura 41 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu gore rapera. MuKenya yose, nhamba yevanopinda misangano inowanzopfuura nekaviri nhamba yevaparidzi voUmambo. Izvi zvaita kuti pave nokudiwa kweHoro dzoUmambo dzakawanda.

Horo dzoUmambo dziri kuvakwa munzvimbo dzose dziri mumaguta makuru nomunzvimbo dziri kure. Imwe yaidzodzi iguta riri roga reSamburu riri makiromita anenge 320 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweNairobi. Muna 1934, guta racho rakapiwa zita rokuti Maralal, kureva kuti “kun’aima” muSamburu nokuti denga remarata rakashandiswa ipapo raitaimira nezuva. Makore makumi maviri gare gare chimwe chivako chine denga remarata chakavakwa paMaralal. Ichowo chino“taimira” no“kupenya” nokuti ndiyo nzvimbo yomunharaunda iyoyo yokunamata kwechokwadi.

Vaparidzi 15 vakaita basa rinofadza kuvaka Horo yoUmambo yokutanga munzvimbo iyi iri kwayo yoga yomuKenya. Mari yaiva shoma, saka hama dzaifanira kutsamira pane zvokushandisa zvomunzvimbo yacho. Dzakagadzira madziro nevhu dzvuku rakanyoroveswa nemvura ndokurinamira zvakasimba pamapango akamira kuti twi. Madziro acho akakwenenzverwa nokupurasitwa nomuvhenganiswa wendove yemombe nemadota, zvinogara zviripo kwemakore akawanda.

Kuti dziwane mapango echivako chacho, hama dzakatora tsamba inobvumira kutema miti. Asi sango raiva pedyo rakanga riri kure nemakiromita anenge gumi. Hama nehanzvadzi dzaifanira kuenda kusango racho, kutema miti, kuidimbura kuva mapango, dzotakura mapango acho kuendesa kunzvimbo yokuvaka. Imwe nguva dzichibva kusango racho, hama dzakamiswa nemapurisa, ayo akati tsamba yavo yemvumo yakanga isingachashandi. Mapurisa acho akaudza mumwe piyona chaiye kuti akanga asungwa nemhaka yokutema miti. Imwe hanzvadzi yomunzvimbo iyoyi, yainyatsozivikanwa munzanga yacho uye nemapurisa, yakanyatsotaura ichiti: “Kana mukasunga hama yedu, munofanira kusunga tose sezvo tose tichitema miti!” Mupurisa wacho akabva adzirega dzose dzichienda.

Musango racho maiva nezvikara, saka kufamba kwaiva nengozi. Rimwe zuva hanzvadzi yakatema muti. Pawakawira pasi, yakaona imwe mhuka ichisvetuka ndokumhanya. Payakaona ruvara rushava yakafunga kuti yaiva mhara, asi yakazoona netsoka dzayo kuti yaiva shumba! Pasinei zvapo nengozi dzakadaro, hama dzakapedza horo yacho, uye inomira se“chinotaimira” chinorumbidza Jehovha.

February 1, 1963, raiva zuva rinokosha munhau yokunamatwa kwaMwari muKenya. Zuva iroro hofisi yokutanga yebazi yakavhurwa, yaingova kamuri rimwe rakareba mamita 7, 4 kumativi ose. October 25, 1997, raiva rimwe zuva risingakanganwiki munhau yokuvakwa kwezvivako zvesangano muKenya—zuva rokutsaurirwa kwechivako chitsva cheBheteri chakakura mamita 7 800 kumativi ose! Chivako chacho chakanga chapedzwa aiva mugumisiro mukuru wemakore matatu okushanda zvakaoma kwokuzvipira. Vazvipiri vakabva munyika 25 vakanga vachinja munda wakakura maeka 7,8, une madhaka, wakazara masora, kuva bindu rakaisvonaka nokuda kwechivako chitsva chebazi, chinogarwa nenhengo 80 dzemhuri yeBheteri.

Tine chikonzero chiri chose chokufara pane izvo Jehovha akaitira vanhu vake. Ngaatendwe nokuda kwokumutsa mwoyo yevashumiri vake kuti isvike nokuwedzera kutsvaka vakafanira muKenya, zvichiiita nyika yakaisvonaka mune zvokunamata.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

^ ndima 13 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.