Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOGAMUCHIRA HERE CHIPO CHIKURU CHAMWARI?

Uchatenda Sei Mwari Nechipo Chikuru Chaakakupa?

Uchatenda Sei Mwari Nechipo Chikuru Chaakakupa?

“Rudo runa Kristu runotigombedzera . . . Akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira.”2 VaKorinde 5:14, 15.

KANA ukapiwa chipo, unofanira kutenda munhu akupa. Jesu akaratidza izvi paakaporesa varume 10 vaiva nechirwere chaivatambudza uye chakanga chisina mushonga panguva iyoyo. Murume mumwe chete pavarume vaya 10 ndiye “akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru.” Jesu akati: “Hakuna kunatswa vanhu gumi here? Saka, vamwe vapfumbamwe vari kupi?” (Ruka 17:12-17) Tinodzidzei? Zviri nyore kukurumidza kukanganwa zvakanaka zvatinoitirwa nevamwe.

Hakuna chimwe chipo chakafanana nerudzikinuro. Ndirwo rwunokosha kupfuura zvimwe zvipo zvose. Saka uchatenda sei zvawakaitirwa naMwari?

  • Nyatsoziva akakupa. Kuti vanhu vawane upenyu husingaperi, pane zvavanofanira kuita. Jesu paainamata kuna Mwari akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kana ukaudzwa kuti pane mumwe murume akakuponesa pawaiva uchiri mudiki, unobva wada kutoziva kuti murume wacho ndiani uye kuti chii chakaita kuti ade kukubatsira. Jehovha Mwari ndiye akaita kuti pave nerudzikinuro kuti atiponese uye anoda kuti umuzive uye uve pedyo naye. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”Jakobho 4:8.

  • Tenda muropa raJesu. “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi.” (Johani 3:36) Kutenda kunoonekwa nechii? Kunoonekwa nemabasa. (Jakobho 2:17) Mabasa akaita sei? Kuti chipo chive chako unofanira kuchigamuchira. Ndizvowo zvakafanana nerudzikinuro; unofanira kubvuma kuti Jesu akakufira. Ungazviita sei? Ziva zvinodiwa naMwari, wobva wazviita. * Namata kwaari kuti akuregerere uye kuti uve nehana yakachena. Paunonamata kuna Mwari, zviite uine chokwadi chekuti vose vanotenda muropa raJesu vanogona kuzowana upenyu husingaperi husina nhamo nematambudziko!VaHebheru 11:1.

  • Pinda musangano wekuyeuka rufu rwaJesu. Jesu akatanga musangano unoitwa kamwe chete pagore unotiyeuchidza kutifira kwaakaita. Paaitaura nezvemusangano uyu, akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Zvapupu zvaJehovha zvichayeuka rufu rwaJesu musi weChipiri, 11 April, 2017, zuva ranyura. Musangano wacho wakareba awa imwe chete uye pachatsanangurwa kuti nei rufu rwaJesu rwuchikosha uye kuti rwunotibatsira sei iye zvino uye mune ramangwana. Gore rakapera, vanhu vanosvika 20 miriyoni pasi rose vakapinda musangano uyu. Tinokukoka kuti tizoyeuka tose rufu rwaJesu tichitenda chipo chikuru chatakapiwa naMwari.

^ ndima 7 Kuti unyatsoziva zvinodiwa naMwari uye kuti uve pedyo naye, dzidza Shoko rake Bhaibheri. Taura neZvapupu zvaJehovha kana kuti enda pawebsite yedu inonzi www.jw.org.