Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | KUKUNDA DAMBUDZIKO REKUSIYANA KWEMITAURO

Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare

Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare

KUSIYANA kwemitauro iyo yava kusvika 7 000, kunogona kuita kuti vanhu vasanzwanana panyaya dzekutengeserana, dzedzidzo, pakufamba rwendo, uye mudzihurumende. Dambudziko iri rakatanga kare. Somuenzaniso, makore anenge 2 500 akapfuura, vaPezhiya pavaitongwa naMambo Ahashivheroshi (anofanira kunge ari iye ainziwo Xerxes I), vakatumira tsamba munzvimbo yose yaaitonga, ‘kubva kuIndiya kusvikira kuItiopiya, matunhu 127, kudunhu rimwe nerimwe nemanyorero aro uye kurudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.’ *

Vanhu vari mumasangano akawanda mazuva ano kunyange muhurumende chaidzo havangambodi kuita basa rakadaro rakaoma. Asi kune sangano rimwe chete rakakwanisa kuita izvi. Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini, mavhidhiyo nezvimwe zvokuteerera, uye mabhuku akawanda kusanganisira Bhaibheri mumitauro inopfuura 750. Panhamba iyi panosanganisira mitauro inenge 80 yemasaini. Zvapupu zvinobudisawo mabhuku eBraille anoshandiswa nevasingaoni.

Chimwe chinoshamisa ndechokuti Zvapupu zvaJehovha hazviiti basa iri kuti zviwane mari. Vanhu vacho vanoshandura mabhuku uyewo vamwe vavanoshanda navo vanozvipira kuita basa iri vasingabhadharwi. Chii chinoita kuti vaite basa rakakura kudai rokushandura mabhuku uye vanozviita sei?

^ ndima 3 Verenga Esteri 8:9 muBhaibheri.