Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaitei Kuti Ndirege Kushandisa Zvinodhaka?

Ndingaitei Kuti Ndirege Kushandisa Zvinodhaka?

CHITSAUKO 35

Ndingaitei Kuti Ndirege Kushandisa Zvinodhaka?

WAKAPINDWA muropa nezvinodhaka here? Ungave uchiziva kuti kupindwa kwawatoitwa muropa nezvinodhaka kuri kukanganisa pfungwa dzako nemuviri. Zvimwe wakatomboedza kurega asi ndokutangazve kushandisa zvinodhaka. Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Vamwe vakapindwa muropa nezvinodhaka vakakwanisa kurega saka iwe unogonawo! Somuenzaniso, funga zvakataurwa nevanhu vatatu vaiva nemamiriro ezvinhu akasiyana kuti vakakwanisa sei kurega.

ZITA Marta

MARARAMIRO ANDAIMBOITA Amai vangu vakanga vasina kuroorwa pavakandibereka, saka ini nemunin’ina wangu takakura tisina baba. Kubvira ndichine makore anenge 12, ndakatanga kuenda kumadhindindi naamainini vangu avo vaifarira zvokujaivha. Ndaifarira zvokutaura nevanhu uye pasina nguva ndakanga ndava kushamwaridzana nevanhu vaiita zvakaipa. Ndakatanga kushandisa zvinodhaka ndava nemakore 13. Ndakatangawo kushandisa cocaine. Pakutanga ndainakidzwa nokuishandisa. Asi papera nguva yakati, ndakatanga kuona zvinhu zvisipo uye kungotya zvose zvose. Kudhakwa pakwaipera, ndaiwanzofunga nezvokuzviuraya. Ndaida kurega kushandisa zvinodhaka asi ndakanga ndisina simba rokuita kudaro.

KUREGA KWANDAKAITA Ndakatanga kufunga nezvaMwari uye ndakatomboendawo kuchechi zvishoma. Asi zvaitowedzera kuti ndisafare. Ndava nemakore 18, ndakaenda kunogara nechikomba changu uye takava nemwana. Kuva nemwanakomana kwakaita kuti chido changu chokuchinja mararamiro andaiita chiwedzere. Mumwe aimbova shamwari yangu akatamirawo paimba yakanga yakatarisana nepandaigara. Akandishanyira uye akandibvunza nezvoupenyu. Ndakadonongodza zvose zvaiva pamwoyo pangu kwaari. Akataura kuti akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akati aida kundidzidzisa Bhaibheri. Ndakabvuma.

Ndakadzidza kuti mararamiro andaiita akanga asingafadzi Mwari uye kuti ndaifanira kurega kushandisa zvinodhaka uye kusvuta. Asi zvinodhaka zvakanga zvandipinda muropa. Ndakakumbira Jehovha Mwari kakawanda pazuva kuti andibatsire kurega maitiro angu akaipa. Ndaida kumufadza. (Zvirevo 27:11) Pashure pemwedzi mitanhatu ndichidzidza Bhaibheri uye ndichiwadzana neZvapupu zvaJehovha, ndakakwanisa kurega kushandisa zvinodhaka. Iye zvino upenyu hwangu hwava nezvahunoreva. Handichagari ndakaora mwoyo. Ndakaona murume wechiKristu anoita zvakanaka chaizvo tikaroorana. Ndakarera mwanakomana wangu maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri. Ndinoonga zvikuru kuti Jehovha akanzwa minyengetero yangu ndokundibatsira!

ZITA Marcio

MARARAMIRO ANDAIMBOITA Ndakakurira munzvimbo iri nechokumucheto kweguta rinogara vanhu vakawandisa reSanto André, riri muSão Paulo kuBrazil. Ndakatanga kusvuta fodya, kushandisa zvinodhaka, uye kuita ugororo ndichiri mudiki. Shamwari dzangu dzinoverengeka dzaiba motokari uye kutengesa zvinodhaka. Mumwe wacho aitopa zvinodhaka mahara kune vamwe vechiduku vaigara munharaunda yedu. Pavainge vangopindwa muropa chete, vaitofanira kutenga zvinodhaka kwaari.

Mapurisa aigara achifamba-famba kwataigara, uye ndakambosungwa kanoverengeka nekuda kwenyaya duku dzandaiparamura uye kamwe chete kacho ndichifungirwa kuti ndaitengesa zvinodhaka. Kakawanda ndaichengeta mumba mangu zvinhu nepfuti zvaibiwa nechikwata chembavha.

Vanhu vainditya. Maziso angu akanga akati piriviri. Ndakanga ndisingambonyemwereri. Chokwadi ndechokuti chiso changu chaigara chakaita sechemhondi. Ndakapiwa zita remadunhurirwa rokuti “Tufão” (kureva dutu rine simba) nekuti kwose kwandaienda ndaikonzera bongozozo. Ndaishapira doro uye ndaiita zvounzenza. Shamwari dzangu dzakawanda dzakafa kana kuti dzakaguma dzava mujeri. Ndakaora mwoyo zvikuru zvokuti ndakatombosungira tambo pabazi romuti ndikaedza kuzvisungirira.

