Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Munhu angadzingwa muungano yechiKristu here kana akaita zvinhu zvisina kuchena sezvaangaitwa kana akaita ufeve uye akasazvibata?

Hungu, munhu angadzingwa muungano kana akaramba achiita ufeve, kusachena kworudzi rwose, kana kusazvibata asingapfidzi. Muapostora Pauro anotaura zvivi zvose izvi zvitatu pamwe chete nemhosva dzinogona kuita kuti munhu adzingwe paanonyora kuti: “Zvino mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusachena, kusazvibata . . . Ndiri kufanokunyeverai . . . kuti vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—VaGaratiya 5:19-21.

Ufeve (chiGiriki, por·neiʹa) zvinoreva kuita zvepabonde nomunhu wausina kuroorana naye zvisingatenderwi neMagwaro. Zvinosanganisira upombwe, upfambi, uye kuita zvepabonde pakati pevanhu vasina kuroorana uyewo kunanzva nhengo dzakavandika dzomumwe uye kurara nomunhu nokunobudisa tsvina, uye kubata-bata nhengo dzakavandika dzomumwe munhu wausina kuroorana naye. Munhu anoramba achiita ufeve asingapfidzi haana kukodzera kuva muungano yechiKristu.

Kusazvibata (chiGiriki, a selʹgei·a) zvinoreva “ufeve; kusachena, mufambiro unonyadzisa; unzenza.” Duramazwi rinonzi The New Thayer’s Greek-English Lexicon rinorondedzera shoko racho rechiGiriki richiti “chido chakanyanyisa chokuda kurara nomumwe munhu, . . . kusava nomwero, kusanyara, kusaremekedza.” Maererano nerimwe duramazwi kusazvibata mararamiro “okutyora mitemo yetsika dzinogamuchirwa munzanga.”

Sezvinotaurwa netsananguro idzi, “kusazvibata” kunosanganisira zvinhu zviviri: (1) Mufambiro wacho pachawo kutyorwa kwakakomba kwemitemo yaMwari, uye (2) mafungiro omunhu wacho anenge achiita zvakaipa haasi okuremekedza uye ndeokusakendenga.

Saka, “kusazvibata” hakurevi kukanganisawo zvako kuduku. Kune chokuita nemiitiro yokutyora mitemo yaMwari zvakakomba uye kunoratidza mafungiro okusakendenga kana kuti okutsunga kusaremekedza—mafungiro anoratidza kusaremekedza kana kuzvidza chiremera, mitemo uye tsika. Pauro anotaura kusazvibata pamwe chete nokuita zvepabonde zvisiri pamutemo. (VaRoma 13:13, 14) Sezvo VaGaratiya 5:19-21 ichitaura nezvokusazvibata pamwe chete nezvimwe zvivi zvinoverengeka zvinogona kuita kuti munhu akundikane kugara nhaka Umambo hwaMwari, kusazvibata chikonzero chinoita kuti munhu atsiurwe kana kuti chingangoita kuti adzingwe muungano yechiKristu.

Shoko rokuti kusachena (chiGiriki a·ka·thar·siʹa) rinoreva zvakawanda kupfuura mamwe mashoko matatu anoshandurwa kuti “ufeve,” “kusachena” uye “kusazvibata.” Rinoreva kusachena kworudzi rwose—munyaya dzepabonde, mukutaura, muzviito, uye muukama hwokunamata. “Kusachena” kunosanganisira zvivi zvakawanda zvakakomba.

Sezvakanyorwa pana 2 VaKorinde 12:21, Pauro ari kutaura nezvevaya “vakambotadza asi vasina kupfidza pakusachena kwavo noufeve nokusazvibata zvavakaita.” Sezvo “kusachena” kuchitaurwa pamwe chete no“ufeve uye kusazvibata,” mimwe miitiro yokusachena ingaita kuti munhu atongwe. Asi shoko rokuti kusachena rinoreva zvakawanda zvisingaiti kuti munhu atongwe. Kungofanana neimba inogona kuva yakasviba kana kuti yakanyanyosviba, kusachenawo kwakasiyana-siyana.

Maererano naVaEfeso 4:19 Pauro akataura kuti vamwe vanhu vakanga “vasisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika” uye kuti vakanga ‘vazviregerera vasingazvibati kuti vaite zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose nokukara.’ Saka Pauro anoisa “kusachena . . . nokukara” muboka rimwe chete nokusazvibata. Kana munhu akabhabhatidzwa akasapfidza pakuita zvinhu ‘zvisina kuchena nokukara,’ anogona kudzingwa muungano nemhaka yokusachena kwakakomba.

Ngatitii vaviri vakavimbisana kuroorana vakapinda mumuitiro wokubatana-batana zvakanyanya kakawanda. Vakuru vangasarudza kuti kunyange zvavo vaviri ava vasina kuratidza kuti vakatsunga kuita zvakaipa pamuitiro wokusazvibata, pakanga pane kukara mumufambiro wavo. Saka vakuru vangavatonga nokuti kusachena kwakakomba kwakaitwa. Kusachena kwakakomba kungavawo chikonzero chokubata nyaya inosanganisira munhu anoramba achiridza runhare achikurukura nyaya dzepabonde kumumwe munhu, kunyanya kana akambopiwa zano pamusoro penyaya yacho.

