Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 24

Usambofa Wakava Mbavha!

Usambofa Wakava Mbavha!

PANE munhu akambokubira chimwe chinhu here?— Izvozvo zvakaita kuti unzwe sei?— Chero ani zvake akakubira aiva mbavha, uye hapana munhu anoda mbavha. Unofunga kuti munhu anosvika sei pakuva mbavha? Anoberekwa akadaro here?—

Tabva kudzidza kuti vanhu vanoberekwa vane chivi. Naizvozvo tose hatina kukwana. Asi hapana anoberekwa ari mbavha. Mbavha ingabva mumhuri yakanaka. Vabereki vayo, madzikoma ayo, uye hanzvadzi dzayo vangave vakatendeka. Asi kuchiva kwomunhu pachake zvinhu zvakadai semari nezvinogona kutengwa nemari zvinogona kumuita kuti ave mbavha.

Ndiani waungati akanga ari mbavha yokutanga?— Ngatimbofunga nezvazvo. Paakanga ari kudenga Mudzidzisi Mukuru aiziva munhu iyeye. Mbavha iyoyo yakanga iri ngirozi. Asi sezvo Mwari akanga aita ngirozi dzose dzakakwana, ngirozi iyoyo yakava sei mbavha?— Sezvatakadzidza muChitsauko 8 chebhuku rino, yakanga ichida chimwe chinhu chakanga chisiri chayo. Unoyeuka kuti chaiva chii here?—

Pashure pokunge Mwari asika murume nomukadzi vokutanga, ngirozi iyoyo yakanga ichida kuti vainamate. Yakanga isina kodzero yokunamatwa navo. Vaifanira kunamata Mwari. Asi yakaba kunamatwa ikoko! Nokuita kuti Adhamu naEvha vainamate, ngirozi yacho yakava mbavha. Yakava Satani Dhiyabhorosi.

Chii chinoita kuti munhu ave mbavha?— Kuchiva zvinhu zvisiri zvake. Kuchiva uku kunogona kusimba kwazvo zvokuti kunogona kuita kuti kunyange vanhu vakanaka vaite zvinhu zvakaipa. Dzimwe nguva vanhu ivavo vanova mbavha havazombochinji kuti vaite zvakanaka zvakare. Mumwe wavo akanga ari muapostora waJesu. Ainzi Judhasi Isikariyoti.

Judhasi aiziva kuti zvakanga zvisina kunaka kuba nokuti akanga adzidziswa Mutemo waMwari kubva paakanga ari mukomana mudiki. Aiziva kuti Mwari akanga atombotaura ari kudenga ndokuudza vanhu vake kuti: “Usaba.” (Eksodho 20:15) Judhasi paakakura, akasangana noMudzidzisi Mukuru ndokuva mumwe wevadzidzi vake. Gare gare Jesu akatosarudza Judhasi kuti ave mumwe wevaapostora vake 12.

Jesu nevaapostora vake vaifamba pamwe chete. Vaidya pamwe chete. Uye mari yose iyo boka racho raiva nayo yaichengeterwa mubhokisi. Jesu akapa bhokisi iroro kuna Judhasi kuti aritarisire. Chokwadi, mari yacho yakanga isiri yaJudhasi. Asi unoziva zvakaitwa naJudhasi here pashure penguva yakati?—

Nei Judhasi akaba?

Judhasi akatanga kutora mari mubhokisi panguva yaakanga asingafanirwi kuitora. Aiitora apo vamwe vainge vasingaoni, uye akatoedza kutsvaka nzira dzokuti awane yakawanda. Akatanga kungofunga nezvemari nguva dzose. Ngationei kuti kuchiva uku kwakamutungamirira kupi kwangosara mazuva mashomanana kuti Mudzidzisi Mukuru aurayiwe.

Mariya, hanzvadzi yeshamwari yaJesu Razaro, akatora mafuta akanaka kwazvo ndokuadira patsoka dzaJesu. Asi Judhasi akanyunyuta. Unoziva here kuti nei?— Akataura kuti paiva pamusana pokuti mafuta acho aifanira kudai akatengeswa uye mari yacho yopiwa varombo. Asi chaizvo akanga achida kuva nemari yakawanda mubhokisi kuitira kuti agozoiba.—Johani 12:1-6.

Jesu akaudza Judhasi kuti asanetsa Mariya, uyo akanga aratidza mutsa kwazvo. Judhasi haana kufara nazvo Jesu paakamuudza izvozvo, naizvozvo akaenda kuvapristi vakuru, avo vakanga vasingawirirani naJesu. Vakanga vachida kusunga Jesu, asi vakanga vachida kuzviita usiku kuitira kuti vasaonekwa nevanhu.

Judhasi akataurira vapristi kuti: ‘Ndichakuudzai kuti mungabata sei Jesu, kana mukandipa mari. Muchandipa marii?’

