Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubata Vanhu muGungwa reAegean

Kubata Vanhu muGungwa reAegean

Kubata Vanhu muGungwa reAegean

NYIKA yeGirisi iri kuchamhembe uye kumadokero kweGungwa reAegean, iro rinofukidza nzvimbo huru yokumabvazuva eMediterranean, uye chitsuwa cheKirete chiri kumaodzanyemba kwaro, neTurkey iri kumabvazuva kwaro. Nzvimbo yakatangira pundutso huru yepamavambo, Gungwa reAegean rakazara nezvitsuwa uye zvitsuwa zviduku. Zvitsuwa zvisina kuenzana, zvine dzimba chena shomanana duku dzakangomwararira, dzinon’aimira nechiedza chezuva, zvakaita kuti mumwe mudetembi azvifananidze ne“mabhiza ematombo ane zenze rinotyisa.”

Hazvishamisi kuti zvitsuwa izvi zvazova imwe yenzvimbo dzine mukurumbira wokukwezva vashanyi kwazvo munyika yose! Kunaka kwazvo kwomusikirwo kunowedzerwa nounhu hwakaisvonaka hwevarume nevakadzi vanogara uye vanoshanda imomo. Vanhu vanozvininipisa uye vane mutsa, asi vakasununguka, vanhu ava vanowedzera chimwe chinhu chinokosha pakunaka kwenzvimbo yacho.

Vagari vakawanda vepazvitsuwa zvacho vanorarama nokubata hove mumvura dzeGungwa reAegean. Zvisinei, rumwe rudzi runokosha rwo“kubata hove,” rwuri kuita zvakawanda munzvimbo iyoyo. “Vabati vevanhu,” vaevhangeri vemashoko akanaka oUmambo hwaMwari, vanofamba muzvitsuwa zveAegean, vachiita vadzidzi vechiKristu.—Mateu 4:18, 19; Ruka 5:10.

Anenge mazana emakore 19 akapfuura, vaevhangeri vechiKristu vakashanyira zvitsuwa zveAegean. Munenge muna 56 C.E., muapostora Pauro, achidzoka parwendo rwake rwoufundisi rwechitatu, akamira zvishoma pazvitsuwa zveLésvos, Kiyosi, Samosi, Kosi, neRodzi. Somuparidzi aigara achishingaira, Pauro anofanira kuva akaparidza kune vamwe vaigara pazvitsuwa zvacho. (Mabasa 20:14, 15, 24; 21:1, 2) Zvichitevera makore ake maviri okusungwa muRoma, angave akashanyira Kirete uye akabatanidzwa mubasa rechiKristu ikoko. Zana remakore rokutanga rava kunopera, muapostora Johani akasungwa akaendeswa kuchitsuwa chePatimosi, “nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Vazivisi vemashoko akanaka vamazuva ano vari kubudirira sei muzvitsuwa izvi?

Mabasa Okuparidza Anopa Mubayiro

Kuparidza mumapoka ezvitsuwa izvi kwakaoma uye kunoda kushanda zvakaoma. Kunoda kuedza kukuru nokuzvibayira. Zvimwe zvitsuwa zviri kure nokure. Zvifambiso zvomugungwa kana zvomudenga hazvina kurongeka kune vamwe vavo, uye kune vamwe hazvipo zvachose, kunyanya munguva yechando. Gungwa ringasagadzikana, kunyanya panovhuvhuta meltemia—mhepo dzakasimba dzokuchamhembe dzemwaka nemwaka. Uyezve, misha iri pazvitsuwa zvakawanda iri kure nokure uye yakaoma kusvika nemhaka yokuti migwagwa ine guruva, isina kunyatsogadzirwa haiwanzofambwi. Mimwe misha yacho ingasvikwa nemagwa maduku chete.

