Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kunoedzwa muSlovakia

Kutenda Kunoedzwa muSlovakia

Kutenda Kunoedzwa muSlovakia

YAKATAURWA NAJÁN BALI

NDAKABEREKWA musi waDecember 24, muna 1910, muZáhor, musha wava kumabvazuva kweSlovakia. Panguva iyoyo musha wedu wakanga uri rutivi rweAustro-Hungarian Empire. Muna 1913, Amai vakaenda neni kuUnited States kunogara nababa vangu, vakanga vatanga kubva muZáhor. Makore maviri ini naAmai tasvika muGary, Indiana, hanzvadzi yangu Anna akaberekwa. Zvadaro Baba vakarwara vakafa muna 1917.

Ndakaita shungu nechikoro, ndichinyanya kufarira zvine chokuita nechitendero. KuCalvinist Church kwandaipinda chikoro chomusi weSvondo, mudzidzisi akaona kuti ndakanga ndichifarira zvokunamata. Kuti nyota yangu ipere, akandipa Bhaibheri reHolman Edition, raiva nemibvunzo nemhinduro 4 000. Izvi zvakapa pfungwa dzangu dzaiva nemakore 11 zvinhu zvokufunga nezvazvo.

‘Ichi Ndicho Chokwadi’

Mumakore iwayo epakuvamba, vamwe vanhu vokuSlovakia vakanga vatamira kwataigara vakava Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Mumwe wavo akanga ari babamukuru vangu ainzi Michal Bali, uyo akatiudza chokwadi cheBhaibheri. Zvisinei, muna 1922 Amai vakadzokera neni nehanzvadzi yangu kuZáhor, iyo panguva yacho yakanga yava rutivi rweCzechoslovakia yokumabvazuva.

Nguva pfupi pashure peizvi, Babamukuru Michal vakanditumira mabhuku ose eStudies in the Scriptures, akanyorwa naCharles Taze Russell, uyewo magazini eNharireyomurindi kubvira pane yokutanga yaJuly 1, 1879. Ndakaaverenga ndikapedza, dzimwe ndima ndichidzidzokorora kakawanda, ndikaona kuti ndakanga ndawana chokwadi cheBhaibheri chandakanga ndiri kutsvaka.

Panenge panguva iyoyo vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakanga vabva kuSlovakia vakadzoka kumusha vachibva kuUnited States. Vakaumba mapoka okutanga eVadzidzi veBhaibheri muCzechoslovakia omutauro wechiSlovak. Ini naamai vangu taipinda misangano iyoyo yepakutanga mumusha wedu weZáhor uyewo kune dzimwe nzvimbo dzakanga dziri pedyo.

Misangano iyoyo yakanga yakafanana nemisangano yaiitwa muzana remakore rokutanga. Kazhinji taiungana mumba momumwe weVadzidzi veBhaibheri, mataigara takakomba tafura, rambi remafuta riri pakati. Sezvo ndaiva muduku pane vose, ndaiwanzogara necheshure, ndichiteerera ndiri murima. Zvisinei, dzimwe nguva ndaikumbirwa kutaurawo. Apo vamwe vakanga vasina chokwadi nezvaiva zvakanyorwa muchiSlovak, vaibva vati: “Ee, Ján, chiRungu chiri kuti kudii apa?” Ndaifara kuswedera pedyo nerambi kwava kushandurira muchiSlovak zvakanga zviri mubhuku rechiRungu.

Pane vaya vakava Vadzidzi veBhaibheri muUnited States uye vakadzoka kune yakanga yava Czechoslovakia pakanga paina Michal Šalata. Akadzoka kumusha wakanga uri pedyo weSečovce, kwaakanga ambogara, uye akabatsira kuronga basa rokuparidza muCzechoslovakia. Hama Šalata vakaenda neni kunzendo dzebasa romumunda. Zvadaro, muna 1924, ndava nemakore 13, ndakavakumbira kuti vandibhabhatidze. Kunyange zvazvo Amai vaifunga kuti ndakanga ndichiri muduku kuti nditore danho iroro rinokosha, ndakaita kuti vagutsikane kuti ndakanga ndaita chisarudzo ichocho. Naizvozvo muna July pagungano rezuva rimwe rakaitwa pedyo neRwizi rweOndava, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura yomurwizi irworwo.

