Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Pisarema 46:10—“Nyararai, Muzive Kuti Ndini Mwari”

Pisarema 46:10—“Nyararai, Muzive Kuti Ndini Mwari”

 “Bvumai uye zivai kuti ndini Mwari. Ndichakwidziridzwa pakati pemarudzi, ndichakwidziridzwa munyika.”—Pisarema 46:10, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pevahedheni, ndichava mukuru panyika.”—Pisarema 46:10, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naPisarema 46:10

 Mwari anoda kuti munhu wese amunamate uye azive kuti ndiye ane kodzero yekutonga nyika. Hapana ano gona kuramba simba rake, uye munhu wese anoda kurarama nekusingaperi anofanira kuzvibvuma.—Zvakazarurwa 4:11.

 “Bvumai uye zivai kuti ndini Mwari.” Mamwe Bhaibheri anoti, “Nyararai” pachikamu chekutanga chevhesi iyi. Izvi zvakaita kuti vamwe vafunge kuti uyu murayiro wekuti tinofanira kuratidza ruremekedzo kana kuti kunyarara tiri muchechi. Asi mashoko echiHebheru ekuti “bvumai uye zivai kuti ndini Mwari,” mashoko ekukurudzira vanhu vemarudzi ese ayo anobva kuna Jehovha a Mwari pachake, achivakurudzira kuti varege kumupikisa uye vazive kuti ndiye chete akakodzera kunamatwa.

 Mashoko ekukurudzira akafanana neaya anowanikwa muPisarema rechi2. MuPisarema iri Mwari anovimbisa kuti achaita chimwe chinhu kune vese vanomupikisa. Asi vaya vanobvuma kuti Mwari ndiye ane simba vanovimba naye kuti avatungamirire, avape simba uye uchenjeri. Vanofara uye vanonzwa vakachengeteka kunyanya munguva dzekutambudzika nekuti “vanopotera kwaari.”—Pisarema 2:9-12.

 “Ndichakwidziridzwa pakati pemarudzi; ndichakwidziridzwa munyika.” Kare, Jehovha Mwari aikwidziridzwa paaishandisa simba rake guru kuti adzivirire vanhu vake. (Eksodho 15:1-3) Mune ramangwana, achakwidziridzwa zvakatonyanya munhu wese ari panyika paachazviisa pasi pekutonga kwake achimunamata.—Pisarema 86:9, 10; Isaya 2:11.

Mashoko akapoteredza Pisarema 46:10

 Rimwe bhuku rinoti Pisarema 46 “rwiyo rwekupemberera simba raMwari, uyo anodzivirira vanhu vake.” Pavaiimba Pisarema 46, vanhu vaMwari vairatidza kuti vane chivimbo chekuti Jehovha anogona kuvadzivirira uye kuvabatsira. (Pisarema 46:1, 2) Mashoko acho aivayeuchidza kuti Jehovha azoiramba ainavo nguva dzese.—Pisarema 46:7, 11.

 Pisarema iri raivakurudzira kufunga nezvemabasa anoshamisa akaitwa naJehovha. (Pisarema 46:8) Izvi zvaizoita kuti vawedzere kuva nechokwadi chekuti Jehovha Mwari ane nesimba rekuvadzivirira. Chimwe chinhu chinotaurwa muPisarema iri ndechekuti Jehovha anokwanisa kumisa hondo. (Pisarema 46:9) Kare, Jehovha akamisa hondo achidzivirira vanhu vake pavavengi vavo. Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achanyatsoita izvi paachamisa hondo pasi rese.—Isaya 2:4.

 Jehovha achiri kubatsira vashumiri vake mazuva ano here? Ehe. Muapostora Pauro akatokurudzira zvakasimba vaKristu kuti vavimbe naJehovha kuti avabatsire. (VaHebheru 13:6) Zvinotaurwa muPisarema rechi46 zvinosimbisa chivimbo chedu chekuti Jehovha ane simba rekutidzivirira. Zvinotibatsira kuona Mwari ‘senzvimbo yedu yekupotera nesimba redu.’—Pisarema 46:1.

 Ona vhidhiyo pfupi iyi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raPisarema.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?