Somuenzaniso, funga nezvechitsuwa cheIkaria. Vaparidzi 11 vemashoko akanaka oUmambo vari muungano duku ikoko havagoni kushanda misha yose iri pachitsuwa ichocho nezviduku zviri pedyo. Saka, hama nehanzvadzi dzechiKristu dzokuSamosi dzinouya kuzobatsira kuparidzira vanhu vokuIkaria, uyewo nevaya vari pazvitsuwa zvePhournoi, Patimosi, neLipsos. Munguva pfupi yapfuura, mukati merimwe basa rakadaro remazuva maviri, Zvapupu zvakakwanisa kugovera magazini 650, mabhurocha 99, uye mabhuku 25 anotaura nyaya dzeBhaibheri! Zvakashamiswa kusangana nevanhu vakanga vasingazivi kuti Jehovha ndiani, vanhu vaivakumbira kuti vagare uye vavadzidzise zvakawanda zvinobva muBhaibheri. Mumwe mukadzi akaudza chimwe Chapupu kuti: “Zvino mava kuenda. Asi ndichine mibvunzo yakawanda yeBhaibheri. Ndiani achandibatsira?” Hanzvadzi yacho yechiKristu yakavimbisa kutevera kufarira kwacho nokushandisa runhare, uye yakatanga fundo yeBhaibheri nenzira iyoyo.

Mutariri anofambira paakashanyira Ikaria, akaronga kushanda chitsuwa chacho chose mukupera kwevhiki kumwe. Akawana ruyamuro rwevaparidzi voUmambo vanenge 30 vokuSamosi. Hama dzaishanya dzaifanira kubhadhara mari yokurara usiku huviri pane imwe hotera nokuhaya motokari uye mota dzinodhonza nemavhiri mana. Kwakava nemazuva maviri edzvotsvotsvo remvura, uye kufanozivisa mamiriro okunze emazuva okupera kwevhiki kwaiodza mwoyo. Asi hama hadzina kurega izvozvi zvichidzivhiringidza, dzichiyeuka mashoko aMuparidzi 11:4 anoti: “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye unotarira makore, haangacheki.” Pakupedzisira, mamiriro ezvinhu okunze akavandudzika zvishoma, uye dzashanda chitsuwa chacho chose nemashoko adzo anokosha, hama dzakadzokera kumusha dzichifara uye dzagutsikana.

Vaparidzi 16 vanogara pachitsuwa cheAndros vanopfuurira kuedza kushanda chitsuwa chacho chose. Hama mbiri padzakasvika pane mumwe musha waiva woga, dzakatsunga kuparidza kuvagari vacho vose. Dzakataura nevanhu mumisha yavo, mumigwagwa, uye muminda. Dzakatoshanyira kamba yemapurisa ndokusiya mabhuku ikoko. Dzava nechivimbo chokuti dzakanga dzataura nevagari vose vomumusha wacho, dzakanga dzoda kuenda. Sezvadzakanga dzichibva pakati pomusha wacho, dzakaona mupristi weGreek Orthodox achiuya. Dzaziva kuti akanga asina kupupurirwa, dzakamupa kabhuku, kaakagamuchira nomufaro. Zvino dzakanga dzava kuziva zvechokwadi kuti hapana akanga asiiwa mukuedza kwadzo kuparidza!

Gavdos (kana kuti Kaudha)—chitsuwa chiri pakona peKirete chine vagari 38 chete—chinonzi ndicho chiri kurutivi rwuri kure kwazvo rwokumaodzanyemba kweEurope. (Mabasa 27:16) Mutariri anofambira nomudzimai wake, pamwe nevamwe vaviri vakaroorana, vakapedza mazuva matatu vachiparidza ipapo. Kuti vachengetedze mari, vairara mutende. Vagari vose vakataurirwa mashoko akanaka, uye hama dzakafara kuti vanhu vacho ikoko havana kuvafungira zvakaipa. Hapana chavakanga vanzwa—chakanaka kana kuti chakaipa—nezveZvapupu zvaJehovha. Vanhu vomunzvimbo iyoyo, kusanganisira mupristi, vakagamuchira mabhuku 19 nemabhurocha 13. Sezvo Zvapupu zvakanga zvava kudzokera kuKirete zviri mugwa duku, gungwa rakatanga kusagadzikana, richiisa upenyu hwazvo mungozi. “Takaonga Jehovha kuti takasvika kumusha tiri vapenyu, asiwo takamupa mbiri nokutibvumira kukudza zita rake paurwu rutivi rwuri kure kwazvo rwuri kumaodzanyemba kweEurope,” vakadaro.

Patimosi ndicho chitsuwa icho muapostora Johani akanyorera bhuku rokupedzisira reBhaibheri, raZvakazarurwa. Kutozosvikira nguva pfupi yapfuura pakanga pasina Chapupu chaJehovha paPatimosi. Basa rokuparidza pachitsuwa ichocho rakanyatsorongwa nehama dzokuSamosi. Dzaiziva kuti dzaigona kutarisira kushorwa kunotyisa nemhaka yokuti chitsuwa chacho chinodzorwa zvakanyanya neChechi yeGreek Orthodox. Hanzvadzi mbiri dzaikurukura mashoko akanaka kune mumwe mukadzi dzakakokwa kupinda mumba make. Murume womukadzi wacho akaramba achibvunza akanga atuma hanzvadzi dzacho pamba pavo. Padzakatsanangura kuti dzakanga dzichishanyira imba yoga yoga, akabvunzazve kuti: “Mune chokwadi here kuti vamwe vavakidzani havana kukutumai pano?” Mudzimai wacho, akanga aziva nezveZvapupu zvaJehovha paaiva muZaire, gare gare akatsanangurira hanzvadzi dzacho zvakanga zvaitika mangwanani iwayo. Akati: “Ndanga ndichinyengetera kuna Jehovha, sezvandakaita mamwe mazuva, kuti atumire Zvapupu pachitsuwa chino. Murume wangu andiseka. Pandakuonai pamusuo, ndashamiswa uye ndizvo zvaitawo murume wangu. Ndokusaka aramba achibvunza kuti ndiani akutumai pamusha wedu.” Fundo yeBhaibheri yakatangwa nomukadzi wacho nokukurumidza. Fundo yacho yaiitirwa parunhare kwemwedzi gumi, kunyange zvazvo zvaidyira hanzvadzi yacho nomukadzi anofarira mari yakawanda. Akabhabhatidzwa uye zvino ndiye oga Chapupu pachitsuwa chaiva nomuapostora Johani oga makore 1 900 apfuura.

“Kubata” Muzviteshi Zvengarava

Ngarava dzinotakura vashanyi dzinomira pazviteshi zvengarava zvakawanda zvezvitsuwa zveAegean chirimo choga choga, zvichiunza vashanyi vakawanda vanenge vari pazororo. Saka, Zvapupu zvaJehovha zvine mukana wakasiyana nemimwe wokukurukura nevanhu vemarudzi akawanda nendimi. Ungano dzinochengeta mabhuku eBhaibheri emitauro yakawanda yakasiyana-siyana, uye vaparidzi vanogovera zviuru zvemagazini kuvashanyi. Dzimwe ngarava dzevashanyi dzinoshanyira zviteshi izvozvo vhiki yoga yoga, zvichipa hama mikana yakanakisisa yokuita shanyo dzokudzoka uye kunyange kuitisa fundo dzeBhaibheri nevamwe vashandi vomungarava.

Muchirimo cha1996, imwe hanzvadzi iri muparidzi wenguva yakazara paRodzi yakapupurira rimwe jaya rokuJamaica raishanda mungarava inotakura vashanyi yaishanyira chiteshi chengarava ichocho Chishanu choga choga. Chishanu chakatevera jaya racho rakakokwa kupinda kokorodzano yoruwa yaizoitirwa pachitsuwa chacho. Ine Bhaibheri rayo rechiNgezi mumaoko, hanzvadzi piyona yakaribatsira kunzwisisa chimwe chokwadi cheBhaibheri chaikurukurwa mupurogiramu yacho. Jaya racho rakaororwa kwazvo norudo uye ushamwari hwakaratidzwa neZvapupu pakokorodzano. Chishanu chakatevera chacho, rakakoka mapiyona maviri mungarava. Mapiyona acho akatakura mabhuku echiNgezi neechiSpanish. Mabhegi avo okupupura akasara asina chinhu pasina kana neawa! Jaya rokuJamaica raidzidza Bhaibheri Chishanu choga choga kutozosvikira kupera kwechirimo. Chirimo chakatevera rakanga radzoka, ratogadzirira kupfuuridzira fundo yaro. Zvisinei, panguva ino, rakasarudza kuchinja basa raro kuitira kuti rigone kufambira mberi mumudzimu. Zvadaro rakaendazve. Hama dzomuRodzi dzakafara sei kuziva kuti jaya iri rakabhabhatidzwa kumavambo kwa1998!

Kubata “Hove” Dzinotama

Gungwa reAegean rinozivikanwa nehove dzaro dzakawanda dzinotama, dzakadai sesaradhini neswordfish, dzinopfuura nomumvura dzaro dzozogumira mumambure evabati vehove vane unyanzvi. Saizvozvowo, vaevhangeri voUmambo vanowana mwoyo yakawanda inogamuchira pakati pevashandi vanotama vanenge vatamira kuGirisi vachibva kunyika dzakawanda dzokuMabvazuva kweEurope.

Rezi aiva nemakore gumi paakatanga kurava nezvaJehovha uye zvinangwa zvake mumapeji eNharireyomurindi neMukai! Kwaiva kuAlbania ikoko. Makore matatu gare gare akatamira kuchitsuwa cheRodzi nemhuri yake. Rimwe zuva, Rezi akanyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire kuwana vanhu vake mumusha wake mutsva. Zuva rakatevera racho baba vake vakauya nemagazini aye akajairika, Nharireyomurindi neMukai!, zvichifadza Rezi kwazvo. Rezi akaonana nehanzvadzi yakanga yapa baba vake magazini, uye nokukurumidza akatanga kudzidza bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Dzimwe nguva, aikumbira kudzidza katatu muzuva rimwe chetero! Papera mwedzi miviri akava muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye muna March 1998, akabhabhatidzwa pazera remakore 14. Zuva iroro, akatanga upiyona hwebetsero, uye mwedzi mitanhatu gare gare akanyoresa kushanda sapiyona wenguva dzose, kana kuti mushumiri wenguva yakazara.

Imwe hama pachitsuwa cheKosi yaidzidza nevamwe vanhu vokuRussia. Payakavabvunza kana vaiva neshamwari dzipi nedzipi dzaizoda kudzidza Bhaibheri, vakaenda nayo kuvaviri vakaroorana vechiArmenia—Leonidas nemudzimai wake, Ophelia—vaiva mumusha waiva kure nemakiromita 30. Chishamiso chakanga chakamirira hama yacho. Vaviri vakaroorana vechiArmenian vakabudisa bhegi rakanga rakazara nemabhuku eBhaibheri echiArmenia uye echiRussia akabudiswa neWatch Tower Society! Vakatsanangura kuti vakanga vadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye vafambira mberi kusvika pakuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Nemhaka yokusagadzikana kwezvematongerwe enyika uye kuoma kwoupfumi, vaifanira kutama nyika yokumusha kwavo. Pavakangosvika paKosi, vakatanga kudzidza naamai vaLeonidas nehanzvadzi yake, vaitova ikoko. Pasina nguva, Chapupu chacho chakanga chava kuitisa fundo nhatu dzeBhaibheri—imwe naOphelia, imwe Leonidas, uye imwe naamai vake nehanzvadzi yake. Izvi zvaida kufamba makiromita 30 kuenda nokudzoka nomudhudhudhu katatu pavhiki. Leonidas nomudzimai wake vakabhabhatidzwa mwedzi yakatevera gare gare. Mubayiro wakadini nokuda kwokuzvibayira kwehama dzomunzvimbo iyoyo!

Jehovha Ndiye Anoita Kuti Chikure

Chikomborero chaJehovha chiri pachena pakuedza kwokusaneta kwevazivisi voUmambo vanoshingaira vanopfuura 2 000 vari pazvitsuwa izvi zveAegean. Zvino kwava neungano 44 uye mapoka 25 eZvapupu zvaJehovha ikoko. Pamapoka acho, 17 ndeemitauro yedzimwe nyika, sezvo kuri kuda kwaJehovha kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Uyezve, mapiyona chaiwo 13 ari kupfuurira kuedza kuti akurukure nevakawanda mundima idzodzo dziri dzoga.

Kwemazana emakore Gungwa reAegean rave riri nzvimbo yakatangira kuvandudzika mune zvetsika uye bhizimisi rezvokutengeserana. Mumakumi emakore achangopfuura razova nzvimbo yevashanyi ine mukurumbira nokuda kwemazana ezviuru zvevashanyi. Asi chinokosha zvikuru, se“vabati vevanhu,” vazivisi voUmambo vakawana vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vanoda kurumbidza Jehovha pazvitsuwa izvi. Vose, vakabvuma munzira huru kokero youprofita inoti: “Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”—Isaya 42:12.

[Mepu iri papeji 22]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Gungwa reAegean

GIRISI

Lésvos

Kiyosi

Samosi

Ikaria

Phournoi

Patimosi

Kosi

Rodzi

Kirete

TURKEY

[Mufananidzo uri papeji 23]

Chitsuwa cheLésvos

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chitsuwa chePatimosi

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chitsuwa cheKirete