Ropafadzo Dzebasa Dzinokosha Zvikuru

Pandakanga ndava nemakore 17, ndakanzwa kuti pane mariro akanga ari kuzoitwa makiromita anoverengeka kubva kwandakanga ndiri kuparidza. Akanga ari okutanga kuzoitiswa neVadzidzi veBhaibheri munzvimbo iyoyo. Pandakasvika, ndakapinda nomuvanhu vaiva vakati meso kwandiri ndee ndakananga kumukurukuri. Pandakasvika paari, akatendeukira kwandiri ndokuti: “Ndichatanga ndini kutaura, iwe wozoenderera mberi.”

Hurukuro yangu yaibva parugwaro rwa1 Petro 4:7, urwo runoti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” Ndakaratidza kubva muMagwaro kuti mugumo wokutambura norufu wava pedyo, uye ndakatsanangura tariro yorumuko. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Pasinei nokuti ndakanga ndichiratidzika kuva muduku—izvi zvakatobatsira—vanhu vose vaiva vakateya nzeve chaizvo.

Mashoko anofadza akanga ari muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1931, iyo yakatsanangura kuti takanga tisisadi kuzivikanwa seVadzidzi veBhaibheri kana rimwe zita asi kuti takanga tava kuda kuzivikanwa seZvapupu zvaJehovha. Pashure pokuverenga mashoko aya, Vadzidzi veBhaibheri vomunharaunda yedu vakaronga musangano unokosha. Vadzidzi veBhaibheri vanenge 100 vakaungana mumusha wePozdišovce. Ipapo ndakava neropafadzo yokupa hurukuro yaiva nomusoro waiti “Zita Idzva,” yakavakirwa paNharireyomurindi yataurwa pamusoro apa.

Vachifara zvikuru, vose vakanga vari muvateereri vakasimudza maoko avo kuratidza kuti vakanga vachibvumirana nezvakanga zvasarudzwa nevamwe vanamati pasi pose. Zvadaro takatumira teregiramu kumuzinda wepasi pose weZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York, iyo yaiti: “Isu, Zvapupu zvaJehovha zvakaungana nhasi muPozdišovce, tinobvumirana netsanangudzo iri muNharireyomurindi maererano nezita idzva, uye tiri kubvuma zita iri, Zvapupu zvaJehovha.”

Nzvimbo huru yeSlovakia neTranscarpathia, iyo yakanga iri yeCzechoslovakia Hondo Yenyika II isati yarwiwa, yakanga iri munda wakaorera nokuda kwoushumiri hwedu hwechiKristu. Takafukidza ndima iyi netsoka uyewo nechitima, bhazi, nebhasikoro. Panguva iyoyo bhaisikopo re“Photo-Drama of Creation” uye masiraidhi akanga aine mimhanzi, zvakaratidzwa mumaguta akawanda. Pashure pokuratidza bhaisikopo, kero dzevanhu vaifarira dzakatorwa. Ndakapiwa kero idzi dzakawanda uye ndakakumbirwa kuti ndironge Zvapupu zvaizoshanyira vanofarira ava. Mune mamwe maguta, tairenda imba hombe kwandaipa hurukuro dzakanangana nezvavakanga vanzwa.

Muma1930, ndakava neropafadzo yokusarudzwa kuenda kukokorodzano huru muguta guru rePrague. Muna 1932 kokorodzano yokutanga yemarudzi ose muCzechoslovakia yakarongwa. Takaungana muVarieté Theatre. Musoro wehurukuro yavose wakanga uri wokuti “Europe Ruparadziko Rusati Rwauya” yakafarirwa nevanhu, uye vanenge 1 500 vakapinda. Imwe kokorodzano yemarudzi ose yakaitwa muPrague muna 1937, uye ndakava neropafadzo yokupa imwe yehurukuro dzacho. Vanhu vakabva kune dzimwe nyika zhinji dzomuEurope vakanga varipo, uye isu tose takakurudzirwa kuti tienderere mberi pasinei nemiedzo yakatevera Hondo Yenyika II.