Vakuru vanoda uchenjeri pakuita zvisarudzo izvi. Pakusarudza kana dare richifanira kuumbwa vanofanira kunyatsoongorora chaitwa chacho uye kuti chakaitwa zvakadini. Haisi nyaya yokungoti kana munhu asingagamuchiri zano reMagwaro onzi ane mhosva yokusazvibata; kana kuti haisi nyaya yokungoverenga kuti munhu akaita zvinhu zvacho kangani asati aumbirwa dare. Vakuru vanofanira kunyatsofunga vachiita zvokunyengetera nezvemamiriro ezvinhu mamwe nemamwe uye kuongorora kuti zvii zvakaitwa uye kuti zvakaitwa kangani, uye pakasvika kusazvibata kwacho, uyewo vavariro nechinangwa chomunhu wacho anenge aita zvakaipa.

Kusachena kwakakomba kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura zvivi zvine chokuita nezvepabonde. Somuenzaniso, mukomana akabhabhatidzwa anoputa midzanga mishoma munguva pfupi obva areurura kuvabereki vake. Anosarudza kusadzokorora izvi. Uku kusachena, asi kunenge kusati kwasvika paya panganzi chivi chokusachena kwakakomba kana ‘kusachena kwokukara.’ Zano rinobva muMagwaro rinopiwa nomukuru mumwe chete kana vaviri pamwe chete nokutsigira kwevabereki vake ringapedza nyaya yacho. Asi kana mukomana wacho achigara achiputa fodya, uku kusvibisa nyama nemaune, dare rokutonga richaumbwa kuti riongorore zvikonzero zvokusachena uku kwakakomba. (2 VaKorinde 7:1) Kana mukomana wacho akasapfidza, anodzingwa muungano.

Vamwe vaKristu vave vachiona zvinhu zvinonyadzisira. Izvi zvinosembura Jehovha, uye vakuru vangashamisika pavanoziva kuti hama yavo yakazviona. Asi hakusi kuona zvinonyadzisira kwose kungaita kuti dare rinotonga riumbwe. Somuenzaniso, ngatitii hama yakaona zvinonyadzisira zvepabonde zviya zvinonzi zvisina kunyanya kuipa kanoverengeka. Inonyara, inoreurura kumukuru, uye yakatsunga kusazvidzokororazve. Mukuru angasarudza kuti zvakaitwa nehama yacho hazvina kusvika pamwero wokunzi yakaita ‘zvisina kuchena nokukara;’ kana kuti haina kuratidza kusakendenga, kunoratidza kusazvibata. Kunyange zvazvo dare rinotonga ringasaumbwa, kusachena kwakadai kungada kuti ipiwe zano rakasimba reMagwaro uye zvimwe kuzobatsirwazve nevakuru.

Zvisinei, ngatitii kwemakore akawanda imwe hama yakanga ichiona muchivande zvinhu zvinonyadzisira, zvinosemesa zvine chokuita nezvepabonde uye yakaita zvose zvainogona kuti ivanze chivi ichi. Zvingatosanganisira kubata chibharo kunoitwa nechikwata, kuita munhu muranda, kushungurudzwa kwevakadzi, kana kuti zvinhu zvinonyadzisira zvine chokuita nevana. Vamwe pavanoziva nezvomuitiro wayo, inonyara chaizvo. Iyo haina kutsunga kuita zvakaipa, asi vakuru vangasarudza kuti ‘yakazviregerera isingazvibati’ kuti iite tsika iyi inosemesa uye yakatanga kuita ‘zvinhu zvisina kuchena nokukara,’ uku kusachena kwakakomba. Dare rokutonga ringaumbwa nokuti kusachena kwakakomba kunenge kwakaitwa. Muiti wechakaipa akasaratidza kupfidza uye kutsunga kurega tsika yokuona zvinonyadzisira angadzingwa muungano. Kana akakoka vamwe kumba kwake kuti vazoona zvinonyadzisira—chaizvoizvo, achizvisimudzira—izvi zvingapa uchapupu hwokuti akatsunga kuita zvakaipa zvichiratidza kusazvibata.

Shoko romuMagwaro rokuti “kusazvibata” rinosanganisira chivi chakakomba kwazvo kazhinji chivi chine chokuita nezvepabonde. Pavanenge vachiedza kuongorora kusazvibata, vakuru vanofanira kutsvaka kuti munhu wacho akatsunga here kuita zvakaipa, kusachena, kusembura kwezvacho zvakaitwa, kusanyara, uye zvinhu zvinganzi zvinotovhundutsa vanhuwo zvavo. Ukuwo, kutadza kuchengeta mitemo yaJehovha kwakakomba kunoitwa nomunhu asingaratidzi kutsunga kuita zvakaipa kungava “kukara.” Nyaya idzi dzinobatwa zvichienderana nokuti kusachena kwacho kwakakomba kwakaitwa kusvika pamwero upi.

Kusarudza kana munhu asvika pakunzi ava nemhosva yokusachena kwakakomba kana kuti yokusazvibata mutoro wakaoma chaizvo nokuti upenyu hunobatanidzwa. Saka, vaya vanotonga nyaya dzakadaro vangada kuzviita vambonyengetera, vakumbira Jehovha mudzimu mutsvene wake, ungwaru, uye kunzwisisa. Vakuru vanofanira kuita kuti ungano irambe yakachena uye zvavanosarudza zvinofanira kubva muShoko raMwari uyewo mumirayiridzo inopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 18:18; 24:45) Uye mumazuva ano akaipa, kupfuura nakare kose, vakuru vanofanira kuyeuka mashoko aya: “Onai zvamuri kuita, nokuti hamutongeri munhu asi Jehovha.”—2 Makoronike 19:6.