Rwiyo rwaSoromoni 1:1-17
1 Rwiyo rwaSoromoni, rwakanaka kukunda dzimwe dzese:+
2 “Ngaanditsvode nekutsvoda kwemuromo wake,Nekuti kuratidza kwaunoita rudo rwako kunopfuura waini.+
3 Kunhuhwirira kwemafuta ako kwakanaka.+
Zita rako rakaita semafuta anonhuhwirira adururwa.+
Ndokusaka vasikana vachikuda.
4 Nditore* tiende tese; ngatimhanyei.
Mambo andipinza mudzimba dzake dzemukati!
Ngatifarei, tichinakidzwa tese.
Ngatirumbidzei* kuratidza kwaunoita rudo rwako kupfuura zvatinoita waini.
Ndokusaka vachikuda.*
5 Imi vanasikana veJerusarema, ndiri mutema zvangu, asi ndakanaka,Sematende eKedhari,+ semachira ematende+ aSoromoni.
6 Musaramba makanditarisa nekuti ndakasviba,Nekuti zuva rakandipisa.
Vanakomana vaamai vangu vakanditsamwira;Vakandiita muchengeti weminda yemizambiringa,Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
7 Nhai chido chemwoyo wangu,* ndiudze,Kwaunofudzira makwai ako,+Kwaunoararisa masikati.
Nei ndichifanira kuita semukadzi akazvifukidza nejira*Pakati pemakwai evamwe vako?”
8 “Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka chaizvo kupfuura vamwe vese,Enda uchitevera mafamba nezvipfuwo,Ufudzire mbudzana dzako pedyo nematende evafudzi.”
9 “Iwe mudiwa wangu, ndinokufananidza nebhiza gadzi* riri pangoro dzaFarao.+
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nezvishongo,*Mutsipa wako wakashongedzwa nechuma.
11 Tichakugadzirira zvishongo* zvegoridheZvakashongedzwa nesirivha.”
12 “Mambo paanenge akagara patafura yake yeraundi,Mafuta angu*+ anoramba achibudisa kunhuhwirira kwawo.
13 Mudiwa wangu akaita sehomwe inonhuhwirira yemura+Ari pakati pemazamu angu usiku hwese.
14 Kwandiri mudiwa wangu akaita sesumbu remaruva ehena+Riri pakati peminda yemizambiringa yekuEni-gedhi.”+
15 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!
Wakazonaka! Maziso ako akafanana neenjiva.”+
16 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu, uye unofadza!+
Mubhedha wedu uri pakati pemashizha.
17 Mapango emba yedu* misidhari,Mbariro dzedenga remba mijunipa.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Ndikweve.”
^ Kana kuti “Ngatirondedzerei.”
^ Kureva, vasikana.
^ Kana kuti “anodiwa chaizvo nemweya wangu.”
^ Kana kuti “nejira rekuchema.”
^ Kana kuti “nebhiza rangu gadzi.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “ari pakati pebvudzi rakarukwa.”
^ Kana kuti “zvishongo zveraundi.”
^ ChiHeb., “Mafuta angu enadhi.”
^ Kana kuti “emba yedu yakanaka.”