Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 24

Mari Inoshandiswa Pabasa Redu Remunyika Yese Inobva Kupi?

Mari Inoshandiswa Pabasa Redu Remunyika Yese Inobva Kupi?

Nepal

Togo

Britain

Sangano redu rinobudisa mazana emamiriyoni emaBhaibheri nezvimwe zvinyorwa richipa vanhu pasina mubhadharo. Tinovaka Dzimba dzeUmambo nemahofisi emapazi edu uye tinozvichengeta zvakanaka. Tinoshandisa mari pakutsigira zviuru zvevanhu vanoshanda paBheteri nemamishinari, uye tinobatsira vanenge vawirwa nenjodzi. Saka unganetseka kuti, ‘Tinowana kupi mari yekuita zvese izvozvo?’

Hatibvisi chegumi, kuchaja vanhu mari, kana kufambisa ndiro yekukumbira mari. Kunyange zvazvo basa redu richida mari yakawanda, hatikumbiri vanhu mari. Makore anodarika 100 akapfuura magazini yeNharireyomurindi yechipiri yakataura kuti tinotsigirwa naJehovha uye kuti pakanga pasiri kuzoitwa “zvekupemha kana kuti kukumbira vanhu kuti vatsigire.” Zvechokwadi hatinawo kumbobvira tapemha!—Mateu 10:8.

Basa redu rinotsigirwa nemipiro. Vanhu vakawanda vanofarira basa redu rekudzidzisa vanhu Bhaibheri saka vanopa mipiro yekuritsigira. Nemufaro, Zvapupu zvinopawo nguva yazvo, simba, mari, nezvimwewo zvinhu kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika pese. (1 Makoronike 29:9) PaImba yeUmambo uye pamagungano edu edunhu neemunharaunda panenge paine mabhokisi ekuti vanenge vachida kupa mari vaise. Vamwe vanogona kupa paIndaneti vachishandisa jw.org. Mari yakawanda yatinoshandisa inobva kuvanhu vasina kupfuma, vakangofanana nechirikadzi yaiva murombo yakarumbidzwa naJesu payakakanda tumari tuviri tusingakoshi mumudziyo wekuisira mari patemberi. (Ruka 21:1-4) Saka munhu wese anogona kugara ‘achiisa parutivi chimwe chinhu’ sezvaanenge ‘asarudza mumwoyo make.’—1 VaKorinde 16:2; 2 VaKorinde 9:7.

Tinovimba zvizere kuti Jehovha acharamba achikurudzira mwoyo yevaya vanoda ‘kumukudza nezvinhu zvavo zvinokosha’ kuti vatsigire basa reUmambo, zvoita kuti kuda kwake kuitwe.—Zvirevo 3:9.

  • Chii chinosiyanisa sangano redu nemamwe masangano?

  • Mipiro inoshandiswa sei?