Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndepapi Pakakodzera Kuti Utsamwe?

Ndepapi Pakakodzera Kuti Utsamwe?

Ndepapi Pakakodzera Kuti Utsamwe?

PANA Muparidzi 7:9, Bhaibheri rinoti: “Kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.” Ndima iyi inoratidza kuti kana mumwe munhu akatitsamwisa, hatifaniri kunyanya kugumbuka; pane kudaro, tinofanira kumuregerera.

Zvisinei, Muparidzi 7:9 iri kureva here kuti hatitombofaniri kutsamwiswa nechimwe chinhu kana kuti nomumwe munhu, kuti tinofanira kuregerera zvose zvatinenge takakanganisirwa pasinei nokuti zvakakomba sei kana kuti zvaitwa kakawanda sei uye kuti hapana chatinofanira kuita nezvazvo? Hatifaniri kuva nehanya here nokuti tatsamwisa vamwe nezvatinotaura kana zvatinoita nokuti tinoziva kuti atsamwiswa wacho anofanira kutiregerera? Hatingadaro.

Jehovha Mwari ndiye muenzaniso mukuru worudo, ngoni, kuregerera uye mwoyo murefu. Asi, muBhaibheri, kakawanda anonzi akatsamwiswa. Paaitsamwiswa zvikuru, aiparadza vainge vamutsamwisa. Chimbofunga nezvemimwe mienzaniso.

Kutsamwisa Jehovha

Nhoroondo iri pana 1 Madzimambo 15:30 inotaura nezvezvivi zvaJerobhoami “zvaakatadzisa Israeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha.” Pana 2 Makoronike 28:25, Bhaibheri rinoti nezvaMambo Ahazi weJudha: “Akaitawo matunhu akakwirira paguta rimwe nerimwe raJudha kuzopisira vamwe vamwari zvinonhuwira ipapo, akatsamwisa Jehovha Mwari wamadzibaba ake.” Mumwe muenzaniso unowanika pana Vatongi 2:11-14, unoti: “VaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vanaBhaari . . . vakatsamwisa Jehovha. . . . Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi.”

Pane zvimwe zvinhu zvakatsamwisa Jehovha uye zvaida kuti avarange zvakasimba. Somuenzaniso, pana Eksodho 22:18-20, tinoverenga kuti: “Usarega muroyi ari mupenyu. Ani naani unovata nechipfuwo, zvirokwazvo unofanira kuurayiwa. Unobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, unofanira kuparadzwa chose.”

Jehovha haana kuramba achingoregerera zvikanganiso zvakakomba zvevaIsraeri vekare pavairamba vachimutsamwisa uye vasingaratidzi kupfidza kwechokwadi. Pavasina kupfidza zvechokwadi uye vasingaiti zvinoratidza kuti vakanga vatendeuka kuti vateerere Jehovha, Mwari akapedzisira aita kuti vapanduki vacho vaparadzwe. Rudzi rwacho rwose rwakaparadzwa muna 607 B.C.E. nevaBhabhironi, uye rwakaparadzwazve muna 70 C.E. nevaRoma.

Chokwadi, Jehovha anotsamwa vanhu pavanoita uye pavanotaura zvinhu zvakaipa, uye anotoparadza vatadzi vasingapfidzi vanoita zvivi zvakakomba. Asi izvi zvinomuisa here muboka revaya vanotaurwa pana Muparidzi 7:9? Kwete. Iye akarurama paanotsamwira zvivi zvakakomba uye nguva dzose anotonga zvakarurama. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha: “Basa rake rose rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.”—Dheuteronomio 32:4.

Kukanganisira Vanhu Zvakakomba

MuMutemo wakapiwa vaIsraeri vekare naMwari, pawaikanganisira munhu zvikuru, wairangwawo zvakasimba. Somuenzaniso, mbavha payaipinda mumba usiku uye muridzi wemba paaiiuraya, muridzi wemba aisapiwa mhosva yeropa. Akanga asina chaaipomerwa pamhosva huru iyi. Nokudaro tinoverenga kuti: “Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya [muridzi wemba] haangavi nemhosva paropa rake.”—Eksodho 22:2.

