Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakanakira Kupa

Zvakanakira Kupa

“BHAZI ngariende, asi muChina uyu ngaasare!” Mumwe mukadzi anonzi Alexandra akanzwa mashoko aya paakanga akagara mubhazi pabhodha, achimirira kuti apinde mune imwe nyika yekuSouth America. Akabva adzika kuti aone changa chichiitika, ndokuona mumwe murume wechidiki wekuChina achinetseka kutaura chiSpanish achiedza kutsanangurira mupurisa wepabhodha zvanga zvaitika. Sezvo Alexandra aipinda ungano yemutauro wechiChinese yeZvapupu zvaJehovha, akabatsira pakuturikira.

Murume wacho akati aiva nemapepa epamutemo ekugara munyika yacho asi akanga abirwa zvese nemari yaaiva nayo. Pakutanga, mupurisa akafunga kuti ari kunyepa uye akatofunga kuti Alexandra aitozivana nemuChina iyeye uye kuti aida kuyambuka naye bhodha zvisiri pamutemo. Mupurisa uyu akazozvinzwisisa asi achibva ati ngaabhadhare faindi yekusava nemapepa. Sezvo akanga abirwa mari, Alexandra akamukweretesa $20. Murume wacho akashaya kuti omutenda nei achibva ati haasi kuzongomudzorera iri $20 chete. Alexandra akamuudza kuti aisada hake kubhadharwa nekuti aiziva kuti kubatsira vamwe ndicho chinhu chakanaka. Akabva apa murume iyeye mabhuku anotsanangura Bhaibheri ndokumukurudzira kuti adzidze Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

Zvinofadza kunzwa nezvevanhu vane rupo uye vanobatsira vatorwa, uye izvi zvinoitwa kunyange nevanhu vasinganamati. Dai uriwe Alexandra, waizozvipira kubatsira here? Chinoita kuti pave nemubvunzo uyu ndechekuti Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Nyanzvi dzesainzi dzakaonawo kuti kupa kune zvakwakanakira. Ngationei kuti kwakanakirei.

“MUNHU ANOPA ACHIFARA”

Kupa uye kufara zvinofambidzana. Muapostora Pauro akanyora kuti “Mwari anoda munhu anopa achifara.” Akanga achitaura nezvevaKristu vakapa zvipo zvekubatsira vavainamata navo vakanga vachitambura. (2 VaKorinde 8:4; 9:7) Pauro akanga asingarevi kuti kufara ndiko kwakaita kuti vape. Vakafara nekuti vakanga vawana mukana wekubatsira vamwe.

Maererano neimwe ongororo yakaitwa, kupa “kunobatsira kuti chimwe chikamu cheuropi chinoita kuti munhu afare, akwanise kuwirirana nevamwe uye avimbwe naye chitange kushanda, zvobva zvaita kuti munhu anzwe kugutsikana.” Imwe ongororo yakaratidzawo kuti “kupa mumwe munhu mari kunoita kuti munhu apa wacho anyanye kufara kudarika zvaaizoita kudai aizoishandisa ega.”

Uchitarisa zvauri, unombonzwawo here sekuti hauna chaunokwanisa kupa? Chokwadi ndechekuti munhu wese anogona kuwana mufaro kana akapa. Hazvirevi kuti mari yacho inofanira kunge yakawanda. Chinokosha ndechekuti waipa nemwoyo wese. Mumwe weZvapupu zvaJehovha akatumira chipo chemari kuvabudisi vemagazini ino uye akavanyorera kuti, “Makore ese apfuura ndaingokwanisa kupawo kamari kadiki paImba yoUmambo.” Asi akaenderera mberi achiti: “Zvandaizopiwa naJehovha zvainge zvakatowanda kupfuura zvandaipa. . . . Ndiri kufara chaizvo nekupawo chipo ichi.”

Unogona kupa mari sechipo, asi kunewo zvimwe zvisiri mari zvaunogona kupa.

KUPA KUNOBATSIRA PAUTANO

Ukabatsira vamwe uchafara uye ivo vachafarawo

Bhaibheri rinoti: “Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.” (Zvirevo 11:17; Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) Vanhu vane tsitsi vanoda chaizvo kuitira vamwe zvakanaka vachishandisa nguva yavo, simba ravo nezvimwewo. Kuva nerupo kunovabatsira pane zvakawanda. Chimwe chacho ndechokuti vanova neutano hwakanaka.

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vanozvipira kubatsira vamwe havawanzorwara-rwara uye havanyanyi kubatwa nedepression. Kupa kunotoita kuti vamwe vane zvirwere zvisingarapiki zvakadai semultiple sclerosis uye vane utachiona hweHIV vanzwe zviri nani. Zvakaonekwawo kuti vanhu vanenge vachiedza kusiya doro pavanobatsira vamwe, zvinoita kuti vasanyanye kubatwa nedepression uye zvinotovabatsira kuti vasakundwa nemuedzo wekunwazve.