Vapristi vacho vakapindura vachiti: ‘Tichakupa masirivha makumi matatu.’—Mateu 26:14-16.

Judhasi akatora mari yacho. Zvakanga zvakaita sokuti akanga ari kutengesa Mudzidzisi Mukuru kuvarume ivavo! Ungafungidzira here mumwe munhu achiita zvakaipa kudaro?— Izvozvo ndizvo zvinoitika mumwe munhu paanova mbavha achiba mari. Anoda mari kupfuura kuda kwaanoita vamwe vanhu kunyange Mwari.

Zvimwe uchati, ‘Handingambodi chimwe chinhu kupfuura kuda kwandinoita Jehovha Mwari.’ Zvakanaka kuti une pfungwa dzakadaro. Apo Jesu akasarudza Judhasi somuapostora, zvimwe ndiwo mafungiro aiitawo Judhasi. Vamwe vakava mbavha vangave vainzwawo nenzira iyoyo. Ngatimbotaura nezvevamwe vavo.

Zvinhu zvipi zvakaipa zviri kufungwa naAkani naDhavhidhi?

Mumwe wacho akangaari mushumiri waMwari ainzi Akani, akararama nguva refu Mudzidzisi Mukuru asati aberekwa. Akani akaona nguo yakanaka kwazvo, ndarama, nezvidimbu zvesirivha. Zvakanga zvisiri zvake. Bhaibheri rinoti zvaiva zvaJehovha nokuti zvakanga zvatorwa kuvavengi vevanhu vaMwari. Asi Akani aizvida kwazvo zvokuti akaba zvinhu zvacho.—Joshua 6:19; 7:11, 20-22.

Heuno mumwe muenzaniso. Kare kare, Jehovha akasarudza Dhavhidhi kuti ave mambo pavanhu vaIsraeri. Rimwe zuva, Dhavhidhi akatanga kutarisa mukadzi akanaka Bhati-shebha. Akaramba akatarisa Bhati-shebha uye achifunga nezvokumutora kuenda naye kumba kuti anogara naye. Zvisinei, akanga ari mudzimai waUriya. Dhavhidhi angadai akaitei?—

Dhavhidhi aifanira kudai akarega kufunga nezvokutora Bhati-shebha. Asi haana kudaro. Saka Dhavhidhi akaenda naye kumba. Uye akaurayisa Uriya. Nei Dhavhidhi akaita zvinhu zvakaipa izvi?— Nokuti akaramba achida mukadzi womumwe.—2 Samueri 11:2-27.

Absaromu akanga ari mbavha pakudii?

Nokuti Dhavhidhi akazozvidemba, Jehovha akamurega ari mupenyu. Asi zvino Dhavhidhi akazova nezvinetso zvakawanda. Mwanakomana wake Absaromu akada kutora nzvimbo yaDhavhidhi samambo. Saka vanhu pavaiuya kuzoona Dhavhidhi, Absaromu aivambundira ovatsvoda. Bhaibheri rinoti: ‘Absaromu akaramba achiba mwoyo yevanhu vaIsraeri.’ Akaita kuti vanhu ivavo vamude kuti ave mambo panzvimbo paDhavhidhi.—2 Samueri 15:1-12.

Pane chimwe chinhu chawakamboda kwazvo sezvakaita Akani, Dhavhidhi, naAbsaromu here?— Kana chinhu ichocho chiri chomumwe munhu, kuchitora usina mvumo kuba. Unoyeuka here icho Satani mbavha yokutanga aida?— Aida kuti vanhu vamunamate pane kunamata Mwari. Saka Satani akanga achiba paakaita kuti Adhamu naEvha vamuteerere.

Kana munhu ane chimwe chinhu, ane kodzero yokutaura kuti ndiani angachishandisa. Somuenzaniso, unogona kuenda kunotamba nevamwe vana kumba kwavo. Zvingava zvakanaka here kutora chimwe chinhu ikoko woenda nacho kumba kwenyu?— Kwete, kutoti baba kana kuti amai vacho vakuudza kuti unogona kuchitora. Kana ukaenda nechimwe chinhu kumba usina kuvakumbira, ikoko kuba.

Chii chingaita kuti ude kuba?— Nemhaka yokuti uri kuda chimwe chinhu chisiri chako. Kunyange mumwe munhu akasakuona uchichitora, ndiani anokuona?— Jehovha Mwari. Uye tinofanira kuyeuka kuti Mwari anovenga kuba. Naizvozvo kuda Mwari nomuvakidzani wako kuchakubatsira kuti usambofa wakava mbavha.

Bhaibheri rinojekesa kuti kuba hakuna kunaka. Tapota verenga Mako 10:17-19; VaRoma 13:9; naVaEfeso 4:28.