MUKAI! Nhamba 3 2016 | Kukunda Dambudziko Rekusiyana Kwemitauro
Waizviziva here kuti Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku anoshandurwa mumitauro inopfuura 750?
Sei tichiita basa iri? Tinoda kuti mashoko ari muBhaibheri asvike “kumarudzi ose nemadzinza nendimi [kana kuti mitauro] nevanhu.”—Zvakazarurwa 14:6.
Magazini ino ‘yeMukai!’ inotaura kuti tinoshandura sei mabhuku edu.
NYAYA IRI PAKAVHA
Kukunda Dambudziko Rakatanga Kare
Sei Zvapupu zvaJehovha zvichishandura mabhuku azvo mumitauro yakawanda kudai?
NYAYA IRI PAKAVHA
Kukunda Dambudziko Rekusiyana Kwemitauro—Maitirwo Ebasa Rekushandura Mabhuku
Mushanduri anotaura kuti basa rake rinoitwa sei.
ZVAKAITIKA KARE
Ignaz Semmelweis
Nei vanhu vese vachifanira kutenda basa guru rakaitwa nemurume uyu?
MAZANO EKUBATSIRA MHURI
Zvamungaita Pakukurukura Matambudziko
Maitiro evanhurume nevanhukadzi pakukurukura anosiyana. Kuziva izvi kunogona kukubatsira kuti usakurumidza kugumbuka.
ZVINOTAURA BHAIBHERI
Kutenda
Bhaibheri rinoti ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ Chii chinonzi kutenda? Ungaita sei kuti uve nekutenda?
Chikafu Chinorwarisa Munhu Kana Zvaita Sei?
Pane chakaipa here kungofungira kuti chikafu chinokurwarisa asi usina kuona chiremba?
ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?
Mutsipa Wesvosve
Kapuka aka kanozvigona sei kusimudza zvinhu zvinorema kukadarika?
Zvimwe Zviri paIndaneti
‘Mashoko Akanaka Kumarudzi Ose, Madzinza Nendimi’
Kuti vanhu vakawanda vanzwisise chokwadi chiri muBhaibheri, zvinokosha kuti pave neshanduro yakarurama. Basa iri riri kumboitwa sei? Matambudziko api anosangana nevashanduri?

