Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

3 | Bvisa Pfungwa Dzeruvengo

3 | Bvisa Pfungwa Dzeruvengo

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva, muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.”VAROMA 12:2.

Zvazvinoreva:

Mwari ane basa nezvatinofunga. (Jeremiya 17:10) Zvinhu zvatinotaura nezvatinoita zvinotangira mumwoyo. Saka hatifaniri kungogumira pakurega kutaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kuti tine ruvengo. Asi tinofanira kukurumidza kubvisa mafungiro anogona kuita kuti tipedzisire tava neruvengo. Izvozvo zvichaita kuti pfungwa dzedu ‘dzishandurwe,’ tokunda ruvengo.

Zvaungaita:

Nyatsoongorora mafungiro uye manzwiro aunoita nezvevamwe vanhu, kunyanya verumwe rudzi kana kuti vanobva kune imwe nyika. Zvibvunze kuti: ‘Ndinovaona sei? Maonero angu anobva pane zvandinonyatsoziva nezvavo here kana kuti anokonzerwa nerusarura?’ Siyana nemafirimu, zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo kana zvinhu zvinobudiswa pasocial media zvinoratidza nyaya dzekuvengana uye dzekurwisana.

Shoko raMwari rinogona kutibatsira kukurira ruvengo ruri mumwoyo medu nemupfungwa

Hazvisi nyore kuongorora manzwiro edu uye mafungiro edu zvakarurama. Asi Shoko raMwari rinogona kutibatsira ‘kunzwisisa pfungwa dzedu uye zvinodiwa nemwoyo wedu.’ (VaHebheru 4:12) Saka ramba uchidzidza Bhaibheri. Enzanisa mafungiro ako nezvarinodzidzisa uye ita zvese zvaunogona kuti mafungiro ako aenderane nezvinodiwa naMwari. Shoko raMwari rinogona kutibatsira kukurira ruvengo ‘rwakadzika midzi’ mumwoyo medu nemupfungwa.—2 VaKorinde 10:4, 5.