Kuroora, uye Miedzo Yakaomarara

Patakadzoka kuCzechoslovakia, ini naAmai takashanda pamwe mubasa rokuparidzira nevamwe Vadzidzi veBhaibheri muPozdišovce yaiva pedyo. Ikoko ndakaona imwe tsvarakadenga yainzi Anna Rohálová. Patakanga tati kurei, takaona kuti manzwiro edu akanga akadarika okungoti ava ndihama uye ava ndihanzvadzi vechiKristu. Muna 1937 takaroorana. Kubvira panguva iyoyo, Anna akanditsigira, kunyange “mumwaka unotambudza” wakanga wave kuda kutevera.—2 Timoti 4:2.

Nguva pfupi pashure pomuchato wedu, zvakava pachena kuti Europe yakanga iri kugadzirira Hondo Yenyika II. Pakazosvika November 1938, kumaodzanyemba kweTranscarpathia uye Slovakia kwakanga kwava kweHungary, yakanga ichirwa iri kudivi reNazi Germany. Misangano yedu yakarambidzwa nemapurisa eHungary, uye kazhinji taifanira kuenda kukamba yemapurisa.

Pashure pokunge Hondo Yenyika II yatanga muna September 1939, vanoverengeka vedu vanobva kuZáhor, varume nevakadzi, takaendeswa kune imwe imba yekare muMukacheve, iye zvino yava Ukraine, tikava muusungwa. Ikoko takaona Zvapupu zvakawanda zvakanga zvabva kuungano dzokuTranscarpathia. Pashure pokubvunzurudzwa kwemwedzi mitatu kana mina uye tichirohwa zvikuru, takatongwa nedare remauto. Tose takabvunzwa mubvunzo mumwe chete: “Munoda kurwira Hungary muchirwa neU.S.S.R here?” Sezvo takaramba, takapiwa mitongo uye pakupedzisira takatumirwa kujeri raiva muBudapest, Hungary, panhamba 85 Margit Boulevard.

Vasungwa vose vaipiwa zvokudya zvishomanana. Pasina kana nenguva, zvirwere zvakapararira uye vasungwa vakatanga kufa. Ndaifara zvikuru apo mudzimai wangu aiuya kuzondiona achibva kuZáhor! Kunyange zvazvo taikwanisa kutaura kwemaminiti anenge mashanu chete nepamasimbi ejeri, ndaionga Jehovha zvikuru nokuda kweshamwari yakatendeka zvakadaro. *

Kubva Kujeri Kuenda Kumusasa Wechibharo

Ndakabudiswa mujeri ndokuendeswa kuJászberény, Hungary, uko Zvapupu 160 zvakanga zvaendeswa. Patakanga tiri ikoko, mumwe mupurisa weHungary akatipa mumwe mukana wokupedzisira wakabva kuhurumende yeHungary: “Kana pane anoda kushanda muchiuto, ngaauye kuno mberi.” Hapana akaenda. Mupurisa wacho akati: “Kunyange ndisingabvumirani nezvamuri kuita, ndinoyemura kushinga kwenyu kuti muchengete chitendero chenyu.”

Mazuva mashoma pava paya, takakwira ngarava muRwizi rweDanube tikavamba rwendo rwokuenda kumusasa wechibharo wakanga uri pedyo neguta reYugoslavia rinonzi Bor. Pataiva tiri mungarava, varwi uye vakuru vavo vakaedza kasingaperi kuita kuti tibvumirane navo. Mukuru wevarwi akaita kuti masoja atirove nepfuti dzavo, vatibanhe neshangu dzavo, uye kushandisa dzimwe nzira dzokutambudza.