Mukadzi anenge abatwa chibharo ane kodzero yokutsamwa zvikuru, sezvo Mwari achiona kubata chibharo semhosva yakakura. MuMutemo waMosesi, murume aibata mukadzi chibharo aifanira kufa sezvaingoita “murume wakamukira wokwake akamuuraya.” (Dheuteronomio 22:25, 26) Kunyange zvazvo tisisiri pasi poMutemo iwoyo, unotijekesera kuti Jehovha anonzwa sei nezvokubata chibharo—mhosva yakakura chaizvo.

Mazuva ano, kubata chibharo imhosva yakakura inorangwa zvakasimba. Anenge abatwa chibharo wacho ane kodzero yokutaurira mapurisa nyaya yacho. Nenzira iyi zviremera zvakakodzera zvinogona kuranga anenge akanganisa wacho. Uye kana abatwa chibharo wacho ari mwana, vabereki ndivo vangaudza mapurisa kana kuti zviremera zvakakodzera.

Zvikanganiso Zviduku

Zvisinei, hadzisi mhosva dzose dzingada kugadziriswa nezviremera. Saka hatifaniri kungokurumidza kutsamwa vamwe pavanoita zvikanganiso zviduku, asi tinofanira kuvaregerera. Tinofanira kuregerera kakawanda sei? Muapostora Petro akabvunza Jesu kuti: “Ishe, hama yangu inofanira kunditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kusvikira kanomwe here?” Jesu akapindura kuti: “Ndinoti kwauri, kwete, Kusvikira kanomwe, asi, Kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.”—Mateu 18:21, 22.

Asiwo, tinofanira kuramba tichigadzirisa unhu hwedu hwechiKristu kuti tiedze kuderedza zvinhu zvingatsamwisa vamwe. Somuenzaniso, paunotaura nevamwe, dzimwe nguva unongotaura usina kumbofunga, usina kuchenjerera, uye uchituka here? Matauriro akadaro angangogumbura vamwe. Pane kupa munhu mhosva yokuti atsamwirei uye kufunga kuti anofanira kumuregerera, anenge amutsamwisa wacho anofanira kuziva kuti ndiye aita kuti munhu wacho atsamwe. Amutsamwisa wacho anofanira kuedza kudzora zvaanoita uye zvaanotaura kuitira kuti asatombotsamwisa munhu wacho. Izvi zvichaderedza kuramba tichirwadzisa vamwe kwatingaita. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Patinotsamwisa vamwe, kunyange kana tisina kunge takazvironga, kukumbira ruregerero kunoshanda zvikuru kuti tigadzirise mamiriro acho ezvinhu.

Shoko raMwari rinoratidza kuti tinofanira kutevera “zvinhu zvinoparira rugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaRoma 14:19) Patinotaura nokungwarira uye nomutsa, chirevo ichi chinoshanda chokuti: “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.” (Zvirevo 25:11) Izvozvo zvinoita kuti tive nemaonero akanaka chaizvo! Mashoko anotaurwa nounyoro, nokungwarira anotogona kuchinja maonero anoita vamwe: “Rurimi runyoro runovhuna mapfupa.”—Zvirevo 25:15.

Nokudaro, Shoko raMwari rinotirayira kuti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.” (VaKorose 4:6) Ku“rungwa nomunyu” zvinoreva kuti tinoita kuti mashoko edu afadze vamwe, zvichideredza mukana wokutsamwisa vamwe. Pane zvavanotaura nezvavanoita, vaKristu vanoedza kushandisa zano reBhaibheri rokuti: “Ngaatsvake rugare arutevere.”—1 Petro 3:11.

Nokudaro, zviri pachena kuti Muparidzi 7:9 inoreva kuti hatifaniri kutsamwira zvikanganiso zviduku zvinoitwa nevamwe. Izvi zvingaitwa nokuti vanhu havana kukwana kana kuti kunyange kuitwa nemaune, asi hazvisi zvivi zvakakomba. Asi kana chikanganiso chacho chiri chivi chakakomba, zvinonzwisisika kana atadzirwa akatsamwa uye angasarudza kuita zvinoenderana nechivi chacho.—Mateu 18:15-17.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakanga vasingapfidzi vaparadzwe nevaRoma muna 70 C.E.

[Mufananidzo uri papeji 15]

“Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana namatamba endarama”