Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 17:1-37

  • Zvinogumbura, kuregerera, uye kutenda (1-6)

  • Varanda pasina (7-10)

  • Vanhu gumi vane maperembudzi vanoporeswa (11-19)

  • Kuuya kweUmambo hwaMwari (20-37)

    • “Umambo hwaMwari huri pakati penyu” (21)

    • “Yeukai mudzimai waRoti” (32)

17  Akabva ati kuvadzidzi vake: “Hazviiti kuti zvinhu zvinokanganisa kutenda* zvitadze kuuya. Kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu anozvikonzera!  Zviri nani kuti asungirirwe mumutsipa make zidombo guru rinokuyiswa, okandwa mugungwa pane kuti akanganise kutenda kwemumwe* wevadiki ava.+  Ngwarirai. Kana hama yako ikakutadzira, itsiure,+ uye kana ikapfidza iregerere.+  Kunyange kana ikakutadzira ka7 pazuva, yodzoka kwauri ka7 ichiti, ‘Ndiregererewo,’ unofanira kuiregerera.”+  Vaapostora vakabva vati kunaShe: “Tiwedzereiwo kutenda.”+  Ishe akabva ati: “Kudai maiva nekutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, maizoti kumuhabhurosi uyu, ‘Zvidzure unozvisima mugungwa!’ uye waikuteererai.+  “Ndiani wenyu ane muranda anenge achirima kana kuti achifudza makwai anoti kwaari kana adzoka kumba, ‘Chibva wauya ugare pasi udye’?  Handiti anototi kwaari, ‘Ndigadzirire zvekudya zvangu zvemanheru, upfeke epuroni, wondipa ndodya nekunwa kusvikira ndapedza, iwe wozodyawo nekunwa’?  Angatenda muranda wacho nezvaamuitira iro ragara riri basa rake here? 10  Saka nemiwo, kana maita zvese zvamakanzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”+ 11  Paaienda kuJerusarema akapfuura nepakati peSamariya neGarireya. 12  Paakanga ava kupinda mune mumwe musha, akasangana nevarume gumi vaiva nemaperembudzi, asi vakamira nechekure.+ 13  Uye vakashevedzera vachiti: “Jesu, Murayiridzi, tinzwireiwo tsitsi!” 14  Paakavaona akati kwavari: “Endai munozviratidza kuvapristi.”+ Pavakanga vava kuenda, vakabva vacheneswa.+ 15  Mumwe wavo paakaona kuti aporeswa, akadzoka achikudza Mwari nenzwi guru. 16  Akabva agwadama patsoka dzaJesu, achimuonga. Murume wacho aitova muSamariya.+ 17  Jesu akabva ati: “Havana kucheneswa vari 10 here? Saka vamwe 9 vari kupi? 18  Zvinoreva here kuti pashayikwa kana mumwe chete adzoka kuzokudza Mwari kunze kwemurume uyu werumwe rudzi?” 19  Akabva ati kwaari: “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”+ 20  Paakabvunzwa nevaFarisi kuti Umambo hwaMwari hwakanga huchiuya riini,+ akavapindura kuti: “Umambo hwaMwari hahuuyi zvinoonekwa nevanhu vese; 21  uye vanhu vanenge vasingati, ‘Uyai muone, huri kuno!’ kana kuti, ‘Huri uko!’ Nekuti onai! Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”+ 22  Akabva ati kuvadzidzi: “Mazuva achauya pamuchada kuona rimwe remazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamuzorioni. 23  Uye vanhu vachati kwamuri, ‘Uyo ari uko!’ kana kuti, ‘Uyu ari kuno!’ Musabuda kana kuvatevera.+ 24  Nekuti sekupenya kunoita mheni ichibva kune rumwe rutivi rwedenga ichienda kune rumwe rutivi, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu+ pazuva rake.+ 25  Asi anofanira kutanga asangana nematambudziko akawanda, orambwa nechizvarwa chino.+ 26  Zvakare, sezvaiitika mumazuva aNoa,+ ndizvo zvichaitikawo mumazuva eMwanakomana wemunhu:+ 27  vaidya, vainwa, varume vachiroora, vakadzi vachiroorwa, kusvikira pazuva rakapinda Noa muareka,+ uye Mafashamo akauya, akavaparadza vese.+ 28  Ndizvo zvaiitikawo mumazuva aRoti:+ vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidyara, uye vaivaka. 29  Asi zuva rakabuda Roti muSodhomu, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vese.+ 30  Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana wemunhu.+ 31  “Pazuva iroro munhu ari pamusoro pemba asi aine zvinhu zviri mumba ngaarege kuburuka kuti azvitore, uye munhu ari kumunda, ngaarege kudzokera kunotora zvinhu zvaakasiya. 32  Yeukai mudzimai waRoti.+ 33  Munhu wese anoedza kuchengetedza upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa nahwo achahuchengetedza.+ 34  Ndinokuudzai kuti, usiku ihwohwo vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.+ 35  Pachava nevakadzi vaviri vanenge vachikuya paguyo rimwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.” 36 * —— 37  Saka vakamupindura kuti: “Kupi, Ishe?” Iye akati kwavari: “Kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaunganawo makondo.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvinogumbura.”
Kana kuti “agumbure mumwe.”
Kana kuti “mweya wake.”