Patakapirwa kuna Lieutenant Colonel András Balogh, aiva mukuru womusasa wechibharo muBor, akatiudza kuti: “Kana zvandakaudzwa zviri zvechokwadi, muchapera kufa mose pasina nguva.” Asi pashure pokuverenga zvaiva mutsamba dzakanamwa dzakabva kuvakuru vehurumende, akatibata noruremekedzo. Balogh aitipa rusununguko rwakati kuti rwokufamba-famba uye akatotibvumidza kuzvivakira dzimba dzokugara. Kunyange zvazvo zvokudya zvakanga zviri zvishoma, takanga tiine kicheni yedu toga, saka zvokudya zvaigoverwa zvakaenzana.

Muna March 1944, Germany yakatanga kutonga Hungary. Panguva iyoyo mumwe mukuru wemauto akanga achitsigira vaNazi anonzi Ede Marányi akatsiva Balogh. Akadzika mirau yakaomarara, kufanana neyemumisasa yevasungwa. Zvisinei, pasina nguva huru mauto eRussia akasvika, uye vanhu vakabudiswa mumusasa weBor. Pava paya, takaona nemaziso edu kupondwa kwakaitwa vaJudha paCservenka. Zvaiita sechishamiso kuti hatina kuurayiwawo.

Patakasvika kumuganhu uri pakati peHungary neAustria, takarayirwa kuchera makomba okuisa pfuti dzinonzi zvigwagwagwa. Takatsanangura kuti chakanga chaita kuti tive vasungwa kwakanga kuri kuramba kubatanidzwa mune zvehondo. Sezvo ndakanga ndiri mberi kweboka racho, mukuru wemauto eHungary akandibata akatanga kundirova. “Nhasi unofa!” akadanidzira achidaro. “Kana ukaramba kushanda, vamwe vachatevedzera muenzaniso wako wakashata!” Kupindira kwoushingi kwakaita Hama András Bartha, Chapupu chikuru chakanga chichitungamirira basa redu rokuparidzira, ndiko kwakandiponesa. *

Vhiki dzakati kuti izvi zvaitika, hondo yakapera uye takatanga kudzokera kumusha. Vamwe vasungwa, avo vakanga vabudiswa isu tisati tabuda, vakanga vataura kuti isu tose takanga tasara tikaurayiwa. Naizvozvo kweinenge mwedzi mitanhatu, mudzimai wangu aizvitora sechirikadzi. Akashamiswa zvikuru rimwe zuva kuti dhuma dhuma neni pamukova! Misodzi yokufara yakaerera pamatama edu sezvatakambundirana pashure pemakore taparadzana.

Kurongazve Basa

Pashure peHondo Yenyika II, Slovakia yakabatana zvekare neCzechia kuti dziumbe Czechoslovakia. Zvisinei, Transcarpathia, nzvimbo huru yakanga iri rutivi rweCzechoslovakia hondo isati yarwiwa, yakava rutivi rweUkraine muSoviet Union. Muna 1945, ini naMichal Moskal takaenda kuBratislava, iye zvino yava guta guru reSlovakia, kwatakanosangana nevaiva nemutoro kuti tironge basa rokuparidzira. Kunyange zvazvo takanga taneta mumuviri nomupfungwa, takafara kuenderera mberi nebasa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14; 28:18-20.

Hondo yapera, kokorodzano dzakakurudzira zvikuru basa redu. Muna September 1946 yokutanga munyika yose yakaitwa muguta reBrno. Ndakava neropafadzo yokupa hurukuro yaiva nomusoro waiti “Kukohwa, Mugumo Wenyika.”

Muna 1947 imwe kokorodzano yemarudzi yakaitwa muBrno. Ikoko, Nathan H. Knorr, Milton G. Henschel, naHayden C. Covington vakanga vachishanyira vachibva kumuzinda wepasi pose weZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York, vakapa hurukuro dzinokurudzira. Ndakava neropafadzo yokuturikira hurukuro dzavo. Kunyange zvazvo takanga tiine vanenge vazivisi voUmambo 1 400 muCzechoslovakia panguva iyoyo, vanenge 2 300 vakapinda hurukuro yavose.

