Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Madzidziro Aunoita?

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Madzidziro Aunoita?

Vanhu vanogara vachidzidza, zvingava zvinhu zvekuchikoro, zvebasa, kana zvimwewo. Mafoni anogona kuvabatsira. Iye zvino zvava nyore chaizvo kudzidza zvinhu zvakawanda usina kumbobva pamba kana kusimuka chaiko.

Asi vanhu vakawanda vanonyanya kushandisa mafoni . . .

  • vanoomerwa nekuisa pfungwa pazvinhu zvavanenge vachiverenga.

  • vanoomerwa nekuita chinhu chimwe chete panguva.

  • vanokurumidza kubhowekana pavanenge vari vega.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

KUVERENGA

Pavanenge vachiverenga, vamwe vanhu vanongotarisa-tarisa nyaya yacho kuti vaone kuti iri kuenda nekupi pane kunyatsodzikisa pfungwa kuti vanzwisise zvairehwa nemunyori.

Maverengero akadaro anogona kubatsira paunenge uchida kukurumidza kuwana mhinduro yemumwe mubvunzo. Asi anogona kukutadzisa kunyatsonzwisisa zvaunenge uchiverenga.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvinombokuomera here kuverenga pakati kurei? Kuverenga pakati kurei kungakubatsira sei kuti uvandudze madzidziro aunoita?—ZVIREVO 18:15.

KUISA PFUNGWA PACHINHU CHIMWE CHETE

Vamwe vanhu vanofunga kuti foni inogona kuvabatsira kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete, zvakadai sekutumira shamwari dzavo mameseji uku vachidzidza. Asi kana pfungwa dzavo dzisiri pachinhu chimwe chete, hapana chakanaka chinobuda pane zvese zvavanenge vachiita.

Zvinotoda kuzvidzora kuti munhu akwanise kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete, asi zvinobatsira chaizvo. Mumwe musikana anonzi Grace akati: “Hauzonyanyi kukanganisa kana kunetseka. Ndakadzidza kuti zviri nani kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete panguva, pane kuedza kuda kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete.”

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Kuedza kuda kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kunoita kuti uomerwe nekunzwisisa uye kuyeuka zvaunenge wadzidza here?—ZVIREVO 17:24.

PAUNENGE URI WEGA

Vamwe vanhu havanzwi zvakanaka kana vari vega pakangoti zii, saka vanobva vatora foni yavo kuti vazvivaraidze. Mumwe mukadzi anonzi Olivia akati: “Kana ndikaita maminitsi 15 ndakagara, ndisina kumbotarisa foni yangu kana tablet kana kubatidza TV, ndinototanga kubhowekana.”

Asi kuti munhu anyatsokwanisa kubata zvaanodzidza, anoda nguva yekumbova ega achidzamisa pfungwa. Izvi zvinobatsira vanhu vese vangave vakuru kana vadiki.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Unokwanisa kushandisa nguva yaunenge uri wega kuti udzamise pfungwa here?—1 TIMOTI 4:15.

ZVAUNOGONA KUITA

ONGORORA MASHANDISIRO AUNOITA FONI YAKO

Ungashandisa sei zvinhu zvakaita semafoni kuti uvandudze madzidziro aunoita? Foni inogona kukutadzisa sei kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete uye pakudzidza?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.”—ZVIREVO 3:21.