Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatinosungirwa naMwari Kuti Tiite

Zvatinosungirwa naMwari Kuti Tiite

Swedera Pedyo naMwari

Zvatinosungirwa naMwari Kuti Tiite

WAKAMBOZVIBVUNZA here kuti chinangwa choupenyu chii? Jehovha haana kutisika tichida kubvunza mubvunzo iwoyo chete, asi akatipawo chido chakasimba chokuziva mhinduro yacho. Tinotenda kuti Mwari wedu ane rudo haana kungotisiya tiri murima panyaya iyi. Mhinduro yatinonyatsoda iri muShoko rake Bhaibheri. Chimbofunga nezvemashoko aMambo Soromoni ari pana Muparidzi 12:13.

Soromoni akanga aona zvakawanda muupenyu hwake. Hapana mubvunzo kuti aizotaura zvine musoro panyaya yezvinoita kuti munhu afare uye kuti ave neupenyu hune chinangwa. Soromoni aigona kunyatsoongorora zvinoitwa nevanhu, zviya zvokungoti takarasima nokutsvaka pfuma, mukurumbira nezvimwewo. Chikonzero ndechokuti akakomborerwa naMwari nouchenjeri husingaenzaniswi, pfuma yakawanda uye Umambo. (Muparidzi 2:4-9; 4:4) Afuridzirwa naMwari, Soromoni akazonyora muchidimbu zvaakawana paongororo yake, achiti: “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” Mashoko aya anoratidza chinhu chinogutsa uye chine musoro kupfuura zvose chinofanira kuitwa nevanhu.

“Itya Mwari wechokwadi.” Paunotanga kunzwa nezvokutya Mwari, ungafunga nezvokubvunda uchirohwa nehana. Kusiyana neizvi, kutya Mwari kunotounza mufaro. Kwakasiyana nekwomuranda ari kuzeza kushatirisa tenzi wake ane utsinye, asi kwakafanana nekwemwana ari kuda chaizvo kufadza baba vanomuda. Rimwe duramanzwi rinotaura kuti kutya Mwari “kuremekedzwa kwakakura kwaanoitwa nevanhu vake nekuti vanomuda uye vanoremekedza ukuru hwake nesimba rake.” Ruremekedzo urwu runoita kuti tiite zvinodiwa naMwari nokuti tinomuda uye tinoziva kuti anotida. Kutya uku hakungogumiri pamuromo chete asi kunoratidzwa nezviito. Tingazviita sei?

‘Chengeta mirayiro yake.’ Kutya Mwari kunoita kuti timuteerere. Uye zvine musoro kuti tidaro. Sokuziva kunongoita munhu anogadzira zvinhu kuti zvaanogadzira zvingashandiswa sei zvakanaka, Musiki wedu Jehovha anozivawo kuti tinofanira kurarama sei kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Uyewo anotida chaizvo. Anoda kuti tigare tichifara uye mitemo yake inoita kuti upenyu huite muchechetere. (Isaya 48:17) Muapostora Johani akataura nezvenyaya iyi achiti: “Nokuti kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Tinoratidza kuti tinoda Mwari nokumuteerera, uye mirayiro yake inoratidza kuti anotida.

“Izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” Mashoko aya anotipa chikonzero chinokosha chokuti titye Mwari uye timuteerere. Ndizvo zvatinotofanira kuita nokuti Jehovha ndiye musiki wedu uye upenyu hwedu hunobva kwaari. (Pisarema 36:9) Ndiye watinofanira kuteerera. Patinoita zvaanoda, tinenge tichiita zvatinosungirwa kuti tiite.

Saka chinangwa choupenyu chii? Takasikirwa kuti tiite zvinoda Mwari. Izvi chete ndizvo zvinoita kuti upenyu huve nechinangwa. Wadii kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinodiwa naJehovha uye zvaungaita kuti umufadze? Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kukubatsira panyaya iyi.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna November:

Zvirevo 22-31; Muparidzi 1-12Rwiyo rwaSoromoni 1-8

________