Kutambudzwa neVakomonisiti

Muna 1948 Vakomonisiti vakatora nyika, uye pasina kana nguva mutemo wairambidza basa redu rokuparidza wakagara makore 40 wakadzikwa. Muna 1952 vazhinji vedu vakanga vachinzi ndivo vaiva vatungamiriri takaiswa mujeri. Vazhinji vakapiwa mhosva dzokupandukira, asi vamwe vashoma takanzi taida kupidigura hurumende. Ndakaiswa mujeri ndikabvunzurudzwa kwemwedzi 18. Pandakabvunza kuti ndakanga ndiri mutengesi sei, mutongi akati: “Uri kutaura nezvoUmambo hwaMwari. Uye unoti huchatonga pasi pose. Izvozvo zvinosanganisira Czechoslovakia.”

“Kana zvakadaro,” ndakapindura, “munofanira kutonga vose vanonyengetera Munamato waShe vachikumbira kuti ‘Umambo hwaMwari huuye.’” Kunyange zvakadaro, ndakatongerwa kugara mujeri makore mashanu nehafu uye ndakaendeswa kujeri reVakomonisiti raiva nembiri muJáchymov, Czechoslovakia.

Ndapedza makore anoverengeka ndiri mujeri, ndakabudiswa. Mudzimai wangu Anna, akanga anditsigira nokutendeka achindinyorera tsamba uye kuuya kuzondiona, nokutarisirawo mwanasikana wedu Mária. Pakupedzisira, mhuri yedu yakabatanidzwazve, tikatangazve mabasa edu echiKristu, ataiita pachivande.

Upenyu Hunogutsa Hwokushumira Jehovha

Mumakore 70 neanoraudzira adarika, Zvapupu zvaJehovha munharaunda yedu zvakashumira mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, kazhinji kacho pasi pokutonga kweVakomonisiti. Chokwadi, ndakwegura uye handichisina simba, asi ndichiri kukwanisa kushanda somukuru wechiKristu muZáhor, pamwe chete nevamwe vakatendeka vakadai saJán Korpa-Ondo, uyo achiri mupenyu kunyange ava nemakore 98. * Mudzimai wangu anodiwa, chipo chaicho chakabva kuna Jehovha, akafa muna 1996.

Ndichiri kuona zvakajeka mufananidzo unotsanangurwa papeji 228 kusvika ku231 mubhuku raThe Way to Paradise, rakabuda muna 1924. Muverengi akakumbirwa kuzviona ari muParadhiso achinzwa vanhu vaviri vamutswa vachitaurirana. Vakanga vasina chokwadi kuti vari kupi. Zvadaro munhu akanga apona paAmagedhoni akava neropafadzo yokutsanangurira vaviri ava kuti vakanga vamutsirwa muParadhiso. (Ruka 23:43) Kana ndikapona paAmagedhoni, ndingada kutsanangura izvozvo kumudzimai wangu, amai vangu, nevamwe vadiwa pavanomutswa. Asi kana ndikafa Amagedhoni isati yauya, ndinotarira mberi kunguva apo mumwe munhu munyika itsva achandiudza zvose zvakaitika ini ndafa.

Iye zvino ndichiri kuonga ropafadzo inoshamisa yandinayo yokutaura naChangamire Ishe wezvose zviri muchadenga uye kukwanisa kuswedera pedyo naye. Ndakatsunga kuramba ndichirarama maererano nemashoko omuapostora Pauro ari pana VaRoma 14:8 anoti: “Zvose zviri zviviri kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo zvose zviri zviviri kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Ona nyaya yaAndrej Hanák muMukai! yechirungu yaApril 22, 2002, papeji 19-23. Imomo, mamiriro ezvinhu omumujeri iri anotsanangurwa pamwewo nezvaiitika kuCservenka, ichataurwa gare gare munyaya ino.

^ ndima 28 Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 1993, papeji 11 nokuda kwemamwe mashoko maererano naAndrás Bartha.

^ ndima 39 Ona nyaya youpenyu hwake muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1998, mapeji 24-8.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Ndiina Anna, gore rimwe taroorana

[Mifananidzo iri papeji 31]

Ndiina Nathan H. Knorr pakokorodzano yomuBrno muna 1947