Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Shoko rokuti “zvimwe” riri pana Zefania 2:3 rinoreva here kuti vashumiri vaMwari havagoni kuva nechokwadi chokuti vachawana upenyu husingaperi?

Rugwaro urwu runoti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” Nei ndima iyi ichiti “zvimwe”?

Kuti tinzwisise izvo Jehovha achaitira vakatendeka vake paAmagedhoni, zvinobatsira kuyeuka zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pezvichaitwa naMwari kune vaya vanofa nguva iyoyo yorutongeso isati yakwana. Vamwe vachamutsirwa kuupenyu husingaperi sezvisikwa zvomudzimu kumatenga, nepo vamwe vachamutsirwa panyika vaine tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso. (Johani 5:28, 29; 1 VaKorinde 15:53, 54) Kana Jehovha achiyeuka uye achipa mubayiro vashumiri vake vakatendeka vanofa Amagedhoni isati yauya, achaitawo zvakafanana kuvashumiri vake vanenge vari vapenyu pazuva rokutsamwa kwake.

Mashoko akafuridzirwa omuapostora Petro anokurudzirawo. Akanyora kuti: “[Mwari] akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza boporodzi panyika yevanhu vasingadi Mwari; uye nokuroromesa maguta eSodhomu neGomora akaapa mhosva, . . . uye akanunura Roti akarurama . . . Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo, asi kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vagurwe.” (2 Petro 2:5-9) Kunyange zvazvo Jehovha akaparadza vanhu vakaipa munguva yakapfuura, akaponesa Noa naRoti, avo vaimushumira vakatendeka. Jehovha achaponesawo vanhu vakazvipira kuna Mwari paachaparadza vakaipa paAmagedhoni. “Boka guru” revakarurama richapukunyuka.—Zvakazarurwa 7:9, 14.

Saka, zvinoita sokuti shoko rokuti “zvimwe” harishandiswi pana Zefania 2:3 nokuda kwokusava nechokwadi nezvokukwanisa kwaMwari kuponesa vaya vaanofarira. Asi, kuvanzwa kwomunhu pazuva rokutsamwa kwaJehovha kungangoitika paanotanga kutsvaka kururama uye unyoro. Kuponeswa kuchaenderana nokupfuurira kuchaita munhu kutsvaka unyoro uye kururama.—Zefania 2:3.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo”