Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 17:1-37

  • Zvinogumbura, kuregerera, uye kutenda (1-6)

  • Varanda pasina (7-10)

  • Vanhu gumi vane maperembudzi vanoporeswa (11-19)

  • Kuuya kweUmambo hwaMwari (20-37)

    • “Umambo hwaMwari huri pakati penyu” (21)

    • “Yeukai mudzimai waRoti” (32)

17  Akabva ati kuvadzidzi vake: “Hazviiti kuti zvinhu zvinokanganisa kutenda* zvitadze kuuya. Kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu anozvikonzera! 2  Zviri nani kuti asungirirwe mumutsipa make zidombo guru rinokuyiswa, okandwa mugungwa pane kuti akanganise kutenda kwemumwe* wevadiki ava.+ 3  Ngwarirai. Kana hama yako ikakutadzira, itsiure,+ uye kana ikapfidza iregerere.+ 4  Kunyange kana ikakutadzira ka7 pazuva, yodzoka kwauri ka7 ichiti, ‘Ndiregererewo,’ unofanira kuiregerera.”+ 5  Vaapostora vakabva vati kunaShe: “Tiwedzereiwo kutenda.”+ 6  Ishe akabva ati: “Kudai maiva nekutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, maizoti kumuhabhurosi uyu, ‘Zvidzure unozvisima mugungwa!’ uye waikuteererai.+ 7  “Ndiani wenyu ane muranda anenge achirima kana kuti achifudza makwai anoti kwaari kana adzoka kumba, ‘Chibva wauya ugare pasi udye’? 8  Handiti anototi kwaari, ‘Ndigadzirire zvekudya zvangu zvemanheru, upfeke epuroni, wondipa ndodya nekunwa kusvikira ndapedza, iwe wozodyawo nekunwa’? 9  Angatenda muranda wacho nezvaamuitira iro ragara riri basa rake here? 10  Saka nemiwo, kana maita zvese zvamakanzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”+ 11  Paaienda kuJerusarema akapfuura nepakati peSamariya neGarireya. 12  Paakanga ava kupinda mune mumwe musha, akasangana nevarume gumi vaiva nemaperembudzi, asi vakamira nechekure.+ 13  Uye vakashevedzera vachiti: “Jesu, Murayiridzi, tinzwireiwo tsitsi!” 14  Paakavaona akati kwavari: “Endai munozviratidza kuvapristi.”+ Pavakanga vava kuenda, vakabva vacheneswa.+ 15  Mumwe wavo paakaona kuti aporeswa, akadzoka achikudza Mwari nenzwi guru. 16  Akabva agwadama patsoka dzaJesu, achimuonga. Murume wacho aitova muSamariya.+ 17  Jesu akabva ati: “Havana kucheneswa vari 10 here? Saka vamwe 9 vari kupi? 18  Zvinoreva here kuti pashayikwa kana mumwe chete adzoka kuzokudza Mwari kunze kwemurume uyu werumwe rudzi?” 19  Akabva ati kwaari: “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”+ 20  Paakabvunzwa nevaFarisi kuti Umambo hwaMwari hwakanga huchiuya riini,+ akavapindura kuti: “Umambo hwaMwari hahuuyi zvinoonekwa nevanhu vese; 21  uye vanhu vanenge vasingati, ‘Uyai muone, huri kuno!’ kana kuti, ‘Huri uko!’ Nekuti onai! Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”+ 22  Akabva ati kuvadzidzi: “Mazuva achauya pamuchada kuona rimwe remazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamuzorioni. 23  Uye vanhu vachati kwamuri, ‘Uyo ari uko!’ kana kuti, ‘Uyu ari kuno!’ Musabuda kana kuvatevera.+ 24  Nekuti sekupenya kunoita mheni ichibva kune rumwe rutivi rwedenga ichienda kune rumwe rutivi, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu+ pazuva rake.+ 25  Asi anofanira kutanga asangana nematambudziko akawanda, orambwa nechizvarwa chino.+ 26  Zvakare, sezvaiitika mumazuva aNoa,+ ndizvo zvichaitikawo mumazuva eMwanakomana wemunhu:+ 27  vaidya, vainwa, varume vachiroora, vakadzi vachiroorwa, kusvikira pazuva rakapinda Noa muareka,+ uye Mafashamo akauya, akavaparadza vese.+ 28  Ndizvo zvaiitikawo mumazuva aRoti:+ vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidyara, uye vaivaka. 29  Asi zuva rakabuda Roti muSodhomu, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vese.+ 30  Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana wemunhu.+ 31  “Pazuva iroro munhu ari pamusoro pemba asi aine zvinhu zviri mumba ngaarege kuburuka kuti azvitore, uye munhu ari kumunda, ngaarege kudzokera kunotora zvinhu zvaakasiya. 32  Yeukai mudzimai waRoti.+ 33  Munhu wese anoedza kuchengetedza upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa nahwo achahuchengetedza.+ 34  Ndinokuudzai kuti, usiku ihwohwo vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.+ 35  Pachava nevakadzi vaviri vanenge vachikuya paguyo rimwe chete; mumwe achaendwa naye, asi mumwe achasiyiwa.” 36 * —— 37  Saka vakamupindura kuti: “Kupi, Ishe?” Iye akati kwavari: “Kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaunganawo makondo.”+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “zvinogumbura.”
^ Kana kuti “agumbure mumwe.”
^ Kana kuti “mweya wake.”