Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nheyo Dzaunosarudza

Nheyo Dzaunosarudza

Nheyo Dzaunosarudza

URI munhu anoshandisa nheyo here? Kana kuti unofunga kuti kuva netsika kwakatisarirei here? Chokwadi ndechokuti munhu wose anotungamirirwa norumwe rudzi rwenheyo dzaanofunga kuti dzinokosha. Maererano neThe New Shorter Oxford English Dictionary, nheyo inogona kurondedzerwa se“bumbiro rako retsika rinokubatsira kuita chakarurama.” Nheyo dzinopesvedzera zvisarudzo zvedu, dzichiita kuti tifambe nenzira yakati muupenyu. Nheyo dzinogona kushanda sekambasi.

Somuenzaniso, Jesu akakurudzira vateveri vake kuitira vamwe zvaunoda kuti ivo vakuitire, sezvinotaura Mateu 7:12 kuti: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” Vateveri vaConfucius vanochengeta nheyo yokuita zvakanaka zvoga zvoga, iyo inotaura nezvounhu hwakadai somutsa, kuzvininipisa, kuremekedza, nokuvimbika. Kunyange vanhu vasinganamati vane zvinhu zvavanoisa pakutanga uye nhungamiro dzinoita kuti vaite zvinhu nenzira yavanoita.

Tingasarudza Nheyo Dzakaita Sei?

Zvisinei, tinofanira kuziva kuti nheyo dzinogona kuva dzakanaka kana kuti dzakaipa. Somuenzaniso, nhamba iri kuwedzera yevanhu yave ichidzorwa nechindingoveni. Kunyange vakawanda vangasaziva shoko racho kana kuti vangafunga kuti harishandi pavari, chindingoveni inheyo inoshandiswa nevakawanda sezvavanosiya nzira yakanaka yokuzvibata. Chingava chichizivikanwa neshoko iroro kana kuti kwete, chindingoveni chinoratidza kungozvifunga iwe woga, kazhinji kacho kwakasangana nokuda kuva nezvinhu zvakawanda kusina musoro. “Tine nheyo mbiri chete,” akadaro mumwe mukuru wenhepfenyuro yeTV muChina. “Imwe yacho ndeyokuwanisa vanhu zvavanoda. Imwe ndeyokuita mari.”

Chindingoveni chinogona kushanda semagineti. Magineti inokanganisa sei kushanda kwekambasi? Kana zviviri izvi zvikaiswa pedyo nepedyo, tsono yekambasi inonongedzereswa kusiri iko. Saizvozvowo, chindingoveni chinogona kuita kuti kambasi yomunhu yetsika, kana kuti nzira yokuzvibata zvakanaka, ivhiringike nokuita kuti zvimwe zvinhu zvose zvive panzvimbo yechipiri pazvishuvo zvomunhu.

Zvingakushamisa here kunzwa kuti chindingoveni hachina kutanga nhasi? Kutungamirirwa nechindingoveni kwakatanga mubindu reEdheni apo vabereki vedu vokutanga vakasiya mwero wokuzvibata wakagadzwa noMusiki wedu. Izvozvo zvakakanganisa kambasi yavo yetsika. Sevazukuru vaAdhamu naEvha, vanhu vane chinetso chokuona upenyu nenzira iyoyo, yakazonzi mazuva ano “chindingoveni.”—Genesi 3:6-8, 12.

Kupararira kwemafungiro iwayo kunonyanya kuoneka muanonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira,” anozivikanwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Vanhu vakawanda “vanozvida.” Hazvishamisi kuti tinonzwa tichimanikidzwa kutevedzera mafungiro okuda kuva wokutanga.—2 Timoti 3:1-5.

Zvichida ungatobvumirana nomumwe wechiduku anonzi Olaf akanyorera imwe hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuEurope kuti: “Zvakazooma chaizvo kuramba wakarurama mutsika, zvikurukuru kwatiri isu vaduku. Ndapota rambai muchitiyeuchidza nezvokukosha kwokuomerera kunheyo dzeBhaibheri.”

Olaf akaratidza kunzwisisa. Nheyo dzaMwari dzinogona kutibatsira—vaduku kana vakuru—kuti tirambe tichizvibata zvakanaka. Dzinogonawo kutibatsira kusaratidza chindingoveni, tingava tichichidana kudaro kana kuti kwete. Kana uchida kudzidza zvakawanda nezvenheyo dzeBhaibheri kuti dzingakubatsira sei, tapota ona nyaya inotevera.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Vanhu vakawanda nhasi havaratidzi kuva nehanya nezvinodiwa nevamwe