KUREGA KWANDAKAITA ZVINODHAKA Ndakakumbira Mwari kuti andibatsire. Pakupedzisira ndakasangana neZvapupu zvaJehovha ndikatanga kudzidza Bhaibheri. Ndakadzidza kuti Mwari ane zita rokuti Jehovha, uye kuti ane hanya uye anobatsira vaya vanoedza nemwoyo wose kurarama maererano nemitemo yake. (Pisarema 83:18; 1 Petro 5:6, 7) Ndaiva nezvakawanda zvandaifanira kuchinja. Chimwe chaiva chakaoma chaizvo kwaiva kudzidzira kunyemwerera.

Ndaigara ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire uye ndaishandisa mazano emuBhaibheri. Somuenzaniso, ndakagura ushamwari nedzaimbova shamwari dzangu uye ndakarega kuenda kumabhawa. Panzvimbo paizvozvo, ndakasarudza kushamwaridzana nevanhu vairarama maererano nemitemo yeBhaibheri. Zvange zvakandiomera, asi handisisiri mbavha uye ndakarega zvounhubu. Zvino pava nemakore anopfuura gumi ndisingashandisi zvinodhaka.

ZITA Craig

MARARAMIRO ANDAIMBOITA Ndakakurira papurazi kuSouth Australia. Baba vangu vaiva chidhakwa, uye vakasiyana naamai vangu pandaiva nemakore masere. Amai vangu vakazoroorwazve uye ndakagara navo kusvikira ndava nemakore 17. Gore iroro ndakadzidza kuveura makwai uye ndakatanga kugara nechikwata chevaveuri vaienda chero kwavaiwana basa iri. Ndakatanga kushandisa zvinodhaka zvakasiyana-siyana uye kushapira doro. Ndakarega bvudzi rangu richikura. Ndakabva ndarizora wax, ndikariruka ndokuzoriisa mabhidzi. Ndainzwa godo, ndaiva noutsinye uye ndaikurumidza kuviruka nehasha. Ndakapinda mujeri kanopfuura kamwe chete.

Ndakatamira kutaundi duku rekuWestern Australia ndokugara nomusikana wangu aishanda mubhawa repahotera yaiva munharaunda yacho. Tose tiri vaviri taisvuta nekunwa uye tairima mbanje yedu.

KUREGA KWANDAKAITA ZVINODHAKA Takanga tichangopedza kukohwa mbanje yedu Zvapupu zvaJehovha pazvakagogodza pasuo reimba yedu yakanga yasakara. Handina kubva ndangobvuma zvavaitaura. Pane kudaro, nokufamba kwenguva ndakazvionera kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi. Zvadaro, zvishoma nezvishoma ndakatanga kurwisa matambudziko angu rimwe nerimwe.

Pasina nguva, ndakaziva kuti ndaifanira kusiyana netsika yangu yekushandisa mbanje. Izvi zvaisanganisirei? Ndakanga ndashanda nesimba pakurima mbanje yangu, saka pakutanga ndakafunga kungoipa vanhu. Asi ndakaona kuti izvi zvakanga zvisina kunaka uye ndakaiparadza. Munyengetero wakandibatsira chaizvo kuti ndirege kushandisa zvinodhaka uye kushapira doro. Ndakakumbira mudzimu waMwari kuti undibatsire kurwisa uye kukunda matambudziko andaitarisana nawo. Ndakagurawo ushamwari nevanhu vaindikurudzira kuti ndirambe ndichiita zvakaipa. Pandaidzidza uye pandaishandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, ndakawana simba randaida kuti ndikwanise kukunda humwe unhu hwakaipa hwandaiva nahwo. Mukadzi wandaigara naye akadzidzawo Bhaibheri ndokuchinja tsika nemararamiro aaimboita. Takazoroorana. Kwemakore 21, tave tiine utano hwakanaka uye iye zvino tiri kufara kurera vana vedu vaviri. Handingambodi kufungidzira zvingadai zvakaita upenyu hwangu kudai ndakanga ndisina kubatsirwa naJehovha kuti ndichinje mararamiro andaiita.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Jehovha ndiye simba rangu nedziviriro yangu.”—Isaya 12:2.

ZANO

Kana zvichiita, dzivisa vanhu, nzvimbo uye zvinhu zvine chokuita nokushandisa kwawaimboita zvinodhaka. Ongororo dzinoratidza kuti kungoona chete chimwe chezvinhu izvozvo kunoita kuti uve nehavi.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira kunogona kukanganisa mashandiro anoita uropi hwako.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndikatangazve kushandisa zvinodhaka, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei munhu achifanira kunyatsochinja mararamiro ake kana achida kurega kushandisa zvinodhaka?

● Kudzidza chokwadi pamusoro paMwari kunobatsira sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 253]

Nokurarama maererano netsika dzeBhaibheri dzakakwirira, ndava kufara uye upenyu hwangu hwava nechinangwa.’’—Marta

[Mufananidzo uri papeji 256]

Kukunda kupindwa muropa kwakafanana nokutiza uchibuda muimba iri kutsva, unosiya zvinhu mukati, asi unenge waponesa upenyu hwako