Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI JESU AKATAMBURA NDOKUFA?

Zvakanyatsoitika Here?

Zvakanyatsoitika Here?

Muchirimo cha33 C.E., Jesu wekuNazareta akaurayiwa. Ainge apomerwa mhosva yekupandukira hurumende, ndokurohwa zveutsinye, achibva azorovererwa padanda. Akafa achirwadziwa chaizvo. Asi Mwari akamumutsa kuti ararame zvekare uye akaenda kudenga pashure pemazuva 40.

Nyaya iyi inowanika mumabhuku mana eEvhangeri ari muMagwaro echiKristu echiGiriki, anonyanya kuzivikanwa seTestamende Itsva. Zvinhu izvi zvakanyatsoitika here? Uyu mubvunzo une musoro uye unokosha. Kana zvisina kuitika, kunamata kwevaKristu kunenge kusina zvakunobatsira uye kufunga nezvekurarama muParadhiso kunenge kuri kungorotawo zvako. (1 VaKorinde 15:14) Asi kana zvinhu izvi zvakanyatsoitika, remangwana revanhu vose kusanganisira rako, rinenge rakajeka. Saka zvinotaurwa nemabhuku eEvhangeri zvakaitika here kana kuti ndezvekunyepa?

CHOKWADI PANYAYA IYI

Nyaya dziri mumabhuku eEvhangeri hadzisi ngano. Dzakarurama uye dzinonyatsoratidza zvakaitika. Somuenzaniso, mabhuku acho ane mazita akawanda enzvimbo dzinotozivikanwa kuti dziriko uye munhu anogona kutodzishanyira mazuva ano. Anotaura nezvevanhu chaivo vakamborarama. Vanonyora zvakaitika kare vanoratidzawo kuti vanhu ava vakambovako.—Ruka 3:1, 2, 23.

Vanonyora zvakaitika kare vakararama makore ari pakati pa1 C.E.-200 C.E. vakanyorawo nezvaJesu. * Nzira yaakaurayiwa nayo iyo inotaurwa mumabhuku eEvhangeri inoenderana nenzira dzaishandiswa nevaRoma pakuuraya vanhu mazuva iwayo. Uyewo, nyaya dzirimo dzinotaurwa sezvadziri pasina kuvanza zvimwe, dzichitoratidza zvimwe zvaikanganiswa nevadzidzi vaJesu. (Mateu 26:56; Ruka 22:24-26; Johani 18:10, 11) Zvose izvi zvinonyatsoratidza kuti vanyori veEvhangeri pavainyora nezvaJesu vainyora zvinhu zvakarurama.

JESU AKAMUTSWA HERE?

Vakawanda vanobvuma kuti Jesu akamborarama akazofa, asi vamwe vavo havana chokwadi kuti akamutswa. Kunyange vaapostora vake chaivo havana kubvuma pavakatanga kunzwa kuti akanga amutswa. (Ruka 24:11) Ivo pamwe chete nevamwe vadzidzi vakazobvuma pavakaona Jesu panguva dzakasiyana-siyana pashure pekunge amutswa. Pamwe pacho akaonekwa nevanhu vanopfuura 500.—1 VaKorinde 15:6.

Vadzidzi vakaparidza neushingi nezvekumutswa kwaJesu kuvanhu vose kunyange kune vaya vakanga vamuuraya, pasinei nekuti izvi zvaigona kuita kuti vasungwe uye vaurayiwe. (Mabasa 4:1-3, 10, 19, 20; 5:27-32) Vadzidzi vese ivavo vangadai vakava neushingi hwakadaro here kudai vainge vasina chokwadi chekuti Jesu ainge amutswa? Kuziva kuti Jesu akamutswa zvechokwadi ndiko kwaiita kuti vanhu vade kuva vaKristu kare uye iye zvino.

Manyorerwo akaitwa nhoroondo dziri mumabhuku eEvhangeri idzo dzinotaura nezvekufa uye kumutswa kwaJesu, anonyatsoratidza kuti ndedzechokwadi. Ukanyatsoverenga nhoroondo idzi uchaona kuti zvinhu izvi zvakanyatsoitika. Uchanyatsova nechokwadi nazvo kana ukanzwisisa zvikonzero zvakaita kuti zvinhu izvozvo zviitike. Izvozvo zvichataurwa munyaya inotevera.

^ ndima 7 Tacitus, uyo akaberekwa munenge muna 55 C.E., akanyora kuti “Kristu, pakabva zita rokuti [vaKristu], akatongerwa rufu nemumwe wemagavhuna edu, Pondiyo Pirato, Tibheriyo paaiva mambo.” Vamwewo vanotaura nezvaJesu ndevanotevera: Suetonius (akararama makore ari pakati pa1 C.E.-100 C.E.); munyori wezvakaitika kare wechiJudha ainzi Josephus (akararama makore ekuma100 C.E.); nagavhuna weBhitiniya ainzi Pliny the Younger (akararama kutanga kwemakore ekuma100 C.E.).