Chinoita kuti zvidaro ndechekuti zvinonzi “kunzwira vamwe tsitsi uye kuvabatsira kunoita kuti munhu asanyanya kunetseka.” Kupa kunoderedzawo stress neBP. Uye vanhu vanenge vakafirwa nemurume kana mudzimai vanokurumidza kunzwa zviri nani kana vakazvipira kubatsira vamwe.

Chokwadi, kupa kunokubatsira.

UKAPA, VAMWE VACHATEVEDZERAWO

Jesu akakurudzira vateveri vake kuti, “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Ruka 6:38) Kana ukapa, vanhu vachakutenda uye vanogona kutangawo kupa. Saka kupa kunosimbisa ushamwari.

Kupa kunosimbisa ushamwari

Vamwe vaongorori vakaona kuti kana ukaona vamwe vachibatsira vamwe unonzwawo uchida kuvatevedzera. Kuverenga nyaya dzevanhu vakabatsira vamwe kunoita kuti udewo kubatsira. Saka maererano neimwe ongororo, “kana munhu mumwe chete akapa, zvichaita kuti vamwe vadewo kumutevedzera kunyange vaasingatombozivi kana kuti vaasina kumbobvira aona.” Kana munhu mumwe chete akangotanga kuva nerupo, vanhu vese munharaunda vanogona kupedzisira vatevedzerawo. Haungadi kugara munzvimbo yakadaro here? Kana vanhu vakawanda vakava nerupo zvichabatsira chaizvo.

Zvakaitika kuFlorida, U.S.A zvinoratidza kuti zvichangobva kutaurwa izvi ndezvechokwadi. Vamwe veZvapupu zvaJehovha vakazvipira kubatsira vanhu vainge vaparadzirwa dzimba dzavo nedutu. Pavakanga vakamirira zvinhu zvekushandisa pakugadzirisa imwe imba, vakaona kuti fenzi yepane imwe imba yakanga yadonhedzwawo, vachibva vaudza muridzi wayo kuti vanogona kumubatsira kuigadzirisa. Muridzi wefenzi yacho akazonyorera kumahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha achiti, “Handizivi kuti ndingakutendai sei. Handisati ndamboona vanhu vane rudo rwakadaro.” Akatumirawo chipo chemari achitenda zvaanga aitirwa, uye akati mari yacho ishandiswe pabasa reZvapupu.

TEVEDZERA MWARI PAKUVAWO NERUPO

Chimwe chinhu chinoshamisa chakaonekwa nenyanzvi dzesainzi ndechekuti “zvingori muvanhu kuti vanzwe vachida kubatsira vamwe.” Nyanzvi idzi dzinoti vana “vanotanga kuratidza kuti vanodawo kubatsira vamwe kunyange vasati vava kugona kutaura.” Chii chinoita kuti vana vadaro? Bhaibheri rinotipa mhinduro yemubvunzo uyu parinoti vanhu vakasikwa “nomufananidzo waMwari,” kureva kuti vanotevedzera zvinoitwa naMwari.Genesisi 1:27.

Chimwe chinhu chakanaka paMusiki wedu Jehovha Mwari, ndechekuti ane rupo. Akatipa upenyu uye zvese zvatinoda kuti tifare. (Mabasa 14:17; 17:26-28) Kana tikaverenga Shoko rake Bhaibheri, tichakwanisa kunyatsoziva baba vedu Jehovha uye tichazivawo zvinhu zvakanaka zvaari kutivimbisa. Bhaibheri rinotaurawo zvatakaitirwa naMwari kuti tive neramangwana rakanaka. * (1 Johani 4:9, 10) Sezvo takasikwa mumufananidzo waMwari, tinokwanisawo kuva nerupo uye kuita izvi kune zvakunotibatsirawo uye kunoita kuti Jehovha atifarire.VaHebheru 13:16.

Uchiri kuyeuka Alexandra ataurwa patangira nyaya ino here? Zvakazofamba sei? Kunyange zvazvo mumwe waakanga akagara naye mubhazi akamuti akanga aendesa mari yake mahara, murume waakabatsira akazofonera shamwari dzake dzaiva mune rimwe guta raizomira bhazi, Alexandra achibva adzorerwa $20 yake. Murume uyu akazotanga kudzidza Bhaibheri sezvaakanga audzwa naAlexandra. Pashure pemwedzi mitatu, Alexandra akashamisika paakaonana naye kuPeru pagungano reZvapupu zvaJehovha remutauro weChinese. Murume uyu akabva akoka Alexandra nevamwe vaakanga auya navo pagungano kuti vanodyira kurestaurant yake achitenda zvaakaitirwa naAlexandra.

Kupa uye kubatsira vamwe kunoita kuti munhu afare. Mufaro wacho unotowedzera kana uchinge watozobatsira munhu wacho kuziva nezvaJehovha Mwari uyo anotipa zvipo zvose zvakanaka! (Jakobho 1:17) Uriwo munhu ane rupo here?

^ ndima 21 Kuti unzwe zvakawanda nezvenyaya iyi, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikwa pawebsite inonzi www.jw.org. Tarisa pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU NEMABHUROCHA.