Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 DZIDZISAI VANA VENYU

Petro naAnaniyasi Vakanyepa—Tingadzidzei?

Petro naAnaniyasi Vakanyepa—Tingadzidzei?

Sezvaunoziva, kunyepa kutaura zvinhu zvaunoziva kuti hazvisi zvechokwadi. Wakambonyepa here? * Kunyange vamwe vanhu vakuru vaida Mwari vakambonyepawo. Zvimwe unoziva nezvemumwe munhu anotaurwa muBhaibheri akambonyepa. Zita rake ndiPetro, mumwe wevaapostora 12 vaJesu. Ngatinzwe nyaya yacho tione kuti nei akanyepa.

Pashure pokunge Jesu asungwa, anoendeswa kumba kwemupristi mukuru. Nguva dzatopfuura pakati peusiku. Petro anopinda muchivanze cheimba yemupristi asi hapana ari kumuziva. Mushandikadzi wemupristi mukuru uyo aita kuti Petro apinde anomuona nechiedza chemoto ndokumuziva. Anobva ati, “Newewo wakanga uina Jesu.” Petro anotya obva aramba.

Bhaibheri rinotaura kuti pave paya “mumwe musikana akamuziva.” Musikana wacho akati: “Murume uyu akanga aina Jesu.” Petro anoramba zvakare. Papera kanguva, vamwe vanoenda kuna Petro vobva vati: “Chokwadi iwewo uri mumwe wavo.”

Petro anotya. Saka anonyepa kechitatu achiti: “Ini munhu wacho handimuzivi!” Jongwe rinobva rarira. Jesu anotarisa Petro uye Petro anobva ayeuka kuti maawa mashoma izvi zvisati zvaitika, Jesu ambomuudza kuti: “Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Petro anotanga kuchema. Anozvidemba zvikuru!

Izvi zvingaitikawo kwauri here?— Unogona kunge uri kuchikoro, uye vamwe vana vanotanga kutaura nezveZvapupu zvaJehovha. Mumwe anobva ati, “Havasaruti mureza.” Mumwewo oti, “Havarwiri nyika yavo.” Mumwezve anoti, “Havasitombori vaKristu nokuti havapembereri Krisimasi.” Mumwe anobva akutarisa obvunza kuti, “Iwe hausi mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Uchati kudii?

 Unofanira kunge wakagadzirira kuzopa mhinduro yakanaka izvozvo zvisati zvaitika. Petro akanga asina kugadzirira. Akanyepa zvinhu pazvakanga zvamuomera. Asi akazvidemba zvikuru nezvaakaita, uye Mwari akamuregerera.

Ananiyasi, mumwe wevadzidzi vaJesu vepakutanga akanyepawo. Asi Mwari haana kumuregerera iye nomudzimai wake Safira. Safira akanga abvumirana nemurume wake kuti vanyepe. Ngationei kuti nei Mwari asina kuregerera Ananiyasi naSafira.

Mazuva gumi pashure pokunge Jesu asiya vaapostora achidzokera kudenga kuna Mwari, vanhu vanenge 3 000 vanobhabhatidzwa muJerusarema. Vakawanda vabva kunzvimbo dziri kure kuti vazopemberera Mutambo wePendekosti, uye pashure pokunge vava vaKristu vanoda kumbogara kwekanguva kuti vadzidze zvakawanda nezvechiKristu. Saka vamwe vadzidzi vaJesu vanoshandisa mari yavo kuti vabatsire vanhu vacho.

Ananiyasi nemudzimai wake vanotengesa munda wavo kuti vawane mari yokubatsira ava vachangobhabhatidzwa. Ananiyasi paanoenda nemari kuvaapostora, anotaura kuti ndiyo yose yavakawana. Asi handiyo yose! Ane imwe mari yaasara nayo! Mwari anoita kuti Petro azvizive, uye Petro anoudza Ananiyasi kuti: “Hauna kuedza kunyengera vanhu, asi Mwari.” Ananiyasi anobva adonhera pasi ofa! Pashure pemaawa anenge matatu, mudzimai wake anouyawo. Haazivi zvaitika kumurume wake uye anonyepawo obva adonhera pasi ndokufa.

Ichi chidzidzo chakanaka zvikuru: Zvinokosha kuti munhu ataure chokwadi! Tose zvedu tinofanira kudzidza kutaura chokwadi! Asi tose tinokanganisa, kunyanya kana tichiri vaduku. Haufari here kuti Jehovha anokuda uye achakuregerera sezvaakaita Petro?— Asi yeuka kuti tinofanira kutaura chokwadi. Uye kana takamboita chikanganiso chakakura chokunyepa, tinofanira kukumbira tichiteterera Mwari kuti atiregerere. Petro anofanira kunge akaita izvozvo, uye akaregererwa. Kana tikaedza zvikuru kuti tisambonyepa zvakare, Mwari achatiregererawo!

^ ndima 3 Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.