Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dare Repamusorosoro Rinobvuma Kuongorora Nyaya Yacho

Dare Repamusorosoro Rinobvuma Kuongorora Nyaya Yacho

Dare Repamusorosoro Rinobvuma Kuongorora Nyaya Yacho

MUMAKORE ACHANGOPFUURA, Dare Repamusorosoro rakabvuma kuongorora nyaya dzainge dzatongwa dzinenge 80 kusvika ku90 pa7 000 dzainge dzakumbirwa pagore—chinoti pfuurei chikamu chimwe kubva muzana!

Muna May 2001, Zvapupu zvaJehovha zvakakwidza Chikumbiro Chokuongororwa Kwenyaya yacho kuDare Repamusorosoro, zvichibvunza kuti: “Vashumiri vechitendero vanenge vachiita basa rave nemazana emakore richiitwa rokufamba vachitaura nezvezvitendero zvavo pasuo nesuo vakafanana nevatengesi vezvinhu, vanofanira kutanga vawana mvumo kuminisiparati kuti vataure nezveBhaibheri kana kuti kupa mabhuku eBhaibheri pasina muripo here?”

Musi waOctober 15, 2001, Dhipatimendi reMitemo reWatchtower rakaziviswa kuti Dare Repamusorosoro reUnited States rakanga rabvuma kuongorora nyaya yakanga yambotongwa nedare duku iri pakati peWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., noMusha weStratton!

Dare rakangoita kuti nyaya yacho itariswe panhau chaiyo yorusununguko rwokutaura, yokuona kana kudzivirira rusununguko rwokutaura kuri muFirst Amendment kuchisanganisira kodzero dzevanhu dzokutaura nevamwe nezveimwe nyaya pasina kumbotanga vazvizivisa kumumiririri wehurumende.

Iye zvino nyaya yacho yaizodzeyewa pamberi pevatongi vapfumbamwe veDare Repamusorosoro reUnited States. Zvapupu zvaizova nemagweta azvo; ukuwo Musha weStratton uine awo. Nyaya iyi yaizopera sei mudare iri?

[Bhokisi riri papeji 5]

FIRST AMENDMENT CHII?

“AMENDMENT I (KUVAPO KWECHITENDERO; RUSUNUNGUKO RWOKUPINDA CHITENDERO CHAUNODA, RWOKUTAURA, RWOKUBUDISA NHAU, RWOKUUNGANA, RWOKUKUMBIRA) Hurumende haizodziki mutemo maererano nechitendero, kana kurambidza kupinda chitendero; kana kuderedza rusununguko rwokutaura kana rwokubudisa nhau; kana kodzero yevanhu yokuti vaungane zvine rugare, uye kukumbira hurumende kuti igadzirise zvichemo.”—Bumbiro Romutemo reU.S.

“First Amendment ndiyo hwaro hwoutongi hworuzhinji muUnited States. First Amendment inorambidza Hurumende kuti idzike mitemo inorambidza rusununguko rwokutaura, rwokubudisa nhau, rwokuungana zvine rugare, kana rwokukumbira. Vanhu vakawanda vanoona rusununguko rwokutaura sorusununguko runokosha zvikuru uye hwaro hworumwe rusununguko rwose. First Amendment inorambidzawo Hurumende kudzika mitemo yokuti pave nechitendero chenyika kana kudzora rusununguko rwechitendero.” (The World Book Encyclopedia) Zvinofadza kuti munyaya yaCantwell neConnecticut, 310 U.S. 296 (1940), muchisarudzo chikuru chaibatanidza Zvapupu zvaJehovha, Dare Repamusorosoro reUnited States rakatonga kuti zvinosimbiswa muFirst Amendment zvinorambidza kwete chete “Hurumende” (hurumende yeUnited States) asiwo zviremera zvomunharaunda (matunhu neminisiparati) kudzika mitemo inopesana nebumbiro romutemo rekodzero reFirst Amendment.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Mufananidzo naFranz Jantzen, NdeyeDare Repamusorosoro romuUnited States