Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Dzidzisai Vana Venyu

Makaro Akaita Kuti Gehazi Asafarirwa naMwari

Makaro Akaita Kuti Gehazi Asafarirwa naMwari

PANE chimwe chinhu chawakamboda chaizvo here? * Kana wakambodaro, hausiwe woga. Asi unofanira kureva nhema kuti uwane chimwe chinhu chauri kuda here?— Aiwa. Munhu anoita izvozvo ane makaro. Ngatimboonai kuti makaro akakonzera sei kuti mumwe murume ainzi Gehazi asafarirwe naJehovha. Murume uyu aiva muranda waErisha uyo aiva muprofita waMwari wechokwadi Jehovha.

Erisha naGehazi vakararama makare-kare, anenge makore 1 000 Jesu Mwanakomana waMwari asati aberekwa pasi pano. Jehovha akaita kuti Erisha akwanise kuita zvishamiso. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe murume airemekedzwa muuto reAsiriya asi aiva nechirwere chinorwadza chemaperembudzi. Erisha chete ndiye anogona kumurapa.

Erisha paanoshandiswa naMwari kuti aporese vanhu haatombobvumi kupiwa mari. Unoziva here kuti anorambirei?— Nokuti Erisha anoziva kuti simba rokuita zvishamiso harisi rake asi rinobva kuna Jehovha. Naamani anofara chaizvo paanopora zvokuti anoda kupa Erisha zvipo zvegoridhe, sirivha nembatya dzakanaka. Erisha anozviramba zvose, asi Gehazi ari kuzvida chaizvo.

Gehazi anozotevera Naamani asina kuudza Erisha. Paanomubata, unoziva here kuti Gehazi anomuudza kuti chii?— ‘Erisha andituma  kuti ndikuudzei kuti pane vaenzi maviri vachangobva kusvika. Saka ari kuda hembe mbiri dzokuchinja kuti ape varume vacho.’

Gehazi ari kureva nhema! Ari kunyepa kuti kune vaenzi vaviri vauya achiitira kuti apiwe hembe dzanga dzichida kupiwa Erisha naNaamani. Naamani hapana chaari kutomboziva. Saka anopa Gehazi zvipo achifara hake. Anotomupa zvakawanda kupfuura zvaakumbira. Unoziva zvinozoitika here?

Gehazi paanodzoka kumba Erisha anomubvunza kuti: ‘Wanga uri kupi?

Anoti, ‘Hapana kwandamboenda.’ Asi Jehovha anoita kuti Erisha azive zvaitwa naGehazi. Saka Erisha anoti: ‘Ino haisi nguva yokutambira mari nembatya!’

Gehazi atora mbatya nemari zvisiri zvake. Saka Mwari anoita kuti maperembudzi aNaamani aende pana Gehazi. Unofunga kuti tinodzidzei apa?— Tinodzidza kuti hatifaniri kureva nhema.

Sei Gehazi akareva nhema?— Nokuti aikara. Aida zvinhu zvisiri zvake saka akareva nhema kuti azviwane. Izvi zvakaita kuti atambure nechirwere chinorwadza kweupenyu hwake hwese.

Chokwadi ndechokuti Gehazi akatambura nechimwe chinhu chaipfuura maperembudzi. Unoziva here kuti chaiva chii?— Kurambwa uye kusadiwa naMwari. Ngatisambofa takaita chinhu chingaita kuti isuwo tidaro! Asi ngativei nemutsa, togara tichida kupawo vamwe zvinhu zvedu.

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.