Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unoona Unhu hwaMwari Pazvinhu Zvaakasika Here?

Unoona Unhu hwaMwari Pazvinhu Zvaakasika Here?

Paunotarisa ruva rine mavara anoyevedza, denga rakazara nenyeredzi, kana mapopoma emvura, unoona mabasa eMusiki here? Zvinhu zvakasikwa zvinotiratidza unhu hwaJehovha. (VaR 1:20) Tinoonawo simba rake, rudo rwake, uchenjeri, kururama uye rupo rwaainarwo.​—Pis 104:24.

Ndezvipi zvaakasika zvaunoona zuva nezuva? Kunyange uchigara mutaundi, unogona kuona shiri nemiti. Kunyatsotarisa zvaakasika kunoita kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo, tiise pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha uye tiwedzere kuva nekutenda kwekuti Jehovha acharamba achitipa zvatinoda pakurarama. (Mt 6:25-32) Kana muine vana, vabatsirei kuona unhu hwakanaka huna Jehovha. Patinowedzera kufarira zvinhu zvakasikwa, tichawedzerawo kuva pedyo neMusiki.​—Pis 8:3, 4.

ONA VHIDHIYO INONZI ZVINHU ZVAKASIKWA ZVINORATIDZA UKURU HWAMWARI​—CHIEDZA UYE RUVARA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chii chinotibatsira kuti tione ruvara rwechinhu?

  • Chii chinokonzera kuti kana ukatarisa chimwe chinhu nerimwe divi uone rumwe ruvara asi kana ukazochitarisa nerimwe racho uone rumwe ruvara rwakasiyana?

  • Chii chinoita kuti dzimwe nguva denga ringe riri reblue uye dzimwe nguva rakatsvukuruka?

  • Mavara api aunoona pazvinhu zvakasikwa kwaunogara?

  • Nei tichifanira kuva nenguva yekunyatsotarisa zvinhu zvakasikwa?

Chiedza uye mavara atinoona pazvinhu zvakasikwa zvinoratidzei nezveunhu hwaJehovha?